bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 3
Acts 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
1
Rimwe zuva Pita naJohani vaienda kuTemberi panguva dzokunamata paawa yechitatu masikati.
2
Mumwe murume akanga akaremara kubvira pakuberekwa kwake aitakurwa zuva nezuva achindorariswa pasuo guru rainzi Suorakanaka kuti akumbire rubatsiro kuvanhu vaipinda muTemberi,
3
paakaona Pita naJohani vava kuda kupinda muTemberi, akavakumbira rubatsiro.
4
Pita aina Johani akanyatsomutarisisa akati, “Titarise,”
5
iye ndokuvanan'anidza achitarisira kugamuchira chimwe chinhu kwavari.
6
Asi Pita akati, “Sirivha kana ndarama handina, asi ndinokupa chandinacho. Muzita raJesu Kristu weNazareti, ‘Chifamba.’ ”
7
Ndokubva amubata ruoko rworudyi achimusimudza. Pakarepo tsoka dzake nezviziso zvadzo zvakabva zvasimba.
8
Akakwakuka akamira akafamba akapinda muTemberi pamwechete navo achiti pamwe fambei pamwe osvetuka svetuka achirumbidza Mwari.
9
Vanhu vose vakamuona achifamba achirumbidza Mwari
10
vakamuziva kuti ndiye uya aigaririra rubatsiro paSuorakanaka reTemberi. Vakakatyamadzwa vakanana kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari.
11
Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa.
12
Pita paakazviona akataura kuvanhu achiti, “Varume vaIsiraeri munoshamisika sei nezvizvi? Munotinan'anidza sei sokunge isu ndisu taita kuti afambe nesimba nounamati wedu?
13
Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho Mwari wamadzitateguru edu akarumbidza muranda wake Jesu wamakaturira mukamuramba panaPirato paakafunga zvokumusungunura.
14
Asi imi makaramba mutsvene nomururami mukakumbira kuti mupiwe mhondi
15
mukauraya muridzi weupenyu, iye akamutswa naMwari kuvafi. Isu tiri zvapupu zvaizvozvo.
16
Munhu uyu wamunoona nokuziva asimbaradzwa pamusana pechitendero chake muzita raJesu. Izita raJesu nechitendero chinobva maari chamupa utano uzere sokuonawo kwamuri kuita mose.
17
“Zvino hama dzangu, ndinoziva kuti makazviita mukusaziva sezvakangoitawo vatongi venyu.
18
Asi Mwari zvaakafanotaura nemiromo yavaporofita vose kuti Mesia wake anofanira kutambudzika. Izvi akazvizadzisa nenzira iyoyi.
19
Nezvo pindukai mutendeuke kuti zvitadzo zvenyu zvipfudzwe kuti nguva iya yokumbofefeterwa nokuvapo kwaTenzi,
20
uye kuti atumire Mesia wamakasarudzirwa, iye Jesu,
21
anofanira kumbochengetedzwa kudenga kusvikira zvinhu zvose zvaitika zvakataurwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vakare.
22
Mosesi akanyatsotaurawo achiti, ‘Tenzi Mwari achakumutsirai muporofita mukati mehama dzenyu sokumutsa kwaakandiita. Munofanira kumuteerera muna zvose zvaanokutaurirai.
23
Ani naani asingateereri muporofita iyeyo achaparadzwa achibviswa mukati mavanhu.
24
Vaporofita vose vakataura kubvira kuna Samueri navamwe vakazotevera vakaparidza nezvamazuva iwaya.
25
Ndimi vana vavaporofita vacho vanorehwa uye vechitenderano chaakaitwa naMwari namadzibaba enyu achiti kuna Abhurahamu, nokumwana wako mhuri dzose dzapasi pose dzichakomborerwa.’
26
Mwari paakamutsa muranda wake akamutumira pokutanga kwamuri kuti akukomborerei nokukutendeutsai mose kubva kuuipi hwenyu.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28