bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 20
John 20
Shona 2009?
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
1
Zvino no\add musi\add* wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakasvika pabwiro mambakwedza kuchakasviba, akavona ibwe rabviswa pabwiro.
2
Akamhanya, akasvika kuna Simoni Petro nokunomumwe mudzidzi waidikamwa naJesu, akati kwavari: Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuradzika.
3
Zvino Petro akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakasvika kubwiro.
4
Vakamhanya vari vaviri pamwechete; uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akatanga kusvika pabwiro.
5
Wakati akotama achidongorera akavona micheka yerineni pasi, asi haana-kupinda.
6
Zvino Simoni Petro akasvikavo achimutevera akapinda mubwiro, akavona micheka iri pasi,
7
nemucheka wekumeso wakanga wakamonera mumusoro wake, usati uri kune micheka yerineni, asi wakapetwa uri pamwe woga.
8
Zvino uya mumwe mudzidzi wakatanga kusvika pabwiro akapindavo akavona, akatenda;
9
nokuti vakanga vachigere kunzwisisisa rugwaro, kuti unofanira kumuka kuvakafa.
10
Zvino vadzidzi vakabva vakaenda kwavo.
11
Asi Maria wakamira kunze pabwiro achichema; zvino achachema akakotama akadongorera mubwiro.
12
Akavona vatumwa vaviri, vane\add nguvo\add* chena vagere, mumwe kumusoro, mumwe kumakumbo, ipapo pakambenge parere mutumbi waJesu.
13
Ivo vakati kwaari: Mai, munochemeiko? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.
14
Zvino wakati achireva izozvo akatendevukira shure, akavona Jesu amire, asi haana-kuziva kuti ndiJesu.
15
Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achifunga kuti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imwi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora.
16
Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendevuka akati kwaari: Rabhoni! ndokuti Mudzidzisi,
17
Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kunaBaba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kunababa vangu naBaba venyu naMwari wangu naMwari wenyu.
18
Maria Magidharini akaenda akavudza vadzidzi kuti wavona Ishe, uye wakanga amuvudza zvinhu izvi.
19
Zvino ava madeko pazuva iroro, rokutanga revhiki, mikova yapfigwa pakanga pakavungana vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akasvika, akamira pakati, akati kwavari: Rugare kwamuri.
20
Zvino wakati areva izvozvo akavaratidza zvanza \add zvake\add* norutivi \add rwake\add*. Vadzidzi vakafara vachivona Ishe,
21
Jesu akatizve kwavari: Rugare kwamuri; Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumaivo.
22
Zvino wakati areva izvozvi akafemera \add kwavari\add*, akati kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23
Vose vamunokangamwira zvivi zvavo, vazvikangamwirwa; vose vamunobata zvavo zvabatwa.
24
Asi Tomasi, mumwe wavanegumi navaviri wainzi Batya, wakanga asipo pavari pakuvuya kwaJesu.
25
Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari: Tavona Ishe. Asi iye wakati kwavari: Kana ndikasavona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa mumwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruvoko rwangu murutivi rwake, handingatongotendi.
26
Mushure mamazuva maserezve vadzidzi vakanga vari mukati, naTomasi anavo. Jesu akasvika, mikova yapfigwa, akamira pakati pavo akati: Rugare kwamuri.
27
Ipapo akati kunaTomasi: Vuyisa pano mumwe wako, uvone zvanza zvangu; vuyisa ruvoko rwako uise murutivi rwangu, usava usina kutenda, asi unotenda.
28
Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu, naMwari wangu!
29
Jesu akati kwaari: Tomasi, watenda nokuti wandivona? Vakaropafadzwa vasina-kuvona asi vakatenda.
30
Zvino Jesu wakaita zvimwe zvishamiso zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi;
31
asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; uye kuti muchitenda muve noupenyu muzita rake.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21