bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 25
Acts 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
1
Fesitusi paakauya kudunhu rake mushure memazuva matatu akakwira kuJerusaremu achibva kuSezaria.
2
Vapristi vakuru navakuru vakuru vaVaJudha vakamuzivisa nezvemhosva yavaipa Pauro. Vakamukumbirisa,
3
kuti avaitire mutsa wokuti, Pauro aunzwe kuJerusaremu ivo vaine bangano rokumuhwandira kuti vamuuraye panzira.
4
Fesitusi akapindura achiti, “Pauro ari kuchengetedzwa kuSezaria uye kuti iye Fesitusi pachakewo aitoda kuendako mushure mechinguvana.”
5
Iye akati, “Naizvozvo regai varume vane ukuru pakati penyu vadzike pamwechete neni uye kana pane chakaipa nomunhu uyu mutaure mhosva yaanayo.”
6
Akati garei mazuva asingapfuuri masere kana gumi, akadzika kuSezaria. Ramangwana acho agara pachigaro chake chokutonga akati Pauro aunzwe.
7
Paakauya, vaJudha vakanga vadzika vachibva kuJerusaremu vakamukomba vachimupomera mhosva zhinji dzakaipisisa dzavakanga vasingagoni kuburitsa chokwadi chadzo.
8
Pauro, achizvidzivirira, akati, “Handina kana kutyora mutemo wavaJudha kana weTemberi kana kutadzira Siza.”
9
Pamusana pokuda kufadza vaJudha akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusaremu kundotongwa nemhosva dzamhan'arwa kwandiri idzi?”
10
Pauro akati, “Ndimire mudare raSiza kwandinofanira kutongwa. Handina kutadzira vaJudha, sokunyatsozviziva kwamunoita.
11
Kana ndiri munhu akakanganisa uye ndakapara mhosva ipi neipi zvayo inokodzera kuti ndife handisi kuda kutsvaga kupunyuka rufu asi pane zvavari kundimhan'arira kana pasina mhosva hapana angakwanise kunditurira mumaoko avo. Ini ndinoda kuti mhosva yangu ichisvitswa kuna Siza.”
12
Ipapo, Fesitusi, mushure mokunge ambobvunzawo makurukota ake akapindura achiti, “Wakumbira kuti mhosva yako isvitswe kuna Siza, kuna Siza ndiko kwauchaenda.”
13
Kwakati kwapera mamwe mazuva mambo Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi.
14
Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi.
15
Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge.
16
Ndakavapindura kuti haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana vakatarisana navakamumhan'arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa.
17
Naizvozvo pavakaungana kuno handina kunonoka asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe.
18
Vamhan'ari pavakasimuka havana kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga
19
asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana nezvechitendero chavo uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu.
20
Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi.
21
Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna Siza.”
22
Agiripa akati kuna Fesetusi, “Ndingade ini pachangu kunzwa murume uyu.” Iye akati, “Muchamunzwa mangwana.”
23
Pazuva ramangwana acho Agiripa naBhenisi vakauya vakashongashonga kwazvo. Vakapinda mumba yedare redzimhosva pamwechete navakuru vakuru vemuhondo navakuru vakuru vomuguta. Pauro akaunzwamo zvataurwa naFesitusi kuti aunzwe.
24
Fesitusi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano. Tarisai muone munhu uyu wandakakumbirwa navanhu vose vechiJudha vari Jerusaremu navari kuno vachitodaidzira kuti haambofanira kuramba ari mupenyu.
25
Asi ndakaona kuti hapana chaakaita chinokodzera rufu, uye sokukumbira kwaakaita iye pachake kuti mhosva yake isvitswe pana Mambo mukuru, ndakafunga zvokumutumira ikoko.
26
Asi ini handina chinhu chaicho chokunyora nezvake kuna tenzi wangu. Ndiko kusaka ndamuunza pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu imi mambo Agiripa kuti mushure mokunge tamuongorora ndiwane chokunyora
27
nokuti kwandiri zvinhu zvisina musoro kuti nditumire musungwa ndisina kureva mhosva dzaari kupiwa.”
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28