bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 4
Acts 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
1
Pavaitaura kuvanhu vapristi nomukuru mukuru wapaTemberi navaSadhusei vakauya pavari.
2
Vakanga vatsamwiswa nokuti mukudzidzisa nokuparidza zvaJesu vaidzidzisa vanhu vachivaparidza zvokumuka kwavakafa.
3
Vakavabata vakavaisa mujeri kusvikira mangwana acho nokuti akanga atova mauro.
4
Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda. Huwandu hwavarume hwaiita zviuru zvinenge zvishanu.
5
Ava mangwana acho vatongi vavo navakuru vakuru navanyori vakanga vakaungana muJerusaremu
6
naAnasi, mupristi mukuru naKaifasi naJohani naArekizanda navose vokumba yomupristi mukuru.
7
Pavakavaisa pakati vakavabvunza kuti makaita izvi nesimba raani uye nezita raani.
8
Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru
9
kana tiri kugadzirwa dare nhasi uno basa rakanaka rakaitwa kumhetamakumbo iyi kuti munhu uyu akarapwa sei,
10
ngazvizivikanwe kwamuri mose uye kuvanhu vose veIsiraeri kuti nezita raJesu Kristu weNazareti wamakarovera pamuchinjikwa akamutswa naMwari kuvakafa pamusana pake munhu uyu amire pamberi penyu akasimba.
11
Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rava dombo guru rapakona.
12
Hakuna mumwezve munhu anogona kuponesa nokuti hakuna rimwezve zita pasi pose rakatumidzwa munhu pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.”
13
Pavakaona chivindi chaPita naJohani uye vachiona kuti vanhu vasina kudzidza, vachingova vanhuwo zvavo, vakashamiswa. Vakazviona kuti vakambenge vaina Jesu.
14
Asi zvavaiona munhu uya akanga aponeswa akamira padyo navo hapana chavakagona kutaura.
15
Pavakavati vambobva mudare, vakakurukurirana vachiti,
16
“Toita sei navanhu ava nokuti zvokuti chiratidzo chinonyatsoonekwa chaitwa nemavari zviri pachena kuna vagari vose vomuJerusaremu uye hatikwanisi kuzviramba.
17
Asi kuti zvirege kupararira pakati pavanhu ngativayambirei kuti vasambotaurazve kuna ani nani zvake nezita irori.”
18
Nezvo vakavadaidza vakavakomekedza kuti vasambotaura zvavo kana kudzidzisa zvako muzita raJesu.
19
Asi Pita naJohani vakavapindura vachiti, “Chimbopafungaiwo zvenyu kuti zvingaite here, pamberi paMwari, kuteerera imi panokuteerera Mwari.
20
Isu hatigoni kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.”
21
Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika.
22
Chikonzero ndechokuti munhu akaitirwa chiratidzo ichi chokuponeswa akanga ava namakore anopfuura makumi mana.
23
Pavakaregedzwa vakaenda kushamwari dzavo vakavarondedzera zvavakanga vataurirwa navapristi navakuru vakuru.
24
Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati
25
nomuromo watateguru wedu Dhavhidhi muranda wenyu, “ ‘Ko ivo vechirudzi vanoitireiko bopoto, marudzi avanhu vachiita bangano risina maturo.
26
Madzimambo apasi pose vachinyatsorongana, vatongi vachitoitira Tenzi nomuzodzwa wake bangano.’
27
“Icho chiri chokwadiwo Herodhi naPontio Pirato nevechirudzi navaIsiraeri vakaungana muguta rino vachirwisa muranda wenyu Mutsvene Jesu wamakazodza
28
kuti zvamakafanoronga nesimba roruoko rwenyu nourongwa hwenyu zviitike.
29
Zvino, Tenzi chitarisai kutyisidzira kwavo, mupe kuti varanda venyu vataure shoko renyu nechivindi chaicho
30
imi makasimudza ruoko rwenyu kuti rurape uye muitewo kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita romuranda wenyu mutsvene, Jesu.”
31
Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi.
32
Chikwata chevaitenda vaya vakanga vaine mwoyo mumwechete uye hapana aiti chake ndechake. Zvinhu zvavo zvaiva zvavo vose.
33
Vapositori vakapupurira zvokumuka kwaTenzi Jesu nesimba guru, uye nyasha huru dzaiva pavari vose.
34
Pakati pavo pakanga pasina ane chaaishaya nokuti avo vainge vaine minda kana dzimba dzavo vaizvitengesa
35
vachiuya nemari yacho vachizoiisa mumaoko avapositori zvichizogoverwa kuvanhu maererano nezvaidiwa nomunhu.
36
Saizvozvo Josefi akanga atumidzwa navapositori zita rokuti, Bhanabhasi (zvinoreva kuti, “Mukurudziri”) muRevhi,
37
mugari wenyika yeSaipurasi akatengesa munda wake akauya nemari yacho akaiisa mumaoko avapositori.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28