bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 13
John 13
Shona 2009?
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
1
Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, ada vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.
2
Zvino kuraira kwakati kwapera, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Isikariyoti, waSimoni, kuti amupandukire,
3
Jesu achiziva kuti Baba vakapa zvinhu zvose mumavoko ake, uye kuti wakabva kuna Mwari uye kuti anoenda kunaMwari,
4
akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo \add dzake\add*, akatora tauro akazvisunga chivuno.
5
Zvino akadira mvura mubhavhu, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi, akadzipusika netauro, raakanga akazvisunga naro.
6
Akasvika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imwi moshambidza tsoka dzangu here?
7
Jesu akapindura akati kwaari: Chandinoita ini hauzivi ikozvino; asi uchaziva pashure.
8
Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi. Jesu akamupindura \add akati\add*: Kana ndisingakushambidzi, haunomugove neni.
9
Simoni Petro akati kwaari: Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi mavoko nomusorovo.
10
Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba tsoka chete, asi wakachena iye wose; imwi makachena asi kwete mose.
11
Nokuti wakanga achiziva uyo waizomutengesa, naizvozvo wakati: Hamuna kuchena mose.
12
Zvino wakati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguvo dzake, agarazve pasi, akati kwavari: Munoziva zvandakuitirai here?
13
Munondiidza Mudzidzisi, uye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti \add ndizvo\add* zvandiri.
14
Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndashambidza tsoka dzenyu, nemwivo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
15
Nokuti ndakuratidzai muenzaniso kuti muite imwi sezvandaita kwamuri.
16
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake, uye wakatumwa \add haazi\add* mukuru kuno wakamutuma.
17
Kana muchiziva zvinhu izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
18
Handirevi imwi mose; ini ndinoziva avo vandakasanagura; asi kuti rugwaro ruzadzisike, \add runoti\add*: Uyo unodya chingwa neni, wakandisimudzira chitsitsinho chake.
19
Kubva zvino ndinokuvudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitika, mugotenda kuti ndini.
20
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unogamuchira aninani wandinotuma, unogamuchireni, nounondigamuchira ini, unogamuchira wakandituma.
21
Zvino Jesu wakati areva kudaro akatambudzika mumweya, akapupura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe wenyu uchanditengesa.
22
Naizvozvo vadzidzi vakatarirana, vachikahadzika kuti wareva ani.
23
Zvino kwakanga kwakasendama pachifuva chaJesu mumwe wavadzidzi vake waidikamwa naJesu.
24
Simoni Petro akamuninira, kuti abvunze kuti ndianiko waanoreva.
25
Iye akasendama pachifuva chaJesu, akati kwaari: Ishe, ndianiko?
26
Ipapo Jesu akapindura akati: Ndiye wandichapa chimedu kana ndachiseva. Zvino wakati aseva chimedu, akapa Judhasi Isikariyoti waSimoni.
27
Zvino shure kwechimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.
28
Asi hakuna kuna vakanga vagere pakudya, wakaziva kuti wakareverei izvozvi kwaari.
29
Nokuti vamwe vakafunga \add kuti\add*, sezvo Judhasi aigara anechikwama, Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoshandisa pamutambo; kana kuti ape varombo chimwe chinhu.
30
Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; bwakanga bwuri vusiku.
31
Zvino wakati abuda Jesu akati: Zvino Mwanakomana womunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari.
32
kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudzavo maari, uchamukudza pakarepo.
33
Vana vaduku, ndichiri nemwi chinguva chiduku. Muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, \add ndichiti\add*: kwandinoenda, imwi hamungagoni kuvuyako, zvino ndinoreva saizvozvovo kwamuri.
34
Murairo mutsva ndinokupai, kuti mudanane; sezvandakakudai, nemwi mudanevo.
35
Nokuda kwaizvozvo vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo mumwe kunomumwe.
36
Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoendepiko? Jesu akamupindura, \add akati\add*: Kwandinoenda, haunganditeveri ikozvino; asi uchanditevera pashure.
37
Petro akati kwaari: Ishe, handingagoni kukuteverai zvino neiko? Ndicharadzika upenyu bwangu pasi nokuda kwako.
38
Jesu akamupindura, \add akati\add*: ucharadzikira upenyu bwako ini here? Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri: Jongwe haringariri usati wandiramba katatu.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21