bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 28
Acts 28
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
1
Kuzoti tapona kudai takazoziva kuti chitsuwa ichocho chainzi Morota.
2
Vagari vomo vakatibata zvakanakisisa kwazvo. Vakativesera moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kwatangisa kunaya uye kwaitonhora.
3
Pauro, paakanga aunganidza svinga rehuni akadziisa pamoto, pakabuda chiva pamusana pokupisa chikanamatira paruoko rwake.
4
Vagari vomo pavakaona chipuka ichi, chakarembera paruoko rwake vakataurirana vachiti, “Zvechokwadi munhu uyu imhondi chaiyo. Nyange zvake apunyuka mugungwa. Nyakururama waramba kuti ararame.”
5
Asi iye akazunzira chipuka chiya mumoto. Haana kukuvara.
6
Vakamirira vachifunga kuti zvimwe achazvimba kana kungowira pasi achibva afa. Asi pavakamirira kwenguva yakareba pasina chakaipa chakaitika kwaari, vakasanduka vavakuti, “Ndimwari.”
7
Padyo nenzvimbo iyoyo pakanga pane minda yomukuru mukuru wechitsuwa ichocho ainzi Pubhiriosi akatigamuchira akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu.
8
Zvakaitika kuti baba vaPubhiriosi vakanga varere vachirwara, vachipisa muviri uye namanyoka okuburitsa ropa. Pauro akavashanyira akanamata achiisa maoko ake pavari akavaporesa.
9
Izvi pazvakaitika vamwe vanhu vose vapachitsuwa icho vaiva nezvirwere vakauyawo vakaporeswa.
10
Vakatiremekedza nenzira dzakawanda uye patakanga tava kuda kutangisa kuenda nechikepe vakatiisira muchikepe zvinhu zvokutiraramisa nazvo.
11
Mushure memwedzi mitatu takatangisa kuenda nechikepe chakanga chapedzera nguva yechando chiri pachitsuwa ichocho. Chikepe ichocho chaiva chokuArekizandiria chaiva nechiga chinonzi Vamwarimapatya.
12
Takasvika paSirakosi tikagarapo mazuva matatu,
13
ndokutenderera tikazondosvika kuRegiumu. Mushure mezuva rimwechete kwakamuka mhepo yaibva kumaodzanyemba. Pazuva repiri racho takasvika kuPuteri.
14
Ikoko takawana vehama tikakokwa kuti tigare navo kwamazuva manomwe. Ndiwo masvikiro atakaita kuRoma.
15
Ikoko, vehama pavakanzwa nezvedu vakauya zvokutosvika kumusika weApia nokunzvimbo yainzi Hoteranhatu kuzotichingura. Pauro paakavaona akatenda Mwari akabva atsunga mwoyo.
16
Patakasvika kuguta reRoma, Pauro akabvumirwa kugara oga nomusoja aimuchengetedza.
17
Kuzoti kwapera mazuva matatu zvakaitika kuti Pauro akakoka vakuru vakuru vavaJudha. Pavakanga vaungana akati kwavari, “Varume hama, kunyange zvangu pasina chakaipa chandakaita kuvanhu kana kutsika dzamadzitateguru edu asi ndakasungwa kuJerusaremu ndikaiswa mumaoko avaRoma.
18
Pavakandiongorora vakada kundisunungura nokuti ndakanga ndisina mhosva inokodzera rufu.
19
VaJudha vakapokana nazvo zvikandimanikidza kukumbira kusvitsa nyaya iyi kuna Siza kunyange ndakanga ndisina mhosva yokukwirira rudzi rwangu.
20
Ndicho chikonzero chaita kuti ndikumbire kukuonai uye kuti nditaure nemi pamusana pokuti ndakasungwa necheni idzi nokuda kwechitarisiro cheIsiraeri.”
21
Vakati kwaari, “Hapana tsamba dzatakagamuchira dzichibva kuJudhea nezvako. Hapanawo mumwe wehama akauya kuno akatipirawo kana kutaura zvakaipa nezvako.
22
Asi isu tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga nokuti zvekabato aka, tinoziva kuti kose kose vanhu vanotaura zvakaipa nezvako.”
23
Vakaronga zuva rokusangana naye, vakazouya paaigara vakawanda kwazvo iye akavarondedzera nyaya iyoyi kubva mangwanani kusvikira mauro achipa uchapupu kuhumambo hwaMwari achiedza kuti vabvume nezvaJesu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi navaporofita.
24
Vamwe vakabvuma zvaaitaura vamwewo vakaramba kubvuma.
25
Naizvozvo vakapesana pachavo. Vakazobvapo Pauro ataura muromo mumwechete unoti: “Mweya Mutsvene akataura zvazviri chaizvo paakataura kumadzibaba enyu nomuromo Isaya muporofita
26
achiti, “ ‘Enda kuvanhu ava undoti kuteerera nyatsoteererai zvenyu asi kunzwisisa pasina zvamunonzwisisa kutarisisa nyatsotarisisai zvenyu asi kuona pasina kuona chaiko.
27
Nokuti mwoyo yavanhu ava indambakurairwa, nzeve dzavo kunzwa hadzichanzwi; maziso avo vakazarira kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo vachinzwa nenzeve dzavo uye vakanzwisisa nemwoyo yavo vakapindukira kwandiri ini ndikavaponesa.’
28
“Naizvozvo chizvizivai kuti ruponeso urwu rwaMwari rwakatotumirwa kune vechirudzi. Vachateerera.”
29
***
30
Pauro akagarako makore maviri ose achizvibhadharira. Ainyatsogamuchira vose vaiuya kwaari
31
achiparidza umambo hwaMwari achidzidzisa zvaTenzi Jesu Kristu zviri pachena asina anomudzivisa.
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28