bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 9
John 9
Shona 2009?
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
1
Wakati achipfuvura, akavona munhu wakanga ari bofu kubva pakuberekwa.
2
Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti: Mudzidzisi, ndianiko wakatadza, uyu munhu kana vabereki vake, zvaakazvarwa ari bofu?
3
Jesu akapindura, \add akati\add*: Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi \add izvi zvakaitwa \add*kuti mabasa aMwari aratidzwe maari.
4
Ndinofanira kushanda mabasa owakandituma, achiri masikati; vusiku bwunovuya, apo pasina munhu angagona kushanda.
5
Kana ndichingori panyika chete, ndiri chiedza chenyika.
6
Wakati areva izvozvo, akapfira pasi, akakanya dope namate, akazodza meso ebofu nedope;
7
akati kwaari: Enda \add undo\add*shamba mudziva reSiroami, (ndokuti, kana zvichishandurwa, wakatumwa) Naizvozvo wakaenda akandoshamba, akadzoka achivona.
8
Naizvozvo vavakidzani navaisimbomuvona kuti wakanga ari bofu, vakati: Ko uyu haazi iye waigara achipemha here?
9
Vamwe vakati: Uyu ndiye; vamwe \add vakati\add*: Wakatodzana naye. Iye akati: Ndini.
10
Naizvozvo ivo vakati kwaari: Meso ako akasvinudzwa seiko?
11
Akapindura akati: Munhu unonzi Jesu wakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami, undoshamba. Zvino ndikaenda ndikashamba, ndikavonazve.
12
Ipapo vakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handizivi.
13
Vakamuisa kuvaFarisi, iye waimbova bofu.
14
Zvino raiva zuva resabata apo Jesu akakanya dope, akasvinudza meso ake.
15
Ipapo zvekare vaFarisi vakamubvunzavo, kuti wakavonazve sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu, ndikandoshamba, zvino ndovona.
16
Naizvozvo vamwe vavaFarisi vakati: Munhu uyu haabvi kunaMwari, nokuti haachengeti sabata. Vamwe vakati: Ko munhu uri mutadzi ungaita seiko zvishamiso zvakadai? Kukava nokupesana pakati pavo.
17
Vakatizve kubofu: Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, sezvo akasvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
18
Naizvozvo vaJudha havana kutenda pamusoro pake, kuti wakanga ari bofu, akavonazve, kusvikira vadana vabereki vowakavoneswa,
19
vakavabvunza, vachiti: Uyu mwanakomana wenyu wamunoti wakaberekwa riri bofu here? Zvino unogovona seiko?
20
Vabereki vake vakavapindura vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, uye kuti wakaberekwa ari bofu;
21
kuti zvino wovona sei, hatizivi; nowakasvinudza meso ake, hatizivi; wayaruka, iye pachake uchazvitaurira.
22
Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana kare kuti aninani unopupura kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
23
Naizvozvo vabereki vake vakati: Wayaruka, mubvunzei.
24
Zvino vakamudanazve rwechipri, iye munhu wakanga ari bofu, vakati kwaari: Ipa Mwari rumbidzo; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
25
Iye akapindura, akati: Kunyange ari mutadzi ini handizivi; chinhu chimwe chandinoziva, kuti ndaiva bofu, zvino ndovona.
26
Ipapo vakatizve kwaari: Wakaiteiko kwauri? Wakasvinudza meso ako sei?
27
Akavapindura, \add akati\add*: ndakuvudzai kare, mukasanzwa, munodireiko kunzwa zvekare? Nemwi munoda kuva vadzidzi vakevo kanhi?
28
Naizvozvo vakamutuka, vachiti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMozisi.
29
Tinoziva kuti Mwari wakataura naMozisi; asi uyu hatizivi kwaakabva.
30
Munhu akapindura akati kwavari: Nyambera chinhu ichi chinoshamisa, kuti imwi hamuzivi kwaanobva, kunyange zvakadaro wakasvinudza meso angu.
31
Zvino toziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu ari mushumiri waMwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye.
32
Kubvira rinhi hakuna kumbonzwika kuti mumwe wakasvinudza meso omunhu wakaberekwa ari bofu.
33
Dai uyu anga asingabvi kunaMwari, haazaigona kuita chinhu.
34
Vakapindura, vakati kwaari: Iwe chigariro wakaberekerwa muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa here? Vakamudzingira kunze.
35
Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here
36
Akapindura, akati: Iye ndianiko, Ishe, kuti nditende kwaari?
37
Jesu akati kwaari: Iwe wamuvona, uye ndiye unotaura newe.
38
Ipapo akati: Ishe ndinotenda; akamunamata.
39
Jesu akati: Kutonga ndiko kwandakavuyira panyika ino, kuti vasingavoni vavone; navanovona vave mapofu.
40
Avo vavaFarisi vaiva naye vakanzwa zvhinhu izvi, vakati kwaari: Ko nesuvo tiri mapofu here?
41
Jesu akati kwavari: dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi. Asi zvino munoti: Tinovona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21