bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Genesis 25
Genesis 25
Shona 2009?
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 26 →
1
Zvino Abhurahamu akawanazve mumwe mukadzi, wainzi Ketura.
2
Iye akamuberekera Zimurami, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua.
3
Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Vanakomana vaDhedhani vakanga vari vaAshuri, navaRetushi, navaReumi.
4
Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vakanga vari vana vaKetura.
5
Abhurahamu akapa Isaka zvose zvaakanga anazvo.
6
Asi vanakomana vavarongo vaAbhurahamu vaakanga anavo, Abhurahamu wakavapa zvipo; akavatuma, iye achiri mupenyu, vabve kuna Isaka mwanakomana wake, vaende kumabvazuva, kunyika yokumabvazuva.
7
Ndiwo mazuva amakore oupenyu hwaAbhurahamu. Makore ane zana namakumi manomwe namashanu.
8
Abhurahamu akabudisa mweya wake, akafa akwegura kwazvo, ava mutana, makore ake ave mazhinji, akasanganiswa navanhu vake.
9
Isaka naIshimaeri, vanakomana vake, vakamuviga mubako reMakapera, mumunda waEfuroni, mwanakomana waZohari, wavaHeti, wakatarisana neMamure;
10
ndiwo munda wakanga watengwa naAbhurahamu kuvana vaHeti; ndipo pakavigwa Abhurahamu naSara, mukadzi wake.
11
Zvino Abhurahamu wakati afa, Mwari akaropafadza Isaka, mwanakomana wake; Isaka akagara paBheeri-rakai-roi.
12
Ndiwo marudzi alshimaeri, mwanakomana waAbhurahamu, wakaberekerwa Abhurahamu naHagari, muljipiti, murandakadzi waSara.
13
Ndiwo mazita avanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo pakuzvarwa kwavo. Wedangwe waIshimaeri wakanga ari Nebhayoti, naKedhari, naAdhibheri, naMibhisami,
14
naMishima, naDhurina, naMasa,
15
naHadhadhi, naTema, naJeturi, naNafishi, naKedhema;
16
ndivo vanakomana vaIshimaeri, ndiwo mazita avo, pamisha yavo napamatende avo; machinda ane gumi namaviri nendudzi dzavo.
17
Ndiwo makore oupenyu hwaIshimaeri, makore ane zana namakumi matatu namanomwe; akabudisa mweya wake, akafa, akasanganiswa navanhu vake.
18
Vakagara kubva paHavhira kusvikira paShuri, mberi kweIjipiti, kana munhu achienda Asiria; akandogara akatarisana nehama dzake dzose.
19
Ndiwo marudzi alsaka, mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaka;
20
Isaka akanga ana makore ana makumi mana pakuwana kwake Rabheka, mukunda waBhetueri, muAramu, wePadhanaramu, hanzvadzi yaRabhani, muAramu, kuti ave mukadzi wake.
21
Zvino Isaka wakanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti wakanga asingabereki; Jehovha akanzwa kunyengetera kwake, Rabheka, mukadzi wake, akave nemimba.
22
Zvino vana vakasundana mukati make, akati, "Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi?" Akandobvunza Jehovha.
23
Jehovha akati kwaari, "Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku. "
24
Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake.
25
Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguvo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau.
26
Pashure munun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
27
Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende.
28
Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wakanga achida Jakobho.
29
Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya;
30
Esau akati kuna Jakobho, "Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;" saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu.
31
Jakobho akati, "Chimbonditengesera udangwe hwako."
32
Esau akati, "Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?"
33
Jakobho akati, "Chimbondipikira;" akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake.
34
Jakobho akapa Esau chingwa nezvokudya zvenyemba; akadya, akamwa, akasimuka, ndokuenda hake; Esau akazvidza udangwe hwake saizvozvo.
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50