bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 26
Genesis 26
Shona 2009?
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 27 →
1
Zvino nzara yakanga iripo panyika; isati iri nzara yakanga iripo pamazuva aAbhurahamu. Isaka akenda Gerari kuna Abhimereki, mambo wavaFirisitia.
2
Jehovha akazviratidzazve kwaari akati, "Usaburukira Ijipiti, gara munyika yandakakuudza;
3
gara hako munyika ino uri mutorwa; ini ndichava newe, ndichakuropafadza; nokuti ndichakupa iwe, navana vako, nyika idzi dzose; ndichasimbisa mhiko yandakapikira Abhurahamu, baba vako;
4
ndichawanza vana vako senyeredzi dzedenga; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako;
5
nokuti Abhurahamu wakateerera inzwi rangu, akachengeta zvandakamuraira, nemirairo yangu, nemitemo yangu, nemirau yangu."
6
Isaka akagara Gerari;
7
vanhu venyika iyoyo vakamubvunza pamusoro pomukadzi wake, akati, "Ihanzvadzi yangu;" nokuti wakanga achitya kuti, mukadzi wangu, achiti, "Zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraya nokuda kwaRabheka;" nokuti akanga akanaka kumeso.
8
Zvino wakati avapo nguva refu, Abhimereki, mambo wavaFirisitia, wakatarira napahwindo, akaona Isaka achitamba naRabheka, mukadzi wake.
9
Ipapo Abhimereki akadana Isaka akati, "Tarira, zvirokwazvo mukadzi wako; wakataura seiko uchiti, `Ihanzvadzi yangu?' " Isaka akati kwaari, "Nokuti ndakati, `Zvimwe ndingafa nokuda kwake.' "
10
Abhimereki akati kwaari, "Ndokudiniko kuti watiitira chinhu ichi? Dai mumwe wavanhu aivata nomukadzi wako, ungadai watiisa pamhosva."
11
Abhimereki akaraira vanhu vose, akati, "Anobata munhu uyu kana mukadzi wake, achauraiwa zvirokwazvo."
12
Zvino Isaka akadzvara zviyo munyika iyoyo, akawana gore iro rune zana; Jehovha akamuropafadza.
13
Munhu uyu akava mukuru, akaramba achiwedzerwa, kusvikira ava mukuru kwazvo;
14
akanga aine fuma yamakwai, neyemombe, nemhuri huru; vaFirisitia vakamugodora.
15
VaFirisitia vakadzivira matsime ose akanga acherwa navaranda vababa vake pamazuva ababa vake Abhurahamu, vakaafutsira nevhu.
16
Abhimereki akati kuna Isaka, "Ibva hako kwatiri, nokuti watipfuura kwazvo nesimba."
17
Isaka akabvapo, akandodzika matende ake mumupata weGerari, akagarapo.
18
Isaka akacherazve matsime emvura, akanga acherwa pamazuva ababa vake, Abhurahamu; nokuti vaFirisitia vakanga vaadzivira Abhurahamu afa; akaatumidza mazita aakanga atumidzwa nababa vake.
19
Varanda vaIsaka vakachera mumupata, vakawanapo tsime remvura inotubuka.
20
Vafudzi veGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaka, vachiti, "Imvura yedu;" akatumidza tsime iroro zita rinonzi Eseki; nokuti vakapesana naye.
21
Zvino akandocherazve rimwe tsime; vakaitirana nharo pamusoro pairorozve; akaritumidza zita rinonzi Sitina.
22
Akabvapo, akandocherazve rimwe tsime; iroro havana kuzoitirana nharo pamusoro paro; akaritumidza zita rinonzi Rehobhoti; akati, "Nokuti zvino Jehovha wakandiitira nzvimbo huru, kuti tiwande munyika ino. "
23
Akabvapo, akakwira Bheerishebha;
24
Jehovha akazviratidza kwaari usiku ihwohwo, akati, "Ndini Mwari waAbhurahamu, baba vako; usatya, nokuti ndinewe, ndichakuropafadza, nokuwanza rudzi rwako nokuda kwaAbhurahamu, muranda wangu."
25
Akavakapo aritari, akanamata zita raJehovha, akadzika tende rake ipapo; varanda vaIsaka vakacherapo tsime.
26
Ipapo Abhimereki akaenda kwaari, achibva Gerari, aine shamwari yake Ahuzati, naPikori, mukuru wehondo yake.
27
Isaka akati kwavari, "Mauyireiko kwandiri, zvamunondivenga, mukandidzinga kwamuri?"
28
Ivo vakati, "Takaona kwazvo kuti Jehovha anewe, tikati, `Zvino mhiko ngaivepo pakati pedu, pakati pedu newe, tiite sungano newe;
29
kuti urege kutiitira zvakaipa, sezvatisina kukubata iwe, sezvatakakuitira zvakanaka bedzi, tikakuendesa norugare;' zvino iwe ndiwe hako muropafadzwa waJehovha."
30
Iye akavagadzirira zvokudya, vakadya, vakamwa,
31
vakamuka mangwanani, vakapikirana; ipapo Isaka akavatendera kuenda, vakabva kwaari norugare.
32
Nomusi iwoyo varanda vaIsaka vakauya, vakamuudza kuti vakanga vachera tsime, vakati kwaari, "Mvura taiwana."
33
Akaritumidza zita rinonzi Shebha; naizvozvo zita reguta ndiBheerishebha kusvikira zuva ranhasi.
34
Zvino Esau wakati asvika makore makumi mana, akawana Judhisi, mukunda waBheeri, muHeti, naBhasimati, mukunda waEroni, muHeti;
35
ivavo vakarwadza moyo walsaka naRabheka.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50