bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 14
John 14
Shona 2009?
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
1
Moyo yenyu irege kutambudzika; imwi munotenda kunaMwari, mutendevo kwandiri.
2
Mumusha maBaba vangu mune dzimba zhinji; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; ndinoenda kundokugadzirirai nzvimbo.
3
Kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichavuyazve ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemwi muvepovo.
4
Uye pandinoenda munopaziva, nenzira munoiziva.
5
Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi pamunoenda; ko nzira tingaiziva seiko?
6
Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.
7
Dai makanga mandiziva ini, mungadai maizivavo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.
8
Firipi akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana.
9
Jesu akati kwaari: Ndakava nemwi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipi? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, \add uchiti\add*: Tiratidzei Baba?
10
Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa.
11
Nditendei kuti ini \add ndiri\add* munaBaba, naBaba \add vari\add* mandiri; kana zvimwe nditendei nokuda kwamabasa amene.
12
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaitavo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu.
13
Uye chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti Baba varumbidzwe muMwanakomana.
14
Kana muchikumbira chinhu chipi kwandiri muzita rangu, ndicha\add chi\add*ita.
15
Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
16
Neni ndichakumbira Baba, naivovo vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemwi nokusingaperi,
17
Mweya wechokwadi, haugoni kugamuchirwa nenyika, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; asi imwi munomuziva, nokuti ugere nemwi, uchava mukati menyu.
18
Handingakusiyiyi muri nherera; ndichavuya kwamuri.
19
Asi kwechinguvana, nyika haichazondivoni; asi imwi munondivona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemwivo muchava vapenyu.
20
Nezuva iro muchandiziva kuti ndiri muna baba, nemwi mandiri, neni mamuri.
21
Unemirairo yangu, achiichengeta, ndiye unondida; unondida uchadikamwa naBaba vangu; neni ndichamuda, ndichazviratidza kwaari.
22
Judhasi usati ari iye Isikariyoti) akati kwaari: Ishe, munodireiko kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?
23
Jesu akapindura akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu, naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari.
24
Usingandidi, haachengeti mashoko angu; neshoko ramunonzwa, harizi rangu, asi nderababa vakandituma.
25
Zvinhu izvozvi ndakuvudzai ndichigere nemwi.
26
Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvinhu zvose, uye akuyevudzirei zvinhu zvose, zvandakareva kwamuri.
27
Ndinokusiyirai rugare; rugare rwangu ndinokupai kwete sokupa kwenyika ini ndinopa kwamuri. Moyo yenyu irege kutambudzika, irege kutya.
28
Makanzwa kuti ini ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigovuyazve kwamuri. Kana maindida, maifara, nokuti ndati ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vangu vakuru kwandiri.
29
Zvino ndakuvudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda.
30
Kubva zvino handichazotauri zvizhinji nemwi, nokuti muchinda wenyika ino unovuya; asi haanechinhu kwandiri;
31
asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, uye kuti Baba sezvavakandiraira, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21