bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 45
Genesis 45
Shona 2009?
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 46 →
1
Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, "Budisai vanhu vose vari pano neni." Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
2
Akachema kwazvo, valjipiti naveimba yaFarao vakazvinzwawo.
3
Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, "Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here?" Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
4
Josefa akati kuvana vababa vake, "Doswederai henyu kwandiri." Zvino vakaswedera. lye akati, "Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Ijipiti.
5
Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
6
Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
7
Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.
8
Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeljipiti.
9
Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, `Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weljipiti rose; burukirai kwandiri musanonoka;
10
mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo;
11
ndichakuchengetaipo, nokuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.'
12
Tarirai meso enyu anoona, nameso omunun'una wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
13
Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kose paljipiti, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno."
14
Akawira pamutsipa waBhenjamini, munun'una wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.
15
Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye.
16
Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, "Vana vababa vaJosefa vasvika!" Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.
17
Farao akati kuna Josefa, "Iti kuvana vababa vako, `Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKenani;
18
mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeIjipiti, mudye zvakakora zvenyika.'
19
Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeIjipiti, mundotora baba venyu, muuye.
20
Musafunga nhumbi dzenyu, nokuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeIjipiti ndezvenyu."
21
Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo.
22
Akapa vose, mumwe nomumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.
23
Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo.
24
Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, "Chenjerai, musatukana munzira."
25
Ipapo vakabva Ijipiti, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKenani kuna Jakobho, baba vavo.
26
Vakavaudza, vakati, "Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeIjipiti." Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nokuti havana kutenda.
27
Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakobho, baba vavo, ukaponazve;
28
Isiraeri akati, "Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa. "
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 46 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50