bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 6
Acts 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
1
Pamazuva iwayo vadzidzi pavakanga vava kuwanda vechiGiriki vakanyunyutira vechiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa kwamazuva ose.
2
Vane gumi navaviri vakaunganidza gungano ravadzidzi vakati, “Hazvina kunaka kuti tirege kuparidza shoko raMwari tichipa zvokudya.
3
Naizvozvo hama dzangu sarudzai pakati penyu varume vanomwe vane zita rakanaka vazere naMweya noungwaru vatinogona kupa basa iri.
4
Asi isu tozvipira kubasa rokunamata nokuva vashandiri veShoko.”
5
Zvavakataura zvakafadza gungano rose. Vakasarudza Sitefani murume akanga azere nechitendero naMweya Mutsvene kouya Firipi naPurokorusi naNikanori koti Timoti naPemenasi naNikorausi wokuAndiyoku akapindukira kuchiJudha.
6
Vakavaunza panavapositori. Ivo vakanamata vakaisa maoko avo pavari.
7
Shoko raMwari rakaenderera mberi uye uwandi hwavadzidzi hwakakura zvikuru kwazvo muJerusaremu. Vapristi vazhinji vakagamuchirawo chitendero.
8
Sitefani aiva azere nenyasha nesimba akaita zvishamiso zvikuru nezviratidzo pakati pavanhu.
9
Ipapo vamwe vaiva veSinagogu yavaSununguki sokudaidzwa kwayaiitwa, nevokuSairini nevokuArekizandiria nevakabva Kirikia nokuAsia vakamuka kuitirana nharo naSitefani.
10
Asi havana kukwanisana noungwaru naMweya waaitaura ainaye.
11
Vakasoka vamwe varume kuti vati, “Takamunzwa achitaura manzwi okushonha Mosesi naMwari.”
12
Vakapinza mweya wokupanduka mukati mavanhu nomukati mavakuru vakuru nomuvanyori vakaenda kwaari vakamubata vakamuunza kudare.
13
Vakamuisira zvapupu zvenhema vakati: “Munhu uyu haambomira kutaura mashoko ukushora nzvimbo ino tsvene uye kushora Mutemo,
14
nokuti takamunzwa achiti, ‘Jesu uyu weNazareti achaparadza nzvimbo iyi uye achasandura tsika dzatakagamuchira kuna Mosesi.’ ”
15
Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28