bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 30
Genesis 30
Shona 2009?
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 31 →
1
Zvino Rakeri akati achiona kuti haaberekeri Jakobho vana, Rakeri akagodora mukoma wake, akati kuna Jakobho, "ndipe vana; kana usingandipi, ndichafa."
2
Ipapo Jakobho akatsamwira Rakeri akati, "Ndiri panzvimbo yaMwari kanhi, wakakushaisa chibereko?"
3
Iye akati, "Hoyo murandakadzi wangu Bhiriha; pinda kwaari kuti abereke pamabvi angu, neni ndiwane vana kwaari.'
4
Akamupa Bhiriha, murandakadzi wake, kuti ave mukadzi wake; Jakobho akapinda kwaari.
5
Zvino Bhiriha akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana.
6
Rakeri akati, "Mwari akandiruramisa, akandipa mwanakomana", naizvozvo akamutumidza zita rinonzi Dhani.
7
Bhiriha, murandakadzi waRakeri akava nemimbazve, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
8
Zvino Rakeri akati, "Ndakarwa nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda;" akamutumidza zita rinonzi Nafutari.
9
Zvino Rea akati achiona kuti waguma kubereka vana akatora Ziripa, murandakadzi wake, akamupa Jakobho, kuti ave mukadzi wake.
10
Ziripa, murandakadzi waRea, akaberekera Jakobho mwanakomana.
11
Rea akati, "Makorokoto!" Akamutumidza zita rinonzi Gadhi.
12
Ziripa, murandakadzi waRea, akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
13
Rea akati, "Ndinomufaro mukuru, nokuti vanasikana vachati, ndinomufaro mukuru," akamutumidza zita rinonzi Asheri.
14
Zvino Rubheni akaenda pamazuva okukohwa zviyo, akandowana michero kusango, akauya nayo kuna mai vake Rea. Rakeri akati kuna Rea, "Dondipawo michero yomwanakomana wako."
15
Iye akati kwaari, "Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu?" Rakeri akati, "Naizvozvo ngaavate newe usiku huno nokuda kwemichero yomwanakomana wako."
16
Zvino Jakobho akati obva kusango madeko, Rea akabuda kundosangana naye, akati, "Unofanira kupinda kwandiri, nokuti ndakakutenga nemichero yomwanakomana wangu." Akavata naye usiku ihwohwo.
17
Zvino Mwari akanzwa Rea, akava nemimba, akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.
18
Rea akati, "Mwari akandipa mubayiro wangu, nokuti ndakapa murandakadzi wangu murume wangu;" akamutumidza zita rinonzi Isakari.
19
Rea akava nemimbazve, akaberekera jakobho mwanakomana wechitanhatu.
20
Rea akati, "Mwari akandipa chipo chakanaka; zvino murume wangu achagara neni, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu"; akamutumidza zita rinonzi Zebhuroni.
21
pashure akazobereka mwanasikana, akamutumidza zita rinonzi Dhina.
22
Zvino Mwari akarangarirawo Rakeri, Mwari akamunzwa, akazarura chizvaro chake.
23
Iye akava nemimba, akabereka mwanakomana; akati, "mwari akabvisa kuzvidzwa kwangu;"
24
akamutumidza zita rinonzi Josefa, achiti, "Jehovha ngaandiwedzere mumwe mwanakomana."
25
Zvino Rakeri akati abereka Josefa, Jakobho akati kuna Rabhani, "Ndiregei, ndiende kumusha kwangu, nokunyika yangu.
26
Ndipei vakadzi vangu navana vangu, vandakakubatirai, ndiende hangu, nokuti imwi munoziva kubata basa kwangu kwandakakubatirai nako."
27
Rabhani akati,,"Zvino kana ndawana nyasha pamberi pako, gara hako, nokuti ndakaona kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako."
28
Akati, "Ndiudze mubayiro wako, ndigokupa iwo."
29
Iye akati, "imwi munoziva mumene sezvandakakubatirai, uye kugara kwezvipfuwo zvenyu kwandiri.
30
Nokuti zvamaiva nazvo, ndisati ndasvika, zvanga zviri zvishoma, zvikazowanda. zvikava zvizhinji; Jehovha akakuropafadzai pose pandakatsika; zvino ndichabatira imba yangu rinhiko?"
31
Iye akati, "Ndokupeiko?" Jakobho akati, "Musandipa chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi, ndichafudzazve zvipfuwo zvenyu nokuzvichengeta.
32
Ndichafamba pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi, ndichiraura pakati pazvo zvose zvinamavara nezvinamakwapa, namatema pakati pamakwai, nedzinamavara nedzinamakwapa pakati pembudzi; ndizvozvo zvichava mubayiro wangu.
33
Nenzira iyi kururama kwangu kuchandipupurira pashure, kana muchizouya kuona mubayiro wangu uri pamberi penyu; dzose dzisina mavara nedzisina makwapa pakati pembudzi, namatema pakati pamakwai, izvozvo kana zvikawanikwa kwandiri mungati zvabiwa neni."
34
Rabhani akati, "Ndizvo hazvo, ngazvive sezvawataura."
35
Nomusi iwoyo akaraura nhongo dzembudzi dzakanga dzine mitsetse, nedzina makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara nedzina makwapa, dzose dzakanga dzinoruvana ruchena, napakati pamakwai ose akanga anoruvara rutema, akazvipa vana vake;
36
akaisa runhambo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho; Jakobho akafudza zvipfuwo zvaRabhani zvakanga zvasara.
37
Zvino Jakobho akatora matanda omusitorakisi, noomuamanda, noomupurani, akasvuura mitaro michena paari, kuti kuchena kuonekwe kwakanga kuri maari;
38
akaisa matanda aakanga asvuura pamberi pezvipfuwo muzvimwiro, paiuya zvipfuwo zvichimwa; zvikatora zamu kana zvouya kumwa.
39
Zvipfuwo zvikatora zamu pamberi pamatanda, zvipfuwo zvikabereka vana vane mitsetse, navanamavara, navanamakwapa.
40
Zvino Jakobho akaraura makwayana, akataridza zvipfuwo kune zvaiva nemitsetse, nezvitema pakati pezvipfuwo zvaRabhani; akaisa mapoka ake ari oga; haana kuzviisa kuzvipfuwo zvaRabhani.
41
Zvino nguva imwe neimwe kana zvaiva nesimba pazvipfuwo zvichitora zamu, Jakobho akaisa matanda pamberi pezvipfuwo muzvimwiro, kuti zvitore zamu pakati pamatanda;
42
asi kana zvipfuwo zvichishaiwa simba haana kuaisa; naizvozvo zvakanga zvisina simba zvakanga zviri zvaRabhani
43
Murume uyu akava mukuru kwazvo, akava nezvipfuwo zvizhinji, navaranda, navarandakadzi, namakamera, namadhongi.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50