bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 3
John 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 4 →
1
Kwaivapo nomumwe murume wavaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri wavaJudha.
2
Iye wakavuya kuna Jesu vusiku, akati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zvishamiso izvi zvamunoita, kunze kokuti Mwari anaye.
3
Jesu akapindura akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kokuti munhu aberekwa kutsva, haangavoni ushe bwaMwari.
4
Nikodhimo akati kwaari: Munhu ungagoberekwa seiko ava mukuru? Ungapinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here?
5
Jesu akapindura, \add akati\add*: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kokuti munhu aberekwa nemvura noMweya, haangagoni kupinda muushe bwaMwari.
6
Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa noMweya, mweya.
7
Usashamiswa nokuti ndati kwauri: Unofanira kuberekwa kutsva?
8
Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; ndizvo zvakaita mumwe nomumwe wakaberekwa noMweya.
9
Nikodhimo akapindura, akati kwaari: Zvinhu izvi zvingagoitika seiko?
10
Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri asi haunzwisisi zvinhu izvozvi here?
11
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva tichipupura zvatakavona; asi imwi hamugamuchiri vuchapupu bwedu.
12
Kana ndakakuvudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuvudzai zvinhu zvokudenga?
13
uye hakuna munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kubva kudenga, Mwanakomana womunhu uri kudenga.
14
Zvekare Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvovo Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa,
15
kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara asi ave noupenyu bwusingaperi.
16
Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa \add ari\add* mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave noupenyu bwusingaperi.
17
Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika nokuda kwake iponeswe.
18
Unotenda kwaari, haapiwi mhosva; asi usingatendi, watopiwa mhoswa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari wakaberekwa \add ari\add* mumwe woga.
19
Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
20
Nokuti mumwe nomumwe unoita zvakaipa unovenga chiedza, uye haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kusvorwa.
21
Asi unoita chokwadi unovuya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe kuti akaitwa munaMwari
22
Shure kwaizvozvo Jesu navadzidzi vake vakasvika munyika yeJudhiya, ipapo akagara navo achibhabhatidza.
23
NaJohwani wakanga achibhabhatidzavo muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; vakavuya vakabhabhatidzwa.
24
Nokuti Johwani wakanga achigere kukandwa mutirongo.
25
Zvino nharo dzikamuka pakati pavadzidzi vaJohwani navaJudha pamusoro pokuzvinatsa.
26
Vakavuya kuna Johwani, vakati kwaari: Mudzidzisi, uya waiva nemwi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, ndiye unobhabhatidza, uye vose vanoenda kwaari.
27
Johwani akapindura, akati: Munhu haangagamuchiri chinhu, kunze kokuti chapiwa kwaari kubva kudenga.
28
Imwi mumene munondipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.
29
Uyo unomwenga ndiye chikomba; asi shamwari yechikomba inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nekuda kwenzwi rechikomba. Mufaro wangu uyu wazadziswa.
30
Iye unofanira kukura, asi ini kudukupiswa.
31
Unobva kumusoro ndiye uri pamusoro pezvose. Unobva panyika ndowenyika, unotaura zvenyika; unobva kudenga ndiye uri pamusoro pezvose.
32
Zvaakavona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu unogamuchira kupupura kwake.
33
Uyo wakagamuchira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mwari ndowechokwadi.
34
Nokuti wakatumwa naMwari, ndiye unotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya nechiyero.
35
Baba vanoda Mwanakomana, vakapa zvose muruvoko rwake.
36
Unotenda kuMwanakomana, unoupenyu bwusingaperi; asi usingateereri Mwanakomana, haangavoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21