bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 27
Genesis 27
Shona 2009?
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 28 →
1
Zvino Isaka wakati ava mutana, meso ake owonera madzedzerere, asisaoni zvakanaka, akadana Esau, mwanakomana wake mukuru, akati kwaari, "Mwana wangu;" iye akati kwaari, "Ndiri pano hangu."
2
Akati, "Tarira zvino ndakwegura; handizivi zuva rokufa kwangu.
3
Zvino tora hako nhumbi dzako dzokuvhima nadzo, dzinoti goba rako, nouta hwako, uende kusango undivhimire mhuka;
4
undigadzirire nyama yakanaka, sezvandinoda, uuye nayo kwandiri, ndidye, mweya wangu ukuropafadze, ndisati ndafa."
5
Zvino Rabheka akanzwa Isaka achitaura naEsau, mwanakomana wake. Esau akaenda kusango kundovhima mhuka, kuti auye nayo.
6
Rabheka akataura naJakobho, mwanakomana wake, akati, "Tarira, ndanzwa baba vako vachitaura naEsau, mukoma wako, vachiti,
7
`Nditorere mhuka, undigadzirire nyama yakanaka, kuti ndiidye, ndikuropafadze pamberi paJehovha ndisati ndafa.'
8
Zvino mwana wangu, teerera inzwi rangu sezvandinokuraira.
9
Enda zvino kuzvipfuwo, unditorerepo mbudzana mbiri dzakanaka, ndigadzirire baba vako nadzo nyama yakanaka, sezvavanoda;
10
ugoenda nayo kuna baba vako, vadye, kuti vakuropafadze vasati vafa."
11
Jakobho akati kuna Rabheka mai vake, "Tarirai, Esau, mukoma wangu, munhu ane mvere, asi ini ndiri munhu asina mvere.
12
Zvimwe baba vangu vachandibata-bata, ndikava somunyengedzeri pamberi pavo, ndikazviuyisira kutukwa pachigaro chokuropafadzwa."
13
Mai vake vakati kwaari, "Kutukwa kwako ngakuve pamusoro pangu, mwana wangu; teerera hako inzwi rangu, uende unditorere idzo."
14
Iye akaenda, akadzitora, akadziisa kuna mai vake; mai vake vakagadzira nyama yakanaka, yaidikamwa nababa vake.
15
Zvino Rabheka akatora nguvo dzakaisvonaka dzaEsau, mwanakomana wake mukuru, dzaaiva nadzo mumba, akadzifukidza Jakobho, mwanakomana wake muduku;
16
akaisa nguvo dzembudzana pamaoko ake, napamutsipa wake pakanga pasina mvere;
17
akaisa nyama yakanaka nechingwa, zvaakanga agadzira, muruoko rwaJakobho, mwanakomana wake.
18
Iye akaenda kuna baba vake, akati, "Baba vangu;" ivo vakati, "Ndiri pano hangu; ndiwe aniko mwana wangu?"
19
Jakobho akati kuna baba vake, "Ndini Esau, dangwe renyu; ndaita sezvamandiraira; simukai henyu, mugare, mudye nyama yangu yemhuka, mweya wenyu undiropafadze."
20
Isaka akati kumwanakomana wake, "Wakurumidza seiko kuiwana, mwana wangu?" Iye akati, "Nokuti Jehovha, Mwari wenyu, waituma pamberi pangu. "
21
Isaka akati kuna Jakobho, "Chimboswedera hako, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizive kuti uri mwanakomana wangu Esau chaiye, kana kuti hausi iwe."
22
Jakobho akaswedera kuna Isaka, baba vake; ivo vakamubatabata, vakati, "Inzwi, inzwi raJakobho, asi maoko maoko aEsau."
23
Asi haana kumuziva, nokuti maoko ake akanga aine mvere, samaoko omukuru wake Esau; akamuropafadza.
24
Akati, "Ndiwe mwanakomana wangu Esau chaiye here?" Iye akati, "Ndini iye."
25
Akati, "Uiswededze pedo neni, kuti ndidye nyama yemhuka yomwanakomana wangu, mweya wangu ukuropafadze." Iye akaiswededza pedo naye, akadya; akamupawo waini, akamwa.
26
Ipapo baba vake Isaka vakati kwaari, "Swedera zvino unditsvode, mwana wangu."
27
Akaswedera, akamutsvoda; akanzwa munhuwi wenguvo dzake, akamuropafadzwa, akati, "Tarira munhuwi womwanakomana wangu wakaita somunhuwi wesango rakaropafadzwa naJehovha;
28
Mwari ngaakupe dova rokudenga, mafuta enyika, nezviyo newaini zvakawanda.
29
Vanhu ngavakushumire, marudzi ose ngaakupfugamire; uve ishe wehama dzako, vanakomana vamai vako ngavakupfugamire; vose vanokutuka ngavatukwe, vose vanokuropafadza ngavaropafadzwe."
30
Zvino Isaka wakati apedza kuropafadza Jakobho, Jakobho achangobuda pamberi palsaka baba vake, Esau mukoma wake, akapinda, achibva pakuvhima kwake.
31
Naiye akagadzira nyama yakanaka, akaenda nayo kuna baba vake; akati kuna baba vake, "Baba vangu ngavasimuke, ngavadye nyama yemhuka yomwanakomana wavo, kuti mweya wenyu undiropafadze."
32
Ipapo Isaka baba vake vakati, "Ndiwe aniko?" Iye akati, "Ndini mwanakomana wenyu, dangwe renyu Esau."
33
Isaka akabvunda kwazvo-kwazvo, akati, "Ndianiko wakanga avhima mhuka, akauya nayo kwandiri ndikadya zvose, iwe usati wasvika, ndikamuropafadza? Hongu, zvirokwazvo iye acharopafadzwa hake."
34
Esau akati achinzwa mashoko ababa vake, akachema nokuchema kukuru kunorwadza moyo, akati kuna baba vake, "Ndiropafadzei neniwo, baba vangu! "
35
Akati, "Munun'una wako wakauya nokunyengedzera, akatora kuropafadzwa kwako."
36
Iye akati, "Haana kutumidzwa zita rakamufanira here, rokuti Jakobho? Nokuti zvino wandinyengedzera kaviri; wambonditorera udangwe hwangu, zvino tarira, wanditorera kuropafadzwa kwangu." Akati, "Hamuna kundichengeterawo kuropafadzwa here?"
37
Isaka akapindura, akati kuna Esau, "Tarira, ndamuita ishe wako, nehama dzake dzose ndakamupa iye, kuti vave varanda vake; ndamusimbisa nezviyo newaini; zvino chinyiko chandingakuitira iwe, mwana wangu?"
38
Esau akati kuna baba vake, "Munongova nokuropafadza kumwe koga here, baba vangu? Ndiropafadzei, neniwo, baba vangu!" Esau akachema nokuchema. kukuru.
39
Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, "Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro;
40
uchararama nomunondo wako, uchashumira munun'una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako."
41
Esau akavenga Jakobho nokuda kokuropafadzwa kwaakaropafadzwa nako nababa vake; Esau akati mumoyo make, "Mazuva okuchema baba vangu ava kuda kusvika; ipapo ndichauraya munun'una wangu Jakobho."
42
Zvino Rabheka akaudzwa mashoko aEsau, mwanakomana wake mukuru; akatuma munhu kundodana Jakobho, mwanakomana wake muduku, akati kwaari, "Tarira, mukoma wako Esau anozvivaraidza pamusoro pako, achiti achakuuraya.
43
Saka zvino, mwana wangu, teerera inzwi rangu; simuka utizire Harani kuna Rabhani hanzvadzi yangu;
44
undogara kwaari mazuva mashomanana, kusvikira shungu dzomukoma wako dzanyarara;
45
kusvikira kutsamwa komukoma wako kwanyarara kwauri, kana akangamwa izvo zvawamuitira. Ipapo ndichatuma munhu kuzokutora ikoko; ndichatorerwa seiko nomusi mumwe imwi mose muri vaviri?"
46
Rabheka akati kuna Isaka, "Ndanetswa noupenyu hwangu nokuda kwavakunda vaHeti; kana Jakobho akawanawo mukadzi kuvakunda vaHeti, wakaita saivava, kuvakunda venyika ino, upenyu hwangu ungandibatsirei?"
← Chapter 26
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 28 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50