bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 12
John 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
1
Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu wakasvika Bhetaniya, paiva naRazaro, wakanga afa, waakamutsa kuvakafa.
2
Ipapo vakamuitira chirayiro, Marita aka\add va\add*shandira; naRazaro wakanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya.
3
Zvino Maria akatora paundi yamafuta enadhi*, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuhwira kwamafuta.
4
Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Isikariyoti, waSimoni wakanga achazomutengesa, akati:
5
Mafuta awa aregereiko kutengeswa namadhenari* mazana matatu, akapiwa varombo?
6
wakareva izvozvi kwete kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.
7
Asi Jesu wakati: Muregei akadaro; wazviitira kuvigwa kwangu.
8
Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.
9
Zvino chaunga chikuru chavaJudha chakanzwa kuti uripo; vakavuya, asi havana kuvuya nokuda kwaJesu chete, asi kuti vavone Razarovo, waakanga amutsa kuvakafa.
10
Asi vaprista vakuru vakarangana kuti vavuraye naRazarovo;
11
nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vaibva, vachitenda kunaJesu.
12
Zvino ava mangwana chaunga chikuru chakanga chavuya kumutambo, chakati chanzwa kuti Jesu wovuya Jerusarema,
13
vakatora matavi emichindwe, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, \add vachiti\add*: Hosana*! Wakaropafadzwa unovuya muzita raShe, Mambo wavaIsraeri.
14
Zvino Jesu wakati awana dhongwana, akagara pamusoro paro, sezvazvakanyorwa, \add zvichinzi\add*:
15
Usatya, mukunda weZiyoni; tarira, Mambo wako unovuya, agere pamusoro pedhongwana.
16
Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, vakazorangarira kuti zvinhu izvozvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye vakanga vamuitira zvinhu izvozvo.
17
Naizvozvo chaunga chikuru chaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abude mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, chakapupura,
18
Saka chaunga chakamuchingamidzavo, nokuti vakanga vanzwa kuti wakaita chishamiso ichochi.
19
Naizvozvo vaFarisi vakataurirana, \add vachiti\add*: Munovona henyu kuti hamubatsiri chinhu; tarirai nyika inomutevera.
20
Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kunoshumira kumutambo;
21
ndivo vakavuya kunaFiripi weBhetisaidha reGariri, vakamukumbira, vachiti: Ishe, tinoda kuvona Jesu.
22
Firipi akasvika akavudza Andiriyasi; zvinovo Andiriyasi naFiripi, vakavudza Jesu.
23
Jesu akavapindura akati: Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu akudzwe.
24
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kokuti tsanga yezviyo yawira muvhu ikafa, inogara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji.
25
Uyo unoda upenyu bwake ucharashikirwa nabwo; nounovenga upenyu bwake panyika ino uchabwuchengeta kusvikira kuupenyu bwusingaperi.
26
Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri ini, nomuranda wangu uchavapovo. Kana munhu achindishumira, Baba vachamukudza.
27
Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiyiko? Baba, ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandavuyira panguva ino.
28
Baba, kudzai zita renyu, Ipapo inzwi rakavuya, richibva kudenga, \add richiti\add*: Ndatorikudza, ndicharikudzazve.
29
Zvino chaunga chakanga chimirepo chichizvinzwa, chakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
30
Jesu akapindura akati: Inzwi iri harina kuvuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.
31
Zvino ndiko kutongwa kwenyika ino; zvino muchinda wenyika ino uchadzingirwa panze.
32
Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.
33
Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako.
34
Zvino chaunga chakamupindura, chichiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imwi, kuti Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Ndianiko uyu Mwanakomana womunhu?
35
Ipapo Jesu akati kwavari: Chiedza chichinemwi chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, zvimwe rima ringakukundai; unofamba murima haazivi kwaanoenda,
36
Muchine chiedza, tendai kuchiedza, muve vana vechiedza. Jesu wakareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari.
37
Asi kunyange akanga aita zvishamiso zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
38
kuti shoko raIsaya muporofita riitike, raakareva, \add achiti\add*: Ishe, ndianiko wakatenda zvatakaparidza? Noruvoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko?
39
Naizvozvo vakanga vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakatizve:
40
Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo wavo; kuti varege kuvona nameso, nokunzwisisa nemoyo, Vatendevuke ndigovaporesa.
41
Isaya wakareva zvinhu izvozvi, paakavona kubwinya kwake, akamureva iye.
42
Asi kunyange zvakadaro, pakati pavatongi, vazhinji vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamupupuri nokuda kwavaFarisi, kuti varege kubudiswa musinagoge;
43
nokuti vakanga vachida kukudza kwavanhu kupfuvura kukudza kwaMwari.
44
Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kunowakandituma.
45
Unondivona, unovona wakandituma.
46
Ini ndakavuya ndiri chiedza panyika, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.
47
Zvino kana aninani achinzwa mashoko angu, akasatenda, handimutongi ini; nokuti handina kuvuya kuzotonga nyika, asi kuzoponesa nyika.
48
Uyo unondiramba asingagamuchiri mashoko angu unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.
49
Nokuti handina kureva zvomusoro wangu, asi Baba vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
50
Uye ndinoziva kuti murairo wavo upenyu bwusingaperi; naizvozvo zvose zvandinotaura, ndinotaura sezvandakavudzwa naBaba.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21