bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 42
Genesis 42
Shona 2009?
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 43 →
1
Zvino Jakobho akaona kuti zviyo zvaiveko kuIjipiti, Jakobho akati kuvanakomana vake, "Munotarirana neiko?"
2
Akati, "Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuIjipiti; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa."
3
Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Ijipiti.
4
Asi Bhenjamini, munun'una waJosefa, Jakobho haana kumutuma navakoma vake; nokuti akati, "Zvimwe angawirwa nenjodzi."
5
Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani.
6
Zvino Josefa akanga ari mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.
7
Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, "Mabvepiko?" Ivo vakati, "Tabva kunyika yeKenani kuzotenga zvokudya."
8
Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.
9
Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, "Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi."
10
Ivo vakati kwaari, "Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.
11
Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori";
12
iye akati kwavari, "Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi."
13
Ivo vakati, "Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKenani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo."
14
Josefa akati kwavari, "Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;
15
hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana munun'una wenyu worugotwe asina kuuya pano.
16
Tumai mumwe wenyu kuti andotora munun'una wenyu, asi imwi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori."
17
Ipapo akavaisa pamwechete vose mutirongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.
18
Josefa akati kwavari nezuva retatu, "Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;
19
kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanun'una venyu ngaagare akasungwa mutirongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.
20
Mugouya nomunun'una wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa." Vakaita saizvozvo.
21
Vakataurirana vachiti, "Zvirokwazvo tine mhosva nokuda komunun'una wedu, nokuti takaona kutambudzika komweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika."
22
Ipapo Rubheni akapindura, akati, "Handina kukuudzai here, ndichiti, `Regai kutadzira mwana,' mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa."
23
Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nokuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.
24
Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
25
Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.
26
Ipapo vakatakudza mbongoro dzavo zviyo zvavo, vakaenda.
27
Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape mbongoro yake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
28
Akati kuhama dzake, "Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora moyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, `Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?' "
29
Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKenani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira;
30
vakati, "Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.
31
Tikati kwaari, `Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori;
32
tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKenani.' "
33
Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, "Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, `Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.'
34
Mugouyazve kwandiri nomunun'una wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munun'una wenyu, mugotenga panyika ino."
35
Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
36
Zvino Jakobho akati kwavari, "Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira."
37
Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, "Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri."
38
Vakati, "Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nokuti mukoma wake wakafa, iye asiyiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuhwiro nokuchema."
← Chapter 41
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 43 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50