bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 17
Genesis 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 18 →
1
Abhuramu wakati asvika makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe, Jehovha akazviratidza kuna Abhuramu, akati kwaari, "Ndini Mwari waMasimbaose, famba pamberi pangu, uve wakarurama.
2
Ndichaita sungano yangu pakati pangu newe, ndichakuwanza kwazvo."
3
Ipapo Abhuramu akawira pasi nechiso chake, Mwari akataura naye, akati,
4
"Kana ndirini, tarira, sungano yangu inewe, uchava baba vendudzi zhinji-zhinji.
5
Zita rako harichazonzi Abhuramu, asi zita rako richanzi Abhurahamu; nokuti ndakakuita baba vendudzi zhinji-zhinji.
6
Ndichakuberekesa vana vazhinji-zhinji; ndichakuita ndudzi, namadzimambo achabva kwauri.
7
"Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose, kuti ive sungano isingaperi; ndichava Mwari wako nowavana vako vanokutevera.
8
Ndichakupa iwe navana vako vanokutevera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKenani yose, kuti ive yako nokusingaperi; ini ndichava Mwari wako. "
9
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana uriwe, chengeta sungano yangu, iwe navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose.
10
Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kuchengeta pakati pangu nemwi navana vako vanokutevera, vanakomana vose pakati penyu ngavadzingiswe.
11
Mudzingiswe panyama yechikanda chenyu chapamberi, kuti chive chiratidzo chesungano iri pakati pangu nemi.
12
Mwanakomana ane mazuva masere pakati penyu ngaadzingiswe, mukomana mumwe nomumwe pamarudzi enyu, kana akazvarwa mumba, kana akatengwa nemari kuvatorwa vapi navapi, vasati vari vavana vako.
13
Wakazvarwa mumba mako, Nowakatengwa nemari, vanofanira kudzingiswa; sungano yangu ive panyama penyu, ive sungano isingaperi.
14
Munhurume asina kudzingiswa, asina kudzingiswa panyama yechikanda chake chapamberi, munhu akadai anofanira kubviswa pakati porudzi rwake, akaputsa sungano yangu."
15
Mwari akatiwo kuna Abhurahamu, "Kana ari Sarai, mukadzi wako haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake richanzi Sara;
16
ndichamuropafadza iye, ndikupe mwanakomana kwaari; ndichamuropafadza iye, kuti ave mai vendudzi; madzimambo avanhu achabva maari."
17
Ipapo Abhurahamu wakawira pasi nechiso chake, akaseka, akati mumoyo make, "Ko munhu ana makore ane zana ungaberekerwa mwana here? NaSara, wava namakore ana makumi mapfumbamwe, angabereka here?"
18
Abhurahamu akati kuna Mwari, "Dai Ishimaeri achirarama hake pamberi penyu! "
19
Mwari akati kwaari, "Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye achakuberekera mwanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndichaita sungano yangu naye, ive sungano isingaperi pakati pavana vake vanomutevera.
20
Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru.
21
Asi sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wauchaberekerwa naSara nenguva iyi makei."
22
Akapedza kutaura naye, Mwari akakwira achibva kuna Abhurahamu.
23
Ipapo Abhurahamu wakatora Ishimaeri, mwanakomana wake, navose vakazvarwa mumba make, navose vakatengwa nemari yake, munhurume mumwe nomumwe kuvanhu vakanga vari paimba yaAbhurahamu, akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakaudzwa naMwari.
24
Abhurahamu wakanga ana makore ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe musi wokudzingiswa kwake.
25
lshimaeri, mwanakomana wake, wakanga ana makore ane gumi namatatu musi wokudzingiswa kwake.
26
Nomusi uyo Abhurahamu wakadzingiswa pamwechete naIshimaeri mwanakomana wake.
27
Navarume vose veimba yake, vakanga vazvarirwa mumba make, navakanga vatengwa nemari kuvatorwa, vakadzingiswa pamwechete naye.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50