bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 47
Genesis 47
Shona 2009?
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 48 →
1
Zvino Josefa akaenda, akandoudza Farao, akati, "Baba vangu navana vababa vangu vasvika, vachibva kunyika yeKenani, vane makwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo; zvino, tarirai vari munyika yeGosheni."
2
Akatora varume vashanu kuvana vababa vake, akavaisa pamberi paFarao.
3
Farao akati kuvakoma vake, "Basa renyu ndereiko?" Vakati kuna Farao, "Varanda venyu vafudzi, isu namadzibaba edu tose."
4
Vakati kuna Farao, "Tauya kuzogara tiri vatorwa munyika ino; nokuti hakuna mafuro amakwai avaranda venyu, nokuti kune nzara kunyika yeKenani; zvino tinokumbira kuti varanda venyu vagare munyika yeGosheni."
5
Ipapo Farao akataura naJosefa, akati, "Baba vako navana vababa vako vauya kwauri;
6
nyika yeIjipiti iri pamberi pako; baba vako navana vababa vako ngavagare panzvimbo yakaisvonaka panyika ino, ngavagare panyika yeGosheni; kana uchiziva kuti pakati pavo pana varume vakangwara, uvaite vatariri vemombe dzangu."
7
Josefa akapinda naJakobho, baba vake, akavaisa pamberi paFarao; Jakobho akaropafadza Farao.
8
Farao akati kuna Jakobho, "Manganiko mazuva amakore oupenyu hwenyu?"
9
Jakobho akati kuna Farao, "Mazuva amakore outorwa hwangu makore ane zana namakumi matatu; mazuva amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa, haana kusvikira pamazuva amakore oupenyu hwamadzibaba angu pamazuva outorwa hwavo."
10
Jakobho akaropafadza Farao, akabuda pamberi paFarao.
11
Zvino Josefa akapa baba vake navana vababa vake pokugara, akavapa nzvimbo panyika yeIjipiti, kuti ive yavo, pakaisvonaka panyika iyo, panyika yeRamesesi, sezvaakarairwa naFarao.
12
Josefa akachengeta baba vake, navana vababa vake, navose veimba yababa vake, akavapa zvokudya achiverenga navana vavowo.
13
Zvino pakanga pasina zvokudya panyika yose, nokuti nzara yakanga iri huru, nyika yeIjipiti nenyika yeKenani dzikaziya nenzara.
14
Josefa akaunganidza mari yose yakanga iri panyika yeIjipiti, napanyika yeKenani, yavakatenga zviyo nayo, Josefa akaisa mari iyo mumba maFarao.
15
Mari yose yakati yapera munyika yeljipiti, napanyika yeKenani, vaIjipiti vose vakauya kuna Josefa, vakati, "Tipei zvokudya, nokuti tingafa seiko pamberi penyu? Nokuti mari yapera."
16
Josefa akati, "Uyai nemombe dzenyu, ndikupei zvokudya pamusoro pezvipfuwo zvenyu, kana mari yapera."
17
Zvino vakauya kuna Josefa nezvipfuwo zvavo; Josefa akavapa zvokudya, vachitsinhanha namabhiza, namakwai, nemombe, nembongoro; akavararamisa nezvokudya, vachitsinhanha nezvipfuwo zvavo zvose gore iroro.
18
Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari negore rechipiri, vakati kwaari, "Hatingavanziri ishe wedu kuti mari yedu yose yapera, mapoka ezvipfuwo ava ashe wedu; hakuchina chakasara pamberi pashe wedu, asi miviri yedu neminda yedu;
19
zvino tingafa seiko pamberi penyu, isu nenyika yedu? Titengei henyu, isu nenyika yedu, tive varanda vaFarao; tipeiwo mbeu tirarame tirege kufa, nenyika irege kushanduka iite sango.'
20
Zvino Josefa akatengera Farao nyika yose yeIjipiti, nokuti vaIjipiti vakatengesa mumwe nomumwe munda wake, nokuti nzara yakanga iri huru pamusoro pavo, nyika ikava yaFarao.
21
Kana vari vanhu akavatamisa kumaguta, kubva kumuganhu mumwe weIjipiti kusvikira kuno mumwe muganhu wayo.
22
Asi nyika yavaprista yoga haana kuitenga, nokuti vaprista vakanga vaganhurirwa mugove wavo naFarao; vaidya mugove wavo wavaipiwa naFarao. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo:
23
Zvino Josefa akati kuvanhu, "Tarirai, ndakatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi, hedzi mbeu, mudzvare panyika.
24
Nenguva yokukohwa munofanira kupa Farao cheshanu, zvina zvichava zvenyu, zvive mbeu dzeminda, nezvokudya zvenyu, nezvavari mudzimba dzenyu, nezvokudya zvepwere dzenyu."
25
Ivo vakati, "Ndimwi makatichengeta; ngatiwane hedu nyasha panashe wedu, tive varanda vaFarao."
26
Josefa akatema mutemo panyika yeIjipiti, uripo nanhasi, kuti Farao apiwe cheshanu; asi nyika yavaprista yoga haina kuva yaFarao.
27
Zvino vaIsiraeri vakagara panyika yeIjipiti, panyika yeGosheni, vakazviwanira fuma imomo, vakabereka vana, vakawanda kwazvo.
28
Jakobho akagara panyika yeljipiti makore ane gumi namanomwe; naizvozvo mazuva aJakobho makore oupenyu hwake, akanga ari makore ane zana namakumi mana namanomwe.
29
Zvino nguva yokufa kwaIsiraeri yakanga yaswedera, iye akadana mwanakomana wake Josefa, akati kwaari, "Kana ndawana nyasha kwauri, chiisa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, undiitire ngoni nechokwadi; rega hako kundiviga paIjipiti;
30
asi kana ndavata namadzibaba angu, undibvise paIjipiti, unondiviga muhwiro hwavo." Iye akati, "Ndichaita sezvamataura. "
31
Vakati, "Ndipikire;" iye akavapikira. Ipapo Isiraeri akakotamira pamusoro wouvato hwake.
← Chapter 46
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 48 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50