bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 40
Genesis 40
Shona 2009?
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
1
Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weljipiti.
2
Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki.
3
Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutirongo, pakanga pakasungwa Josefa.
4
Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa.
5
Zvino vose vaviri vakarota hope usiku humwe, mumwe nomumwe kurota kwake, kurota kumwe nokumwe kune dudziro yako, ivo mudiri nomubiki vamambo weIjipiti, vakanga vakasungwa mutirongo.
6
Zvino fume mangwana Josefa akapinda kwavari, akavatarira, akaona kuti havafari.
7
Akabvunza varanda vaFarao vakanga vachengetwa pamwechete naye mumba matenzi wake, akati, "Nhasi makasuwa neiko?"
8
Vakati kwaari, "Tarota hope, asi hakuna munhu anogona kudzidudzira." Josefa akati kwavari, "Kududzira hakuzi kwaMwari here? Dondirondedzerai henyu."
9
Zvino mukuru wavadiri akarondedzera kurota kwake kuna Josefa, akati, kwaari, "Pakurota kwangu ndakaona muzambiringa pamberi pangu; pamuzambiringa pakanga pana matavi matatu;
10
ukaita sokutumbuka, ukabudisa maruva; masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva;
11
mukombe waFarao wakanga uri muruoko rwangu; zvino ndikatora mazambiringa, ndikaasvinira mumukombe waFarao, ndikaisa mukombe muruoko rwaFarao."
12
Josefa akati kwaari, "Kududzirwa kwadzo ndiko: Matavi matatu mazuva matatu;
13
mazuva matatu agere kupera Farao achasimudza musoro wako, nokukudzosera kubasa rako; ipapo uchaisa mukombe waFarao muruoko rwakezve, sezvawaiita kare uchiri mudiri wake.
14
Asi undirangarire hako kana woitirwa zvakanaka; undiitire ngoni, undireverere kuna Farao, kuti ndibudiswe paimba ino;
15
nokuti zvirokwazvo, ndakabiwa kunyika yavaHebheru; napano handina kuita chinhu chakafanira kuti vandiise mugomba iri."
16
Zvino mukuru wavabiki akati aona kuti dudziro yakanaka, akati kuna Josefa, "Neniwo ndakanga ndiri pakurota kwangu, ndikaona tswanda nhatu dzechingwa chichena dzakanga dziri pamusoro wangu;
17
mutswanda yapamusoro makanga mune zvokudya zvamarudzi ose zvakabikwa zvaFarao; shiri dzikazvidya mutswanda yaiva pamusoro wangu."
18
Ipapo Josefa akapindura, akati, "Kududzirwa kwadzo ndiko: Tswanda nhatu mazuva matatu;
19
mazuva matatu agere kupera, Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, akusungirire pamuti; shiri dzichadya nyama yako dzichiibvisa kwauri."
20
Zvino nomusi wetatu, musi wokuzvarwa kwaFarao, iye akaitira varanda vake vose mutambo. Akasimudza musoro womukuru wavadiri, nomusoro womukuru wavabiki pakati pavaranda vake,
21
akadzosera mukuru wavadiri kubasa rake rokudira kwake, akapa mukombe waFarao muruoko rwaFarao;
22
asi akasungirira mukuru wavabiki sezvavakanga vadudzirwa naJosefa.
23
Asi mukuru wavadiri haana kurangarira Josefa, asi akamukangamwa.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50