bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 1
John 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 2 →
1
Pakutanga Shoko wakanga aripo, Shoko wakanga anaMwari, Shoko wakanga ari Mwari.
2
Iyeyu wakanga anaMwari pakutanga.
3
Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kunyange chinhu chimwe chakaitwa.
4
Upenyu bwaiva maari: upenyu bwaiva chiedza chavanhu,
5
nechiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kuchigamuchira.
6
Kwakanga kunomunhu wakatumwa kubva kunaMwari, zita rake \add richinzi\add* Johwani.
7
Iye wakavuyira vuchapupu, ape vuchapupu bwechiedza, kuti vose vatende naye.
8
Uyo wakanga asati ari icho chiedza, \add asi\add* wakatumwa kuzopupura pamusoro pechiedza.
9
Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe unovuya panyika.
10
Wakanga ari munyika nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
11
Wakavuya kunezvake, asi vokwake havana kumugamuchira.
12
Asi vose vakamugamuchira, iye wakavapa simba kuti vave vana vaMwari, kuna ivo vanotenda kuzita rake;
13
avo vakaberekwa kwete neropa, kana nokuda kwenyama. Kana nokuda komurume, asi naMwari.
14
Shoko wakazova nyama, akagara pakati pedu, tikavona kubwinya kwake, kubwinya sokowakaberekwa mumwe chete wababa, azere nenyasha nechokwadi.
15
Johwani akamupupurira, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti; uyu unouya shure kwangu wakavapo mberi kwangu; nokuti wakanditangira.
16
Nokuti pakuzara kwake isu tose takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.
17
Nokuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakavuya naJesu Kristu.
18
Hakunomunhu wakatongovona Mwari chero nguva ipi, mwanakomana wakaberekwa mumwe woga, ari pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
19
Ubwu ndibwo vuchapupu bwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vaprista navaRevhi, kubva Jerusarema kundomubvunza kuti: Iwe ndiwe aniko?
20
Akatenda pachena, haana kuramba, akatenda pachena, \add achiti\add*: Handizi Kristu.
21
Vakamubvunza \add vachiti\add*: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi. Ko uri uya muporofita here? Akapindura \add akati\add*: Kwete,
22
Zvino vakati kwaari: Ndiwe aniko? Kuti tigondopindura vakatituma; unozviti aniko?
23
Akati: Ini \add ndini\add* inzwi rounodana murenje: Ruramisai nzira yaShe; sezvakarebwa nomuporofita Isaya.
24
Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarisi,
25
Vakamubvunza vakati kwaari: Unogobhabhatidzireiko kana iwe usi Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
26
Johwani akavapindura achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi;
27
ndiye unovuya shure kwangu, asi uri mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
28
Izvozvi zvakaitika paBhetaniya, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
29
Ava mangwana Johwani wakavona Jesu achivuya kwaari, akati: Tarirai, gwayana raMwari, rinobvisa rotakura zvivi zvenyika.
30
Uyu ndiye wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunovuya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira.
31
Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe vaIsraeri, ndizvo zvandakavuyira, ndichibhabhatidza nemvura.
32
Johwani akapupura, achiti: Ndakavona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
33
Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunovona Mweya achiburuka pamusoro pake, nokugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza noMweya Mutsvene.
34
Ini ndakavona ndikapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.
35
Ava mangwanazve Johwani wakanga amire navadzidzi vake vaviri;
36
akatarisisa Jesu achifamba, akati: Tarirai, gwayana raMwari!
37
Vadzidzi vaviri, vakamunzwa achitaura, vakatevera Jesu.
38
Ipapo Jesu akatendevuka akavavona vachitevera, akati kwavari: Munotswakeiko? Ivo Vakati kwaari: Rabhi (ndokuti Mudzidzisi, kana zvichishandurwa), munogarepiko?
39
Akati kwavari: Vuyai, muvone. Vakaenda vakandovona kwaaigara, vakagara naye zuva iroro; yakanga iri nguva inenge yegumi.
40
Mumwe wavaviri, vakanga vanzwa Johwani vakamutevera, vaiva Andiriyasi munun'una waSimoni Petro.
41
Akatanga kuwana mukoma wake Simoni, akati kwaari: Tawana Mesiasi (ndokuti Kristu, kana zvichishandurwa,)
42
Akamuisa kunaJesu. Jesu akati amutarira, akati: Ndiwe Simoni, mwanakomana waJona, uchanzi Kefasi (ndiko kuti dombo kana zvichishandurwa.)
43
Ava mangwana Jesu akada kuenda Gariri, akawana Firipi, akati kwaari: Nditevere.
44
Zvino Firipi wakanga ari weBhetisaidha, guta raAndiriyasi naPetro.
45
Firipi akawana Nataniyeri, akati kwaari: Tamuwana iye, wakanyorwa zvake naMozisi pamurairo navaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
46
Nataniyeri akati kwaari: Kune chinhu chakanaka chingabuda muNazareta here? Firipi akati kwaari: Vuya uvone.
47
Jesu akavona Nataniyeri achivuya kwaari, akati pamusoro pake: Tarirai, muIsraeri wechokwadi, usinokunyengera maari.
48
Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi momuvonde, ndakakuvona.
49
Nataniyeri akapindura, akati kwaari: Mudzidzisi, ndimwi Mwanakomana waMwari, ndimwi Ishe waIsraeri.
50
Jesu akapindura, akati kwaari: Unotenda nokuti ndati kwauri, ndakakuvona munyasi momuvonde here? Uchavona zvinhu zvikuru kunaizvozvi.
51
Akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva zvino muchavona kudenga kwazarurwa, navatumwa vaMwari vachikwira, nokuburukira pamusoro poMwanakomana womunhu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21