bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 15
Genesis 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 16 →
1
Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, "Usatya Abhuramu; ini ndiri nhovo yako nomubayiro wako mukuru-kuru."
2
Abhuramu akati, "Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kanhi?"
3
Abhuramu akati, "Tarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu."
4
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, "Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako."
5
Akamubudisa panze akati, "Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga." Akati kwaari, "Ndizvo zvichaita vana vako."
6
Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.
7
Akati kwaari, "Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako."
8
Iye akati, "Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?"
9
Akati kwaari, "Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, nemwana wenjiva."
10
Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.
11
Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga.
12
Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru.
13
Akati kuna Abhuramu, "Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana;
14
asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nefuma zhinji.
15
Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo.
16
Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara."
17
Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama.
18
Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, "Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.
19
VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni,
20
navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi,
21
navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi."
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50