bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 2
John 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 3 →
1
Zvino nezuva retatu, mutambo wokuwana waivapo paKana yeGariri; namai vaJesu vakanga varipo.
2
NaJesuvo navadzidzi vake vakadamwa kumutambo wokuwana.
3
Waini yakati ichishaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havana waini.
4
Jesu akati kwavari: Ndineiko newe, mukadzi? Nguva yangu ichigere kusvika.
5
Mai vake vakati kuvaranda: Zvose zvaanokuvudzai, muzviite.
6
Zvino kwakanga kwakaiswa zvirongo zvitanhatu zvamabwe, netsika yokunatsa yavaJudha, chimwe nechimwe chaizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu.
7
Jesu akati kwavari: Zadzai zvirongo nemvura. Vakazvizadza kusvikira pamiromo.
8
Akati kwavari: Cherai zvino mukumikidze kumubati womutambo. Vakaita saizvozvo.
9
Mubati womutambo wakati aravira mvura ikava waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba,
10
akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe pakutanga unopa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
11
Ndiko kutanga kwezvishamiso kwakaitwa naJesu paKana yeGariri, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
12
Shure kwaizvozvo wakaburukira Kapenaume, iye namai vake navanun'una vake, navadzidzi vake; akagarapo mazuva asiri mazvinji.
13
Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo, Jesu akakwira Jerusarema.
14
Akawana mutembere avo vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navatsinhanisi vemari vagere.
15
Zvino wakati aruka tyava yorwonzi rudiki, akavabudisa vose mutembere, namakwai nemombe; akatevura mari yavatsinhanisi, ndokukwidibira matafura avo.
16
Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvi pano; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.
17
Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Kushingairira imba yenyu kwakandipedza.
18
Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Ungatiratidza chiratidzo cheiko, chokuti unoita zvinhu izvi?
19
Jesu akapindura, akati kwavari: Putsai tembere iyi, uye namazuva matatu ndichaimutsa.
20
Ipapo vaJudha vakati: Makore anamakumi mana namatanhatu tembere iyi ichivakwa, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?
21
Asi iye waireva zvetembere yomuviri wake.
22
Zvino wakati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakarangarira, kuti wakanga areva izvozvi kwavari; vakatenda magwaro neshoko rakanga rarebwa naJesu.
23
Zvino wakati ava muJerusarema papaseka pamutambo, vazhinji vakatenda kuzita rake, pavakavona zviratidzo zvaaiita.
24
Asi Jesu haana kuzvikumikidza kwavari, nokuti wakanga achivaziva vose.
25
Wakanga asingatsvaki kuti ani nani apupure zvomunhu; nokuti wakanga achiziva zvakanga zviri mumunhu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21