bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 44
Genesis 44
Shona 2009?
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 45 →
1
Zvino akaraira mutariri weimba yake, achiti, "Zadza homwe dzavarume nezvokudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yomumwe nomumwe pamuromo wehomwe yake.
2
Nomukombe wangu, mukombe wesirivha, uuise pamuromo wehomwe yomuduku, pamwechete nemari yezviyo zvake." Iye akaita sezvaakaudzwa naJosefa.
3
Zvino fume mangwana koedza varume vakatenderwa kuenda, ivo nembongoro dzavo.
4
Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa akaudza mutariri wake, akati, "Simuka, tevera varume; kana wavabata, uti kwavari, `Matsindikireiko zvamaitirwa zvakanaka?'
5
Ko hachizi chinhu chinomwira ishe wangu, chaanoshopera nacho here? Chinhu ichi chamaita chakaipa. "
6
Akandovabata, akataura mashoko iwayo kwavari.
7
Vakati kwaari, "Ko ishe wedu anotaurirei mashoko akadai? Haisva, varanda venyu havangaiti chinhu chakadai.
8
Tarirai, mari yatakawana pamiromo yehomwe dzedu takadzoka nayo kwamuri tichibva kunyika yeKenani; taigoba seiko sirivha kana ndarama mumba mashe wenyu?
9
Ani naani wavaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesu tichava vasungwa vashe wedu. "
10
Iye akati, "Ndizvo hazvo, ngazvive sezvamataura; iye anowanikwa aine mukombe, ndiye achava musungwa wangu; imwi vamwe hamungavi nemhosva."
11
Ipapo vakakurumidza mumwe nomumwe kuburutsira homwe yake pasi, mumwe nomumwe akasunungura homwe yake.
12
Iye akatsvaka, akatanga kumukuru, akaguma kumuduku; mukombe ukawanikwa muhomwe yaBhenjamini.
13
Ipapo vakabvarura nguvo dzavo, mumwe nomumwe akatakudza mbongoro yake, akadzokera kuguta.
14
Judha navana vababa vake vakadzokera kuimba yaJosefa, iye achirimo, vakawira pasi pamberi pake.
15
Zvino Josefa akati kwavari, "Chinyiko ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu akaita seni anogona kushopera here?"
16
Judha akati, "Ko tingadiniko kuna ishe wangu? Tingataureiko? Tingazvipembedza sei? Mwari akawana kutadza kwavaranda venyu; tarirai tiri vasungwa vashe wedu, isu naiye akawanikwa aine mukombe."
17
Iye akati, "Haisva, handingaiti saizvozvo; munhu uyo akawanikwa ano mukombe muruoko, ndiye achava musungwa wangu; kana muri imwi, endai henyu norugare kuna baba venyu."
18
Ipapo Judha akaswedera kwaari, akati, "Haiwa, ishe wangu, dotenderai henyu muranda wenyu kutaura shoko munzeve dzashe wangu, kutsamwa kwenyu kurege kumukira muranda wenyu, nokuti imwi makaenzana naFarao.
19
Ishe wangu akabvunza varanda vake, achiti, `Muna baba here, kana munun'una?'
20
Isu tikati kuna ishe wedu, `Tina baba vavamutana, vanomwana woutana hwavo, achiri muduku hake; mukoma wake akafa, iye akasara ari oga, mwana wamai vake, baba vake vanomuda.'
21
imwi mukati kuvaranda venyu, `Burukai naye kwandiri, ndimuone nameso angu.'
22
Isu tikati kuna ishe wedu, `Mukomana haangasiyi baba vake, nokuti kana akasiya baba vake, baba vake vangafa.'
23
Zvino makati kuvaranda venyu, `Kana munun'una wenyu worugotwe asingaburuki nemi, hamungaonizve chiso changu.'
24
Zvino takati takwira kumuranda wenyu, baba vedu, tikavaudza mashoko ashe wedu.
25
Baba vedu vakati, `Endaizve, mutitengere zvokudya zvishomanana.'
26
Isu tikati, `Hatingaburuki, kana munun'una wedu asingaburuki nesu; nokuti hatingaoni chiso chomurume uya, kana munun'una wedu asinesu.'
27
Muranda wenyu, baba vedu, vakati kwatiri, `Munoziva kuti mukadzi wangu akandiberekera vanakomana vaviri;
28
mumwe akabva kwandiri,' ndikati, `Zvirokwazvo akabvamburwa; kubva musi iwoyo handina kuzomuonazve;
29
kana mukanditorera nouyuwo, akawirwa nenjodzi, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema.'
30
Naizvozvo, kana zvino ndikandosvika kumuranda wenyu, baba vangu, tisinaiye mukomana, mweya wavo zvawakabatanidzwa nomweya womukomana,
31
vachati kana vachiona kuti mukomana asinesu, vachafa; naizvozvo varanda venyu vachaburutsira vhudzi jena romuranda wenyu, baba vedu, kuhwiro nokuchema.
32
Nokuti muranda wenyu akazviita rubatso rwomukomana kuna baba vangu, ndikati, `Kana ndikasauya naye kwamuri,ini ndichava nemhosva kuna baba vangu nokusingaperi.'
33
Naizvozvo zvino ndinokumbira kuti muranda wenyu agare hake ari musungwa washe wangu pachigaro chomukomana, asi mukomana akwire hake navana vababa vake.
34
Nokuti ndingakwira seiko kuna baba vangu, ndisina mukomana? Ndirege hangu kuona njodzi ichawira baba vangu."
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 45 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50