bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 19
Acts 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
1
Aporosi paakanga ari kuKorinde, Pauro akapfuura nokunyika yokumusoro akasvika kuEfesusi. Ikoko akawana vamwe vadzidzi.
2
Akavati, “Makagamuchira Mweya Mutsvene here pamakadavira?” Ivo vakati, “Kwete. Hatina kana kutombonzwa kuti kuna Mweya Mutsvene.”
3
Akavati, “Ko zvino makaombekwa noruombeko rwupi?” Ivo vakati, “Noruombeko rwaJohani.”
4
Pauro akati, “Johani aiombeka noruombeko rwokuti vanhu vapinduke achitaurira vanhu kuti vatende muno uyo akanga achauya mushure make achireva Jesu.”
5
Pavakanzwa izvi vakaombekwa muzita raTenzi Jesu.
6
Pauro paakaisa maoko ake pavari, Mweya Mutsvene akaburukira pavari. Vakataura nendimi vakaporofita.
7
Pamwechete vakanga vari varume gumi navaviri.
8
Aipota achipinda musinagogu; kwemwedzi mitatu aitaura asingatyi achidzidzisa zvokuti vabvume zvoumambo hwaMwari.
9
Asi vamwe vakanga vakaomesa mwoyo vasingatendi vakatotaura zvakaipa nezvenzira iyi pamberi peruzhinji. Akabva mukati mavo akatora vadzidzi akadzidzisa pachikoro chaTiranosi zuva nezuva,
10
izvi zvakaitika kwamakore maviri zvokuti vagari vose vokuAsia vakanzwa Shoko raTenzi, vaJudha navaGiriki.
11
Mwari akaita minana inoshamisa kwazvo namaoko aPauro
12
zvokuti mahengechepfu kana maepuroni zvainge zvamboguma pamuviri pake zvaitorwa zvichiendwa nazvo kuvarwere. Matenda aibva, apera mweya yakaipa ichibva mavari.
13
Kune vamwe vaJudha vaiva vadzingi vomweya yakaipa vakanga vasingagari panzvimbo imwechete, vakaedza kudoma zita raTenzi Jesu pane vakanga vane mweya yakaipa vachiti, “Ndinokudzinga naJesu anoparidzwa naPauro.”
14
Kwaiva navanakomana vanomwe vomupristi mukuru ainzi Sikevha vaiita izvozvo.
15
Asi mweya wakaipa wakapindura uchiti, “Jesu ndinomuziva naPauro ndinomuziva asi imi ndimi vana ani.”
16
Munhu aiva nomweya wakaipa uya akavasvetukira akavakunda ndokuvakurira vose vari vaviri zvokuti vakatiza mumba imomo vasisina kupfeka uye vakuvara.
17
Izvi zvakazivikanwa navagari vose vokuEfesusi, vose vaJudha navaGiriki. Vose vakawirwa nokutya. Zita raTenzi Jesu rikaremekedzwa.
18
Vazhinji vaiva vatendi vakauya vachireurura nokuburitsa pachena zvavaiita.
19
Chitsama chavanhu vaiita zvoun'anga vakaunganidza mabhuku avo vakaapisa pamberi pavanhu vose. Vakaverenga mutengo wawo ukaita zviuru makumi mashanu ezviuru zvemari yesirivha.
20
Ipapo shoko raTenzi rakakura rikaenderera mberi nesimba.
21
Mushure mezvizvi Pauro akafunga, achibatsirwa naMweya, kuti anofanira kupfuura nokuMasedhonia nokuAkaya achienda kuJerusaremu achiti, “Kana ndamboti garei ikoko ndinofanirawo kundoona Roma.”
22
Mushure mokunge atumira kuMasedhonia vamwe vabatsiri vake vaviri, vanaTimoti naErasitusi iye pachake akambogara kuAsia chinguva.
23
Panguva inenge iyoyo pakamuka nyonganyonga huru nezvenzira yechikristu.
24
Mumwe murume ainzi Dhemetiriusi, mhizha yezvesirivha aiumba tuTemberi twesirivha tudikidiki twamwari Atemisi twaiwanisa mari yakawanda kune vaitwugadzira.
25
Akaunganidza ivava pamwechete navamwe vebasa rakada kuita sairoro akati, “Varume imi munoziva kuti mubasa iri ndimo matinowana upfumi hwedu.
26
Munozviona uye muri kuzvinzwa kuti kwete muEfesusi chete asi kutenge Asia yose, Pauro uyu ari kukurudzira nokutsautsa vanhu vane chitsama chakati kuti, achiti, ‘Vamwari vakaitwa namaoko havasi vamwari.’
27
Pane njodzi, kwete chete, yokuti shawo yedu iyi ichatorwa sechinhu pasina asi kutiwo Temberi yamwarikadzi mukuru Atemisi, ichava chinhu pasina uyewo achakoromorwa paukuru hwake, iye anonamatwa neAsia yose uye napasi pose.”
28
Pavakazvinzwa vakashatirwa zvikuru vakazhamba vachiti, “Atemisi wava Efeso mukuru.”
29
Nokudaro guta rakazara nenyonganyonga. Vakapitipidzana munhandare yemitambo vachikwekweredza Gaiusi naArisitakusi, vagari vokuMasedhonia vaifamba naPauro.
30
Pauro akanga ava kuda kupinda mukati memhomho iya asi vadzidzi vakaramba.
31
Uyewo vamwe vakuru vakuru vomuAsia vaiva shamwari dzake vakatuma shoko rokuti ngaarege kana kumboedza zvake kupinda munhandare yemitambo.
32
Paiti ava vanodaidzira ichi vamwe vachidaidzirawo ichi nokuti gungano iroro rakanga rangova nyonganyonga. Vazhinji vavo vakanga vasingamboziva kuti vakanga vaunganira chii.
33
Vamwe vemhomho iyoyo vakataurira Arekizanda zvokuita nokuti ndiye akanga aiswa mberi navaJudha. Arekizanda akabva aninira vanhu noruoko achida kuzvidavirira kumhomho iyoyo.
34
Pavakaona kuti muJudha, vakaramba vachidaidzira kwamaawa maviri vachiti, “Dhayana wavaEfeso mukuru.”
35
Munyori weguta paakanga anyararidza vanhu akati, “Nhaimi vanhu veEfesusi ndiani asingazivi kuti guta ravaEfesusi ndiro muchengeti wetemberi yaAtemisi mukuru mukuru uye muchengeti wedombo dzvene rakadonha mudenga?
36
Zvamunoona kuti zvinhu izvi hazvina angarambe munofanira kunyarara murege kumhanyirira zvinhu.
37
Mauya navanhu ava asi havasi vapambi veTemberi kana vanhu vanoshonha mwarikadzi wedu.
38
Zvino kana Dhemetiriusi nedzimwe mhizha dzaanadzo vaine chavakatadzirwa nani zvake, matare ariko uye kuna magavhuna. Ngavakwirirane matare.
39
Kana pane zvinopfuura izvozvi zvinotofanira kuenzaniswa nedare riri pamutemo.
40
Tine njodzi yokupihwa mhosva yokumutsa manyongori nhasi nokuti hapana chikonzero chatinogona kupa chinonzwika chenyonganyonga iyi.”
41
Paakapedza kutaura izvi akaparadza ngungano.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28