bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 18
John 18
Shona 2009?
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 19 →
1
Jesu wakati areva izvozvo akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kkwerukova rweKedhironi paiva nomunda, akapinda mauri iye navadzidzi vake.
2
NaJudhasivo, wakamutengesa, wakanga achizivavo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waivunganapo navadzidzi vake.
3
Naizvozvo Judhasi, atora boka ravarwi, navatariri vaibva kuvaprista vakuru navaFarisi, akasvikapo nematochi nemarambi, nezvombo zvokurwa nazvo.
4
Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari: Munotsvaka aniko?
5
Vakamupindura, \add vakati\add*: Jesu weNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini, naJudhasivo wakamutengesa, wakanga amirevo navo.
6
Zvino wakati achiti kwavari: Ndini, vakasudurukira shure, vakawira pasi.
7
Zvino akavabvunzazve \add achiti\add*: Munotsvaka aniko? Vakati: Jesu weNazareta.
8
Jesu akapindura \add akati\add*: Ndakuvudzai kuti ndini; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;
9
kuti shoko raakareva riitike rokuti: Kunaivavo vamakandipa, handina kurashikirwa nomumwe.
10
Zvino Simoni Petro wakanga anomunondo, akauvhomora akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Marikosi.
11
Zvino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naBaba, handingaumwi here?
12
Zvino boka ravarwi nomukuru wechuru navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,
13
vakatanga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakanga ari mukarabwa waKayafasi, waiva muprista mukuru gore iro.
14
Zvino Kayafasi ndiye wakanga apa vaJudha zano, kuti zvakanaka kuti munhu mumwe afire vanhu.
15
Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, nomumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikamwa nomuprista mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomuprista mukuru;
16
asi Petro wakanga amire panze pamukova. Zvino uya mumwe mudzidzi, waizikamwa nomuprista mukuru, akataura nomukadzi wairinda mukova, akapinza Petro.
17
Zvino musikana wairinda mukova akati kunaPetro: Newevo hausi mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here? Akati: Handizi.
18
Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vavesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora, vakadziya \add moto\add*. NaPetro akamiravo navo achidziya \add moto\add*.
19
Zvino muprista mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nedzidziso yake.
20
Jesu akamupindura \add akati\add*: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha nguva dzose; handina kureva chinhu pakavanda.
21
Unondibvunzireiko ini? Bvunza ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai ava vanoziva zvandaireva.
22
Wakati areva zvinhu izvozvo, mumwe wavatariri wakanga amirepo, akarova Jesu nembama, achiti: Unopindura muprista mukuru uchidaro nhai?
23
Jesu akamupindura \add akati\add*: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka wagondirovereiko?
24
Zvino Anasi akamutumira akasungwa kunaKayafasi, muprista mukuru.
25
Zvino Simoni Petro wakanga amirepo, achidziya \add moto\add*; vakati kwaari: Hausivo mumwe wavadzidzi vake here? Akaramba, akati: Handizati.
26
Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, ari hama \add yo\add*wakanga agurwa nzeve naPetro akati: Ini handina kukuvona unaye mubindu here?
27
Petro akarambazve; pakarepo jongwe rikarira.
28
Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakaenda kuimba yomutongi; aiva mangwanani, asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, vagodya paseka.
29
Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati: Munomupa mhosva yeiko munhu uyu?
30
Vakapindura, vakati kwaari: Dai munhu uyu asaiva muiti wezvivi, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.
31
Zvino Pirato akati kwavari: Chimutorai imwi, mumutonge nomurairo wenyu. Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hatina kutenderwa isu kuti tivuraye munhu;
32
kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako.
33
Zvino Pirato akapindazve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wavaJudha here?
34
Jesu akapindura, \add akati\add*: Unozvireva izvi pachako here, kana wazvivudzwa navamwe pamusoro pangu?
35
Pirato akapindura, \add akati\add*: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako navaprista vakuru vakakukumikidza kwandiri; waiteiko?
36
Jesu akapindura, \add akati\add*: Ushe bwangu habwuzi bwenyika ino; dai ushe bwangu bwaiva bwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe bwangu habwuzi bwapano.
37
Ipapo Pirato akati kwaari: Saka iwe uri mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvozvo, ndakavuyira izvozvo munyika kuti ndipupurire chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi unonzwa inzwi rangu.
38
Pirato akati kwaari: chokwadi chinyiko? Akati areva izvozvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.
39
Asi imwi munetsika kuti ndikusunungurirei mumwe papaseka; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?
40
Ipapo vakadanidzirazve vose, vachiti: kwete munhu uyu, asi Bharabhasi! Zvino Bharabhasi wakanga ari gororo.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21