bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 11
Acts 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
1
Vapositori navehama vaiva kuJudhea vakanzwa kuti vechirudzi vakanga vagamuchirawo Shoko raMwari.
2
Naizvozvo Pita paakakwira kuJerusaremu vechikwata chevokudzingiswa vakamutsoropodza
3
vachiti, “Makaenderei kuvanhu vasina kudzingiswa muchidya navo?”
4
Pita akatanga kutsanangura achinyatsovarondedzera zvakaitika, achiti:
5
“Ndaiva muguta reJopa ndichinamata; ndiri mumweya ndakaona, chiratidzo chechimwe chinhu chaiburuka chaiita sejira guru richidzikiswa richibva kudenga richiita serakabatwa namakona aro mana. Rakaburuka richiuya kwandiri.
6
Pandakanyatsoritarisisa ndakaona mhuka nezvikara zvinodya nyama nezvinozvova napasi neshiri dzedenga.
7
Ndakanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Pita simuka uuraye udye.’
8
Asi ndakati, ‘Kwete, Tenzi, handisati ndambodya, zvisingakodzeri kana zvakan'ora.’
9
Asi izwi rakapindura kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.’
10
Izvi zvakaitika katatu. Zvose zvikabva zvasimudzwa zvichiendeswa kudenga.
11
Panguva yakareyo varume vatatu vakasvika pamba pataigara vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuSezaria.
12
Mweya akandiudza kuti ndiende navo pasina zvorusaruro. Vehama vatanhatu ava vakaendawo neni. Takapinda mumba momurume iyeyo.
13
Akatirondedzera kuona kwaakaita mutumwa amire mumba make achiti, ‘Tuma vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita.
14
Iye achakutaurira shoko richakuponesa iwe nemhuri yako yose.’
15
Pandakatangisa kutaura Mweya Mutsvene akaburukira pavari sezvakangoitikawo patiri pakutanga paya.
16
Ndakayeuka shoko raTenzi paakati, ‘Johani aiombeka nemvura asi imi muchaombekwa naMweya Mutsvene.’
17
Zvino kana Mwari akapa chipo chimwechetecho chaakapa kwatiri patakatenda muzita raTenzi Jesu Kristu. Ko ndiri aniwo zvangu ndaigona kumirisana naMwari.”
18
Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.”
19
Zvino vaya vakapararira pamusana pokutambudzwa kwakamuka nokuda kwaSitefani, vakaenda zvokutonosvika kuFonikia neSaipurasi nokuAndiyoku vasingaparidzi shoko kuna ani zvake kusiya kuvaJudha.
20
Asi pane vamwe vavo, varume vokuSaipurasi nokuSairini pavakaenda kuAndiyoku vakataurawo kuvaGiriki vachivaparidza Tenzi Jesu.
21
Ruoko rune simba rwaTenzi rwakanga rwuinavo uye vanhu vazhinji vakadavira vakatendeukira kuna Tenzi.
22
Zvinhu izvi zvakasvika munzeve dzesangano raiva muJerusaremu vakatumira Bhanabhasi kuAndiyoku.
23
Paakasvika akaona nyasha dzaMwari akafara. Akavakurudzira vose kuti varambe vakatendeka vakati kwati kwati nomwoyo wose kuna Tenzi.
24
Bhanabhasi uyu aiva munhu akanaka azere naMweya nechitendero. Chikwata chikuru chakawedzerwa kuna Tenzi.
25
Naizvozvo Bhanabhasi akaenda kuTaso kundotsvaka Sauro.
26
Paakamuwana akauya naye kuAndiyoku. Kwegore rose vaisangana nesangano vachidzidzisa boka guru ravanhu. MuAndiyoku ndimo makatangira vadzidzi kuidaidzwa kunzi vakristu.
27
Pamazuva iwayo vaporofita vakabva kuJerusaremu vachienda kuAndiyoku.
28
Mumwe wavo anonzi Agabhusi akasimuka akafanotaura aina Mweya kuti kuchava nenzara huru pasi pose. Izvi zvakaitikawo pamazuva aKiraudhiosi.
29
Vadzidzi vakatenderana kutumira rubatsiro kune vehama vaigara kuJudhea mumwe nomumwe achipa sokugona kwake.
30
Vakaita saizvozvo. Vakazvitumira kuvakuru vakuru nomumaoko aBhanabhasi naSauro.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
Recommended Reading
Commentary
Acts Commentaries
→
Devotional
Acts Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→