bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Acts 15
Acts 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
1
Kwakauya vamwe varume vachibva kuJudhea vachidzidzisa vehama kuti, “Kana musina kudzingiswa zvinoenderana noMutemo waMosesi, hamugoni kuponeswa.”
2
Pauro naBhanabhasi havana kuwirirana navo uye vakakavadzana navo zvikuru. Pauro naBhanabhasi navamwe vavo vakazosarudzwa kuti vaende kuJerusaremu kuna vapositori navakuru vakuru nezvenyaya iyi.
3
Saizvozvo zvavakatumwa nesangano kuenda rwendo rwavo vakapfuura nomuFonikia nomuSamaria vachirondedzera kutendeuka kwevechirudzi. Izvi zvakafadza kwazvo vose vehama.
4
Pavakasvika Jerusaremu vakagamuchirwa nesangano navapositori navakuru vakuru vakarondedzera zvose zvavakaitiswa naMwari.
5
Asi vamwe vatendi vebato ravaFarisei vakasimuka vakati, “Vanhu ava vanosungirwa kudzingiswa uye kuvaudza kuti vanofanira kuchengeta Mutemo waMosesi.”
6
Vapositori navakuru vakuru vakaungana kuti vafunge nezvenyaya iyi.
7
Pashure pokunge patauriranwa zvikuru, Pita akasimuka akati kwavari, “Hama, imi munoziva kuti pamazuva okutanga, Mwari akandisarudza pakati penyu kuti vechirudzi vanzwe kubva pamuromo pangu dama reShoko Rakanaka kuti vadavire.
8
Mwari anoziva mwoyo womunhu akazvitsigira nokuvapa Mweya Mutsvene sezvaakangoitawo kwatiri.
9
Haana kumbotisianisa navo asi akachenesa mwoyo yavo nechitendero.
10
Zvino munoedzerei Mwari nokuisa joko pamutsipa yavadzidzi risina kukwanisa kutakurwa namadzibaba edu kana nesu?
11
Asi tinotenda kuti tichaponeswa nenyasha dzaTenzi Jesu sokuponeswa kwavachaitwa.”
12
Gungano rakati zii kunyarara. Vakateerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo nezvishamiso zvakaitwa naMwari nemavari pakati pevechirudzi.
13
Pavakapedza kutaura, Jemusi akapindura achiti, “Varume hama, nditeererei.
14
Simoni atitaurira kuti Mwari akashanyira sei vechirudzi, nokutora vanhu mukati mavo vanodaidzwa nezita rake.
15
Izvi zvinowirirana namashoko avaporofita sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,
16
“ ‘Mushure mezvo ndichadzoka ndigovakazve imba yokwaDhavhidhi yadai kuputsika. Ndichagadziridza matongo ayo ndiamutsurudze
17
kuti vamwe vanhu vose vatsvake Tenzi nevechirudzi vose vanodaidzwa nezita rangu.
18
Ndizvo zviri kutaura Tenzi akazivisa zvinhu izvi kubvira pasi chigare.’
19
“Naizvozvo ini ndinofunga kuti hatifaniri kunetsa vechirudzi vanotendeukira kuna Mwari.
20
Asi ngativanyorerei kuti varege kusvibiswa nezvifananidzo zvokunamata; varege upombwe nenyama isina kusinzwa nomusiya.
21
Nokuti kubvira pazvizvarwa zvokutanga mutemo waMosesi wakaparidzwa muguta roga roga uye unoverengwa mumasinagogu pamaSabata ose ose.”
22
Zvakaonekwa chiri chinhu chakanaka kuvapositori navakuru vakuru nesangano rose kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoku naPauro naBhanabhasi. Vakatuma Judhasi anonzi Bharisabhasi naSirasi
23
vakanga vari vatungamiri pakati pevehama netsamba iyi: “Ndisu vehama, navapositori navakuru vakuru tinokunyorerai imi vehama vechirudzi muri muAndiyoku nekuSiria nekuSirisia tichikukwazisai.
24
Pamusana pokuti takanzwa kuti kune vamwe vanhu vakabva kwatiri vakakunetsai namashoko vachikudzongodzai mwoyo kunyange tisina kuvatuma.
25
Isu takaungana kudai, uye tawirirana, tazviona zvakanaka, kuti tisarudze varume, tivatume kwamuri pamwechete naBhanabhasi naPauro,
26
varume vakaisa upenyu hwavo parumano nokuda kwaTenzi wedu Jesu Kristu.
27
Naizvozvo tatumira Judhasi naSirasi vachatsinhira pachavo zvimwechetezvo nemiromo yavo.
28
Zvaonekwa zviri zvinhu zvakanaka kuna Mweya Mutsvene nokunesu, kuti tirege kukuremedzai nezvinopfuura izvi chete zvinodiwa,
29
zvokuti: imi musiyane nezvinhu zvakabairwa zvifananidzo zvokunamata, murege musiya nenyama isina kusinzwa uye upombwe. Kana mukarega izvi munoita zvakanaka. Musare zvakanaka.”
30
Naizvozvo pavakanzi vachienda zvavo vakadzika kuAndiyoku. Vakati vaunganidza vanhu vakavagamuchidza tsamba iya.
31
Pavakaiverenga vakafara nokukurudzirwa ikoko.
32
Judhasi naSirasi vaiva ivo vaporofita vakakurudzira vehama namazwi akawanda vakavasimbisa.
33
Pavakaona vapedza nguva yakati kuti vakavaperekedza kuti vaende norugare kune vakanga vavatuma. Kune vakanga vavatuma.
34
***
35
Pauro naBhanabhasi vakasara muAndiyoku vachidzidzisa nokuparidza shoko raTenzi pamwechetewo nevamwe.
36
Mushure memazuva akati kuti Pauro akati kuna Bhanabhasi, “Uya tidzokere tindoshanyira vehama muguta rimwe nerimwe matakaparidza shoko raTenzi tione kuti vakadii.”
37
Asi Bhanabhasi aida kuti vaende pamwechete naJohani anonzi Mako.
38
Asiwo Pauro akanga achifunga kuti zvakanga zvakanaka kurega kuenda nomunhu akanga ambosiyana navo muPamufiria uye munhu akanga asina kuenda navo kubasa iroro.
39
Pakamuka gakava guru zvokuti vakabva vaparadzana. Bhanabhasi, akatora Mako akaenda nechikepe kuSaipurasi.
40
Pauro akasarudza Sirasi. Vakaenda vapedza kukumikidzwa nevehama kunyasha dzaTenzi.
41
Akaenda nokuSiria nokuSirisia achisimbisa masangano.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28