bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 20
Acts 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
1
Mhirizhonga iyi payakapera, Pauro akadaidza vadzidzi akavakurudzira ndokuvaoneka oenda kuMasedhonia.
2
Akapfuura nomunzvimbo idzi achivakurudzira akazosvika kuGirisi,
3
kwaakagara mwedzi mitatu. Pamusana pokuti pakaitwa bangano navaJudha rokumurwisa, panguva yaakanga ava kuda kuenda nechikepe kuSiria, akafunga zvokudzokera nokuMasedhonia.
4
Akaperekedzwa naSopeta wokuBherea, mwanakomana waPirusi, kune vokuTesaronika akaperekedzwa naArisitakusi naSekundusi naGayusi wokuDhebhe naTimoti. VokuAsia vakanga vari Tikikusi naTirofimusi.
5
Ava vakafanotungamira vakatimirira kuTiroasi.
6
Isu takafamba nechikepe kuenda Firipi mushure memazuva echingwa chisina mbiriso. Pashure pamazuva mashanu takasvika kwavari kuTiroasi kwatakagara kwamazuva manomwe.
7
Pazuva rokutanga revhiki, patainge takaungana kuti timedure chingwa, Pauro akataura navo achida kuzosimuka mangwana acho. Akarebesa nhauro yake kusvikira pakati pousiku.
8
Makanga muine mwenje yakawanda muimba yapamusoro matakanga takaungana.
9
Rimwe jaya rainzi Yutikusi rakanga rakagara pawindo, rakabatwa nehope zvikuru Pauro paakaramba achingotaura. Paakakundwa nehope akaputsikira pasi kubva panhurikidzwa yechitatu vakazomutora iye atofa.
10
Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.”
11
Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena.
12
Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru.
13
Takafanotungamira kuchikepe tikazosimuka nechikepe tichienda kuAsosi tichida kuzotora Pauro muchikepe ikoko, nokuti ndizvo zvaakanga aronga, iye achida kuenda netsoka.
14
Paakasangana nesu kuAsosi, takamukwidza muchikepe tikaenda kuNitirene.
15
Takabvapo nechikepe. Mangwana acho takasvika pakatarisana neKiosi. Ramangwana acho takapfuura napaSamosi. Ramangwanawo tikasvika kuMiretusi
16
nokuti Pauro akanga afunga kuenda nechikepe achipfuura nokuEfesusi kuti arege kupedza nguva ari kuAsia nokukurumidzira kuva kuJerusaremu, kana zvaigoneka pazuva rePendekosti.
17
Pauro, ari kuMiretusi akatumira nhume kuEfesusi kundodaidza vakuru vakuru vesangano.
18
Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia,
19
ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha.
20
Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba
21
ndichipa uchapupu kuna vaJudha nokuna vaGiriki nezvokutendeukira kuna Mwari uye nezvechitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu.
22
Zvino, chionai ndavakuenda kuJerusaremu ndakabatwa naMweya. Handizivi zvichandiwira ikoko,
23
kusiya kuti Mweya Mutsvene anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira;
24
asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari.
25
Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare.
26
Nezvo ndinotaura pachena kwamuri mose nhasi uno kuti ini mhosva handisisina, wafa wafa, wasara wasara
27
nokuti handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari.
28
Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake.
29
Ndinoziva kuti mushure mokuenda kwangu mhumhi dzinorura dzichauya pakati penyu dzisina tsitsi nokuuraya danga.
30
Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari.
31
Naizvozvo chenjerai muchiyeuka kuti kwamakore matatu handina kumbomira siku nesikati, kukupai mazano mumwe nomumwe nemisodzi padama.
32
Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene.
33
Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu.
34
Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo.
35
Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ”
36
Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose.
37
Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda.
38
Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28