bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 34
Genesis 34
Shona 2009?
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 35 →
1
Zvino Dhina, mwanasikana waRea, waakaberekera Jakobho, akabuda kundoona vakunda venyika iyoyo.
2
Ipapo Shekemu, mwanakomana waHamori, muHivhi, muchinda wenyika, akamuona; akamutora, akavata naye, akamunyadza.
3
Mweya wake ukanamatira Dhina, mukunda waJakobho, akamuda musikana uyo, akataura zvakafadza moyo womusikana.
4
Zvino Shekemu akataura nababa vake, Hamori akati, "Nditorerei musikana uyo, ave mukadzi wangu."
5
Zvino Jakobho akanzwa kuti akachinyira Dhina, mukunda wake; vanakomana vake vakanga vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakobho akanyarara hake kusvikira vauya.
6
Hamori, baba vaShekemu, vakaenda kuna Jakobho kundotaurirana naye.
7
Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango; zvino varume ava vakanga vane shungu kwazvo, vakatsamwa zvikuru, nokuti akanga aita chinhu chakaipa kwazvo pakati pavaIsiraeri kuti avate nomukunda waJakobho; chinhu icho chakanga chisingafaniri kuitwa.
8
Zvino Hamori akataurirana navo, akati, "Mweya womwanakomana wangu, Shekemu, unoshuva mukunda wenyu; domupai henyu iye, ave mukadzi wake.
9
Wananai henyu nesu, tipei vakunda venyu, mugotora vakunda vedu.
10
Garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garaimo, mushambadzire, muzviunganidziremo fuma."
11
Ipapo Shekemu akati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake, "Ndiwane hangu nyasha kwamuri; zvamunoreva kwandiri, ndichakupai.
12
Kumbirai henyu kwandiri roora guru nechipo chikuru; zvamunoreva kwandiri ndichakupai; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu. "
13
Ipapo vana vaJakobho vakapindura Shekemu naHamori, baba vake, nokunyengera, vakataura nokuti akanga achinyira hanzvadzi yavo Dhina,
14
vakati kwavari, "Hatingagoni kuita chinhu ichi, kuti tipe munhu asina kudzingiswa hanzvadzi yedu, nokuti izvozvi zvingatinyadza;
15
tingatenderana nemwi koga kana mukaita chinhu ichi, kuti muve sesu, murume mumwe nomumwe ari kwamuri adzingiswe;
16
ipapo isu tichakupai vakunda vedu, nesuo tichatora vakunda venyu; tigare nemi, tive savanhu vamwe.
17
Kana musingatitereri, kuti mudzingiswe, tichatora mukunda wedu, tikabva."
18
Mashoko avo akafadza Hamori naShekemu, mwanakomana waHamori.
19
Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichocho, nokuti akanga achifarira mukunda waJakobho; naiye akanga achikudzwa kupfuura vose veimba yose yababa vake.
20
Zvino Hamori naShekemu, mwanakomana wake, vakauya kusuo reguta ravo, vakataurirana navanhu veguta ravo vakati,
21
"Vanhu ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare havo munyika ino, vashambadziremo; nokuti tarirai nyika inovaringana; ngatitore vakunda vavo vave vakadzi vedu, nesu tivape vakunda vedu.
22
Asi vanhu ava vachatenderana nesu kugara nesu, nokuita savanhu vamwe nesu, koga kana tichiita chinhu ichi, kuti varume vose kwatiri vadzingiswe, sezvavakadzingiswa ivo.
23
Ko mombe dzavo, nefuma yavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo koga, vagogara nesu."
24
Zvino vose vaibuda pasuo reguta rake vakateerera Hamori, naShekemu, mwanakomana wake; ipapo varume vose vakadzingiswa, vose vaibuda pasuo reguta rake.
25
Zvino pazuva retatu, vachiri pakurwadziwa, vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora mumwe nomumwe munondo wake, vakapinda muguta vanhu vasingarindiri, vakauraya varume vose.
26
Vakauraya Hamori naShekemu, mwanakomana wake, neminondo inopinza, vakatora Dhina mumba maShekemu, vakaenda.
27
Vanakomana vaJakobho vakaenda kune vakauraiwa, vakapamba guta, nemhaka yokuti vakanga vachinyira hanzvadzi yavo.
28
Vakatora makwai avo, nemombe dzavo, nembongoro dzavo, nezvakanga zviri muguta, nezvakanga zviri kusango;
29
vakatapa fuma yavo yose, navana vavo vaduku, navakadzi vavo, vakazviita mhambara, nezvinhu zvose zvakanga zviri mudzimba.
30
Ipapo Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, "Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino, pakati pavaKenani navaPerezi; ini zvandiine vanhu vashoma, vachandiunganira, vakandiuraya; ndichaparadzwa ini neveimba yangu."
31
Ivo vakati, "Iye agoitireiko nehanzvadzi yedu sezvinoitwa nechifeve?"
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50