bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 18
Genesis 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 19 →
1
Zvino Jehovha wakazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamure, agere pamusuo wetende masikati zuva richipisa;
2
akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; akati achivaona, akabva pamusuo wetende, akamhanya kundosangana navo, akakotamira pasi,
3
akati, "Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu.
4
Ngavauye nemvura shomanana, mushambidze tsoka dzenyu, muzorore pasi pomuti;
5
ini nditore chimedu chechingwa, musimbise moyo yenyu; mugozopfuura henyu, nokuti ndizvo zvamauyira kumuranda wenyu. Ivo vakati; 'ita hako sezvawataura'
6
Abhurahamu akakurumidza kupinda mutende kuna Sara, akati, "Kurumidza ugadzire zviyero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka, ukanye, ubike zvingwa zviduku. "
7
Naiye Abhurahamu akamhanyira kumombe, akatora mhuru ine nyama yakapfava, yakanaka, akapa muranda wake, iye akakurumidza kuigadzira.
8
Akatora mukaka wakafa, nomukaka, nemhuru yaakanga agadzira, akazviisa pamberi pavo; akamira navo munyasi momuti, vakadya.
9
Ivo vakati kwaari, "Sara, mukadzi wako, ari kupiko?" Iye akati, "Tarirai, ari mutende."
10
Iye akati, "Zvirokwazvo, kana gore rapfuura, ndichauyazve kwamuri, nenguva iyo Sara, mukadzi wako, achava nomwanakomana." Zvino Sara akanga achiteerera ari pamusuo wetende shure kwake.
11
Zvino Abhurahamu naSara vakanga vakwegura, vava namakore mazhinji; nomutoo wavakadzi wakanga watoguma kuna Sara.
12
Sara akaseka mumoyo make akati, "Ini ndingazvifarira here zvandachembera, naiye tenzi wangu akwegurawo?"
13
Jehovha akati kuna Abhurahamu, "Sara wasekereiko, achiti, `Ko ini muchembere ndichabereka mwana zvirokwazvo here?'
14
Kune chinhu chingakunda Jehovha here? Nguva ino, gore rapfuura, ndichadzokera kwauri; Sara achava nomwanakomana."
15
Asi Sara akaramba achiti, "Handina kuseka," nokuti akanga achitya. Iye akati, "Kwete waseka hako."
16
Zvino vaya varume vakasimuka, vakabva ipapo, vakatarira Sodhomu; Abhurahamu akaenda navo achivaperekedza.
17
Zvino Jehovha akati, "Ndichavanzira Abhurahamu zvandinoita here?
18
Abhurahamu zvaachava rudzi rukuru rune simba, nendudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa maari?
19
Nokuti ndakamutsaura, kuti araire vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka; kuti Jehovha auyise pamusoro paAbhurahamu izvo zvaakataura pamusoro pake."
20
Ipapo Jehovha akati, "Kudanidzira kweSodhomu neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo;
21
ndichaburuka zvino kuti ndione izvo zvavaita, kana zvakafanana nokudanidzira kwavo kwakasvika kwandiri; kana zvisina kudaro, ndichazviziva."
22
Zvino vaya varume vakabva, vakaenda Sodhomu; asi Abhurahamu akaramba amire pamberi paJehovha.
23
Zvino Abhurahamu wakaswedera, akati, "Muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here?
24
Zvimwe vangavapo vakarurama vana makumi mashanu muguta; muchaparadza nzvimbo iyo, mukasainzwira tsitsi nokuda kwavakarurama vana makumi mashanu varimo here?
25
Ngazvive kure nemwi kuita kudaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa, ngazvive kure nemi. Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?"
26
Ipapo Jehovha akati, "Kana ndikawana muSodhomu vakarurama vana makumi mashanu mukati meguta, ndichanzwira nzvimbo yose tsitsi nokuda kwavo. "
27
Abhurahamu akapindura akati, "Tarirai zvino, ndatsunga kutaura naJehovha, ini guruva nedota hangu;
28
zvimwe kuchashaikwa vashanu kuvakarurama vana makumi mashanu; mungaparadza guta rose kana vashanu vashaikwa here?" Akati, "Handingariparadzi, kana ndikawanamo makumi mana navashanu."
29
Akataurazve naye akati, "Zvimwe kuchawanikwamo makumi mana." Akati, "Handingazviiti nokuda kwamakumi mana."
30
Akati, "Jehovha ngaarege hake kunditsamwira, kana ndikataurazve. Zvimwe vana makumi matatu vachawanikwamo." Akati, "Handingazviiti, kana ndikawana makumi matatu."
31
Akati, "Tarirai, ndatsunga kutaura naJehovha, zvimwe vana makumi maviri vachawanikwamo." Akati, "Handingariparadzi nokuda kwamakumi maviri."
32
Akati, "Jehovha ndikataurazve kamwe chete; zvimwe vane gumi rimwe chete vangawanikwamo." Akati, "Handingariparadzi nokuda kwaivavo vane gumi."
33
Ipapo Jehovha akabva, apedza kutaura naAbhurahamu; naAbhurahamu akadzokera kumba kwake.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50