bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 28
Genesis 28
Shona 2009?
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 29 →
1
Zvino Isaka wakadana Jakobho, akamuropafadza, akamuraira, akati kwaari, "Usawana mukadzi kuvakunda veKenani.
2
Simuka uende Padhanaramu, kuimba yaBhetueri, baba vamai vako, uzviwanire ikoko mukadzi kuvakunda vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
3
Mwari Wamasimbaose ngaakuropafadze, akuberekese vana, akuwanze, kuti uve ndudzi zhinji dzavanhu;
4
akupe kuropafadzwa kwaAbhurahamu, iwe, navana vako pamwechete newe; kuti ugare nhaka yenyika maugere uri mutorwa, iyo yakapiwa Abhurahamu naMwari."
5
Isaka akati Jakobho aende, akaenda Padhanaramu, kuna Rabhani, mwanakomana waBhetueri, muAramu, hanzvadzi yaRabheka, mai vaJakobho naEsau.
6
Zvino Esau wakaona kuti Isaka wakanga aropafadza Jakobho, akati aende Padhanaramu, kuti azviwanire ikoko mukadzi; uyewo kuti pakumuropafadza kwake akamuraira, achiti, "Usawana mukadzi kuvakunda veKenani";
7
uyezve, kuti Jakobho akateerera baba vake namai vake, akaenda Padhanaramu.
8
Esau akaona kuti vakunda veKenani havana kufadza Isaka baba vake;
9
Esau akaenda kuna Ishimaeri, akawedzera kuvakadzi vake, vaakanga anavo, Maharati mukunda walshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mukadzi wake.
10
Zvino Jakobho akabuda paBheerishebha, akaenda Harani,
11
akasvika pane imwe nzvimbo, akavatapo usiku, nokuti zuva rakanga ravira; akatora rimwe ibwe ipapo, akaritsamira, akavata pasi ipapo.
12
Akarota, akaona danhu rakanga ramiswa panyika, musoro waro wakasvika kudenga; akaona vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka naro.
13
Akaona Jehovha amire naye, akati, "Ndini Jehovha, Mwari waAbhurahamu baba vako, naMwari waIsaka; nyika yauvete pamusoro payo ndichakupa iyoyo, iwe navana vako;
14
vana vako vachaita seguruva renyika; uchapararira kumavirazuva, nokumabvazuva, nokumusoro, nenyasi; ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa mauri nomuvana vako.
15
Tarira, ndinewe, ndichakuchengeta kose kwaunoenda, nokukudzosera kunyika ino; nokuti handingakusiyi kusvikira ndaita izvozvo zvandakakuudza."
16
Ipapo Jakobho akapepuka pahope dzake, akati, "Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, asi ini handina kuzviziva."
17
Akatya akati, "Nzvimbo ino inotyisa seiko! Iyi imba chaiyo yaMwari, isuo rokudenga."
18
Jakobho akamuka mangwanani, akatora ibwe raakanga akatsamira, akarimisa kuti rive shongwe, akadira mafuta pamusoro paro;
19
akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Bheteri, asi zita reguta pakutanga rainzi Ruzi.
20
Ipapo Jakobho akapika mhiko achiti, "Kana Mwari akava neni, akandichengeta panzira yandinoenda, akandipa zvokudya, ndidye, nezvokufuka, ndifuke;
21
ndikadzokerazve norugare kuimba yababa vangu, Jehovha achava Mwari wangu;
22
neiri ibwe, randakamisa rikava shongwe, richava imba yaMwari; nezvinhu zvose zvamuchandipa, zvirokwazvo ndichakupai chegumi chazvo."
← Chapter 27
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 29 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50