bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 22
Acts 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
1
“Varume hama, nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwandinoita pamberi penyu.”
2
Pavakanzwa kuti aitaura kwavari nechiHebheru vakabva vatonyarara zvikuru. Iye akati,
3
“Ini ndiri muJudha ndakaberekerwa kuTasusi kuSirisia. Asi ndakarerwa muguta rino ndiri mumaoko aGamarieri ndikanyatsodzidziswa kuchengeta nemazvo chaimo mutemo wamadzibaba edu ndiine shungu naMwari sezvamakangoitawo imi nhasi uno.
4
Ndakatambudza venzira iyi kusvika parufu ndichisunga ndichiuisa mujeri varume nevakadzi zvingatopupurirwawo
5
nomupristi mukuru nedare ravakuru vakuru. Ndakatopihwa matsamba navo kune vehama. Ndaienda kuDhamasikusi kuti ndinotora vakanga variko ndichivauisa vakasungwa kuJerusaremu kuti vazorangwa.
6
“Pandakanga ndiri parwendo rwangu, ndavakusvika kuDhamasikusi, kumasikati — sikati, chiedza chikuru chakabva kudenga chikandipoteredza nokupenya kwacho.
7
Ndakawira pasi ndikanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzireiko.’
8
Ini ndakapindura ndichiti, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Iye akati kwandiri, ‘Ndini Jesu weNazareti wauri kutambudza.’
9
Zvino avo vakanga vaneni vakaona chiedza asi havana kunzwa izwi rewakanga achitaura kwandiri.
10
Ndakati, ‘Ko ndoiteko Tenzi?’ Tenzi akati kwandiri, ‘Chisimuka uende muDhamasikusi. Imomo uchataurirwa zvose zvawakarongerwa kuti uite.’
11
Sezvandakanga ndisisaone pamusana pokupenya hwechiedza chiya, ndakatoita zvokubatwa ruoko ndichitungamirirwa navandaiva navo ndikapinda muDhamasikusi.
12
“Mumwe munhu anonzi Ananiya, munamati chaiye waMwari maererano nomutemo, aitaurwa zvakanaka nezvake navaJudha vose vaigara ikoko.
13
Akauya kwandiri akasvikomira pandiri akanditi, ‘Hama Sauro chikwanisa kuonazve.’ ” Ndakabva ndava kuona, ndikamuonawo.
14
Iye akati, “Mwari wamadzibaba edu akakusarudza kuti uzive zvaanoda, uye kuti uone Mururami uyewo kuti unzwe izwi rinobva mumuromo make
15
nokuti uchava chapupu chake kuvanhu vose uchipupurira zvawaona nezvawanzwa.
16
Pane chaungamirire here?” Chisimuka uombekwe ushambidzwe zvitadzo uchidaidza zita rake.
17
“Pandakadzokera kuJerusaremu, pandainamata muTemberi
18
ndava muMweya, ndakaona Tenzi achiti kwandiri, ‘Kurumidza ubude muJerusaremu nokukasika nokuti havasikuzogamuchira umboo hwako nezvangu.’ ”
19
Ini ndakati, “Tenzi ivo pachavo vanoziva kuti musinagogu yoga yoga ndaiisa vanhu mujeri ndichirova vaitenda mamuri.
20
Ropa raSitefani chapupu chenyu parakadeurwa ndakanga ndimire pedyo ndichitowirirana nazvo uye ndichitochengeta hanzu dzevakanga vachimuuraya.”
21
Iye akanditi, “Chibva nokuti ndichakutumira kure kure kune vechirudzi.”
22
Kusvikira ipapa vakamuteerera vakazodaidzira vachiti, “Panyika pano, pasi nomunhu wakadai, nokuti haafaniri kurarama.”
23
Pavaidaidzira vachivheyesa hanzu dzavo vachitibura huruva,
24
mukuru mukuru wamasoja akati ngaauiswe munzvimbo inogara masoja vamurove kwazvo kuti vaongorore vaone chikonzero chokuti vaJudha vazhambe kwaari zvakadaro.
25
Pavakanga vamusunga netambo, Pauro akati kumutungamiri wezana ramasoja akanga amire pedyo, “Zviri pamutemo here kuti imi murove munhu muRoma musina kumubata nemhosva.”
26
Mutungamiri wezana paakazvinzwa akaenda kumukuru mukuru wamasoja uya akati kwaari, “Ko chii chamuri kuda kuita ichi. Munhu uyu muRoma.”
27
Ipapo mukuru mukuru wamasoja akauya akati kwaari, “Ndiudze, uri muRoma here?” Iye akati, “Hongu.”
28
Mukuru mukuru wamasoja akati, “Ndakatenga uRoma ihwohwo nemari yakawanda kwazvo.” Pauro akati, “Asi ini ndakaberekwa ndiine uRoma ihwohwo.”
29
Nokudaro vaya vakanga vachida kumuongorora vakabva paari pakarepo. Naiyewo mukuru mukuru wamasoja akanga avakutotyawo nokuti akanga azviziva kuti Pauro akanga ari muRoma uye kuti akanga amusunga kwazvo.
30
Mangwana acho mukuru mukuru wamasoja zvaaida kuziva chikonzero chaicho vaJudha chavaimupira mhosva akamusunungura akati, vapristi namakurukota ose edare aungane ndokuenda naPauro ondomuisa pamberi pavo.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28