bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 15
John 15
Shona 2009?
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
1
Ndini muzambiringa wechokwadi, baba vangu ndivo murimi.
2
Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki chibereko vanoribvisa; rimwe nerimwe rinobereka chibereko, vanorichekerera, kuti riwedzere zvibereko.
3
Imwi matonatswa neshoko randareva kwamuri.
4
Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko roga, kana risingagari mumuzambiringa, saizvozvo nemwivo, kana musingagari mandiri.
5
Ini ndiri muzambiringa, imwi matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka zvibereko zvakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
6
Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokuwoma; vanoavunganidza, ndokukandira mumoto apiswe.
7
Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, muchakumbira zvamunoda, muchazviitirwa.
8
Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke zvibereko zvakawanda; uye muchava vadzidzi vangu.
9
Baba sezvavakandida, saizvozvovo ndakakudai; garai murudo rwangu.
10
Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndakachengeta mirairo yaBaba vangu, ndinogara murudo rwavo.
11
Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzare.
12
Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudanane, sezvandakakudai.
13
Hakunomunhu unorudo rukuru kunourwu, kuti munhu aradzikire pasi shamwari dzake upenyu bwake.
14
imwi muri shamwari dzangu, kana muchiita chipi nechipi chandinokurairai.
15
Handichakuidziyi varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake, asi ndinokuidzai shamwari; nokuti zvose zvandakanzwa naBaba vangu, ndakakuzivisai izvo.
16
Imwi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai ndikakugadzai, kuti muende mubereke zvibereko, uye zvibereko zenyu zvigare; kuti chinhu chipi nechipi chamuchakumbira kunaBaba muzita rangu, vakupei.
17
Izvi zvinhu ndinokurairai, kuti mudanane.
18
Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga isati \add yakuvengai\add* imwi.
19
Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; asi nokuti hamusi venyika, asi ini ndakakusanangurai kubva panyika, naizvozvo nyika inokuvengai.
20
Rangarirai shoko randakareva kwamuri: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaivo, kana vakachengeta shoko rangu nerenyuvo vachachengeta.
21
Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havamuzivi iye wakandituma.
22
Dai ndisina kuvuya ndikataura kwavari, vangadai vasina chivi; asi zvino havana manzvengero ezvivi zvavo.
23
Unondivenga, unovenga Baba vanguvo.
24
Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasina zvivi; asi zvino vakavona ndokuvenga zvose ini naBaba vangu.
25
Asi zvakaitwa, kuti shoko rizadzisike rakanyorwa pamurairo wavo, \add rinoti\add*: Vakandivenga ndisinemhosva.
26
Asi kana Munyaradzi avuya, wandichatuma kwamuri achibva kunaBaba, Mweya wechokwadi, unobuda kunaBaba, uchandipupurira.
27
Nemwivo muchapupura, nokuti maiva neni kubva pakutanga.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21