bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 5
John 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
1
Shure kwaizvozvo kwaiva nemutambo wavaJudha; Jesu akakwira Jerusarema.
2
Zvino paJerusarema pedo \add nesuvo\add* ramakwai paiva nedziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine mabiravira mashanu.
3
Mukati mawo makanga muvete chaunga chavairwara namapofu, zvirema, navakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.
4
Nokuti mutumwa waiburukira neimwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; zvino aninani waitanga kupinda shure kokubvongodzwa kwemvura waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaaiva nacho.
5
Zvino kwaivapo mumwe munhu, wakanga anechifo kwamakore makumi matatu namasere.
6
Jesu wakati amuvona avete, achiziva kuti wakanga \add akadaro\add* nguva huru, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?
7
Murwere akamupindura, \add akati\add*: Ishe, handina munhu, kana mvura ichibvongodzwa, unondiwisira mudziva; asi kana kana ndoenda, mumwe unoburukira mberi kwangu.
8
Jesu akati kwaari: Simuka, tora nhovo yako, ufambe.
9
Pakarepo munhu uyo akaporeswa, akatora nhovo dzake akafamba. Musi uwoyo waiva sabata.
10
Zvino vaJudha vakati kunowakaporeswa: Isabata, hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.
11
Iye akavapindura, \add akati\add*: Uyo wandiporesa ndiye wati kwandiri: Tora nhovo yako, ufambe?
12
Vakamubvunza, \add vachiti\add*: Ndianiko munhu uyo unoti kwauri: Tora nhovo yako, ufambe?
13
Zvino wakanga aporeswa haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu wakanga abva, zvakwaiva nechaunga panzvimbo \add iyoyo\add*.
14
Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira iwe waporeswa; usatadzazve, zvimwe chinhu chakaipa nokupfuvurisa chingakubata.
15
Munhu akabva akandovudza vaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.
16
Saka naizvozvo vaJudha vakatambudza Jesu, vakatsvaka kumuvuraya, nokuti wakaita zvinhu izvi nesabata.
17
Asi Jesu wakavapindura, \add akati\add*: Baba vangu vanoshanda kusvikira zvino, neni ndinoshandavo.
18
Naizvozvo vaJudha vakawedzera kutsvaka kumuvuraya, nokuti wakanga asingadariki sabata bedzi, asi wakativo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.
19
Zvino Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita chinhu chomusoro wake, kana asingavoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ndizvo zvinoitavo Mwanakomana.
20
Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita ivo; vachamuratidza mabasa makuru anopfuvura awa, kuti mushamiswe.
21
Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisavo vaanoda.
22
Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kose,
23
kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi naBaba, vakamutuma.
24
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nokutenda kunowakandituma, unoupenyu bwusingaperi; haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuvura murufu, waenda muupenyu.
25
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Nguva inovuya, nazvino yatovapo, apo vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari; uye vanonzwa vachararama.
26
Nokuti baba sezvavanoupenyu mavari, saizvozvovo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari.
27
Uye vakamupa simba rokutongavo, nokuti Mwanakomana womunhu.
28
Musashamiswa nezvizvi; nokuti nguva inovuya, apo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake,
29
zvino vachabuda avo vakaita zvakanaka, mukumukira muupenyu avo vakaita zvakaipa, mukumukira mukurashiwa.
30
Handigoni kuita chinhu chomusoro wangu; sezvandinonzwa, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwaBaba vakandituma.
31
Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakuzi kwechokwadi.
32
Uripo mumwe unondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwechokwadi
33
Makatuma Johwani, iye akapupurira chokwadi.
34
Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti muponeswe.
35
Iye wakanga achipfuta, ari mwenje unopfuta nokuvhenekera; imwi makanga muchishuva kufara kwechinguvana muchiedza chake.
36
Asi ini ndinevuchapupu vukuru \add bwa\add*Johwani; nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, ndiwo mabasa andinoita, anondipupurira kuti Baba vakandituma.
37
NaBaba pachavo vakandituma, vakandipupurira. Hamuna kutongorinzwa inzwi rake, kana kuvona chimiro chake.
38
Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nokuti uyo waakatuma, hamuna kutenda kwaari.
39
Nzverai magwaro, nokuti maari, munofunga kuti mune upenyu bwusingaperi ndiwo anondipupurira ini.
40
Asi hamudi kuvuya kwandiri, kuti muve noupenyu.
41
Handigamuchiri rukudzo kubva kuvanhu;
42
asi ndinokuzivai, kuti hamunorudo rwaMwari mamuri.
43
Ini ndakavuya muzita raBaba vangu, asi imwi hamuna kundigamuchira; kana mumwe akasvika muzita rake, muchamugamuchira iye.
44
Mungatenda seiko imwi munogamuchira rukudzo mumwe kunomumwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kunaMwari oga?
45
Musati ndichakupomerai mhosva kuna Baba; mumwe uriko unokupomerai mhosva, \add ndiye\add* Mozisi wamunovimba naye.
46
Nokuti dai maitenda Mozisi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora nezvangu.
47
Asi kana musingatendi magwaro ake, mungatenda seiko mashoko angu?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21