bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 35
Genesis 35
Shona 2009?
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 36 →
1
Zvino Mwari akati kuna Jakobho, "Simuka, ukwire Bheteri, undogara ikoko; uitire Mwari aritari ipapo, iye akazviratidza kwauri panguva yokutiza kwako pamberi paEsau, mukuru wako."
2
Ipapo Jakobho akati kumhuri yake, navose vakanga vanaye, "Bvisai vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu, zvinatsei, mufuke dzimwe nguvo;
3
tisimuke, tikwire Bheteri; ipapo ndichaitira Mwari aritari, iye akanga aneni panzira yandakanga ndichifamba nayo."
4
Ivo vakapa Jakobho vamwari vose vedzimwe ndudzi vakanga vari pamaoko avo, nezvindori zvakanga zviri panzeve dzavo; Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuouki wakanga uri paShekemu.
5
Vakapfuura norwendo rwavo, maguta akanga akavakomba akatya Mwari kwazvo, vakasateverera vanakomana vaJakobho.
6
Jakobho akasvika Ruzi, guta riri panyika yeKenani (rimwe zita ndiBheteri), iye navanhu vose vaakanga anavo.
7
Akavakapo aritari, akatumidza zita renzvimbo iyoyo kuti Eribheteri; nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo, panguva yokutiza kwake pamberi pomukuru wake.
8
Debhora, mureri waRabheka, akafa, akavigwa zasi kweBheteri munyasi momuouki; zita rapo rikanzi Aronibhakuti.
9
Ipapo Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho pakubva kwake Padhanaramu, akamuropafadza.
10
Mwari akati kwaari, "Zita rako ndiJakobho, zita rako harichazonzi Jakobho, asi zita rako richanzi Isiraeri;" akamutumidza zita rinonzi Isiraeri.
11
Zvino Mwari akati kwaari, "Ndini Mwari Wamasimbaose; bereka vana, uwande; rudzi neboka rendudzi zvichabuda kwauri, namadzishe achabuda pachiuno chako;
12
nyika yandakapa Abhurahamu naIsaka, ndichakupa iyoyo; vana vako vanokutevera ndichavapa nyika iyoyo."
13
Mwari akakwira, akabva kwaari, ipapo paakanga achitaura naye.
14
Jakobho akamisa shongwe ipapo paakanga ataura naye, shongwe yehwe; akadurura pamusoro payo chipiriso chinodururwa, akadirawo mafuta pamusoro payo.
15
Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo, pakanga pataura Mwari naye, zita rinonzi Bheteri.
16
Zvino vakafamba vachibva Bheteri; chinhambo chakanga chichipo chokusvika Efurata; Rakeri akazvara, akatambudzika pakupona kwake.
17
Akati achitambudzika pakupona kwake, mbuya vakati kwaari, "Usatya hako, nokuti zvino uchava nomumwe mwanakomanazve."
18
Zvino mweya wake wakati uchibuda (nokuti wakafa), akamutumidza Bhenoni; asi baba vake vakamutumidza Bhenjamini.
19
Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda Efurata (rimwe zita ndiBheterehemu).
20
Jakobho akamisa shongwe pamusoro perinda rake, ndiyo shongwe yerinda raRakeri kusvikira zuva ranhasi.
21
Isiraeri akafamba, akapfuurira mberi, akadzika tende rake neseri kweshongwe yeEdheri.
22
Zvino Isiraeri agere munyika iyoyo, Rubheni akandovata naBhiriha, murongo wababa vake, Isiraeri akazvinzwa. Zvino vanakomana vaJakobho vaiva gumi navaviri;
23
vanakomana vaRea: Rubheni, dangwe raJakobho, naSimiyoni, naRevhi, naJudha, nalsakari, naZebhuroni;
24
vanakomana vaRakeri: Josefa naBhenjamini;
25
vanakomana vaBhiriha, murandakadzi waRakeri: Dhani naNafutari;
26
vanakomana vaZiripa, murandakadzi waRea: Gadhi naAsheri. Ndivo vanakomana vaJakobho, vaakazvarirwa paPadhanaramu.
27
Jakobho akasvika kuna Isaka, baba vake paMamure, paKiriyatiabha (rimwe zita ndiHebhuroni), paigara Abhurahamu naIsaka vari vatorwa.
28
Mazuva aIsaka akanga ari makore ane zana namakumi masere.
29
Mweya waIsaka ukabuda, akafa, akasanganiswa navanhu vake, akwegura, ava namazuva mazhinji; Esau naJakobho, vanakomana vake, vakamuviga.
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50