bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 38
Genesis 38
Shona 2009?
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 39 →
1
Nenguva iyoyo Judha akabva kuvana vababa vake, akaburuka, akatsaukira kuno mumwe murume muAdhuramu, ainzi Hira.
2
Judha akaonapo mukunda womumwe munhu muKenani, ainzi Shua, akamutora, akapinda kwaari.
3
Iye akava nemimba, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Eri.
4
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Onani.
5
Akava nemimbazve, akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Shera; iye akanga ari paKezibhi mukadzi wake achimubereka.
6
Zvino Judha akatorera dangwe rake Eri mukadzi ainzi Tamari.
7
Asi dangwe raJudha, akanga ari munhu akaipa pamberi paJehovha; Jehovha akamuuraya.
8
Zvino Judha akati kuna Onani, "Pinda kumukadzi womukoma wako, umuwane, umuitire zvakafanira munun'una womurume, umutsire mukoma wako vana."
9
Zvino Onani akaziva kuti vana avo havangavi vake; naizvozvo wakati kana opinda kumukadzi womukoma wake, orasira mbeu pasi, kuti arege kupa mukoma wake vana.
10
Chinhu ichi chaakaita chakanga chakaipa pamberi paJehovha; akamuuraya naiyewo.
11
Ipapo Judha akati kuna Tamari, mukadzi womwana wake, "Chigara hako uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvikira Shera, mwanakomana wangu, akura;" nokuti akati, "Zvimwe angafa savakoma vake." Tamari akandogara kumba kwababa vake.
12
Mazuva mazhinji akati apfuura, mukunda waShua, mukadzi waJudha, akafa; zvino Judha akati anyaradzwa, akakwira kuvaveuri vamakwai ake paTimuna, iye naHira, shamwari yake muAdhuramu.
13
Tamari akaudzwa, zvichinzi, "Tarira baba vomurume wako vanokwira Timuna kundoveura makwai avo";
14
ipapo iye akabvisa nguvo dzouchirikadzi hwake, akazvifukidza nechokufukidzira chake, akazviputira, akagara pasuo reEnaimu, guta riri panzira inoenda Timuna; nokuti akanga aona kuti Shera akura, akasamupiwa iye kuti ave mukadzi wake.
15
Zvino Judha akati achimuona, akati chifeve, nokuti akanga afukidza chiso chake.
16
Akatsaukira kwaari panzira, akati, "Douya, ndipinde kwauri;" nokuti akanga asingazivi, kuti mukadzi womwanakomana wake. Iye akati, "Unogondipeiko, kuti upinde kwandiri?"
17
Akati, "Ndichakutumira mbudzana inobva kuzvipfuwo zvangu." Akati, "Uchandipa rubatso kusvikira waituma here?"
18
Akati, "Ndichagokupa rubatso rweiko?" Iye akati, "Chimhete chako, norwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako." Akamupa izvozvo, akapinda kwaari, akava nemimba naye.
19
Akasimuka, akaenda, akabvisa chokufukidzira chake, akafuka nguvo dzouchirikadzi hwake.
20
Zvino Judha akatuma mbudzana noruoko rweshamwari yake, muAdhuramu, kuti atore rubatso paruoko rwomukadzi, asi haana kumuwana.
21
Akabvunza vanhu vokwake, achiti, "Chiripiko chifeve chiya, chakanga chiri paEnaimu panzira?" Vakati, "Kwakanga kusina chifeve pano."
22
Akadzokera kuna Judha, akati, "Handina kumuwana; navanhu voko vakati, `Kwakanga kusina chifeve pano.' "
23
Ipapo Judha akati, "Ngaazvitore hake, kuti tirege kunyadziswa; tarira ndatuma mbudzana iyi, iwe ukasamuwana. "
24
Zvino mwedzi inenge mitatu yakati yapfuura, Judha akaudzwa, zvichinzi, "Tamari, mukadzi womwanakomana wako, akaita upombwe; wava nemimba noupombwe hwake." Judha akati, "Uyai naye, apiswe."
25
Zvino vakati vachiuya naye, akatuma shoko kuna baba vomurume wake, achiti, "Ndine mimba nomurume ane nhumbi idzi, akati, `Docherekedzai kuti izvi ndezvani, zvinoti, chimhete norwonzi, netsvimbo.' "
26
Judha akazviziva, akati, "Iye wakarurama kukunda ini, nokuti handina kumupa Shera, mwanakomana wangu." Haana kuzomuzivazve.
27
Zvino nenguva yokubereka kwake vana vaviri vakanga vari mudumbu rake.
28
Zvino akati achibereka, mumwe akabudisa ruoko; ipapo mbuya vakatora rwodzi rutsvuku, vakarusungira paruoko rwake, vachiti, "Uyu atanga kubuda."
29
Zvino uyu akati adzosera ruoko rwake, munun'una wake akabuda; ivo vakati, "Wazvipasanurira seiko?" Naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Perezi.
30
Pashure mukoma wake akabuda, akanga aine rwodzi rutsvuku paruoko rwake; zita rake rikatumidzwa Zera.
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 39 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50