bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 11
John 11
Shona 2009?
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
1
Kwaiva noumwe wakanga achirwara, \add wainzi\add* Razaro weBhetaniya, musha waMaria nomukoma wake Marita.
2
Ndiye Maria wakazodza Ishe namafuta, akapusika tsoka dzake nevhudzi rake; hanzvadzi yake Razaro wakanga achirwara.
3
Naizvozvo hanzvadzi dzake dzakatumira \add shoko\add* kwaari, dzichiti: Ishe, tarirai uyo wamunoda unorwara.
4
Jesu wakati anzwa akati: Kurwara uku hakusviki murufu, asi ndokwembiri yaMwari, kuti noMwanakomana waMwari arumbidzwe nazvo.
5
Zvino Jesu wakanga achida Marita nomunun'una wake naRazaro.
6
Naizvozvo wakati anzwa kuti unorwara, akambogara mazuva maviri panzvimbo paakanga ari.
7
Shure kwaizvozvo akati kuvadzidzi: Hendeizve Judhiya.
8
Vadzidzi vakati kwaari: Mudzidzisi, vaJudha vakanga vachitsvaka kukutakai namabwe ikozvinozvino; zvino moendazve ikoko here?
9
Jesu akapindura \add akati\add*: Hapana maora gumi nemaviri pazuva here? Kana munhu achifamba masikati, haagumburwi, nokuti unovona chiedza chenyika ino.
10
Asi kana munhu achifamba vusiku, unogumburwa, nokuti hakuna chiedza maari.
11
Wakataura zvinhu izvi, shure kwaizvozvo akazoti kwavari: Shamwari yedu Razaro wavata; asi ndinoenda kuti ndimumutse pahope.
12
Zvino vadzidzi vake vakati: Ishe, kana avete uchanaya.
13
Asi Jesu wakareva kufa kwake; asi ivo vakafunga kuti unoreva kuzorora kwehope.
14
Ipapo Jesu akavavudza pachena: Razaro wafa.
15
Zvino Ndinofara nokuda kwenyu, kuti ndakanga ndisipo, kuti mugotenda; asi zvino hendei kwaari.
16
Ipapo Tomasi, wainzi Batya, akati kuna vamwe vadzidzi pamwe naye: Hendei nesuvo kuti tindofa naye.
17
Zvino Jesu wakati achisvika, akawana kuti wakanga atova mubwiro mazuva mana.
18
Zvino Bhetaniya rakanga riri pedo neJerusarema, masitadhiya* anenge gumi namashanu kubva \add ipapo\add*;
19
navazhinji vavaJudha vakanga vavuya kunaMarita naMaria, kuti vavanyaradze pamusoro pehanzvadzi yavo.
20
Zvino Marita wakati achingonzwa kuti Jesu wovuya, akaenda kundomuchingamidza; asi Maria wakagara mumba.
21
Ipapo Marita akati kuna Jesu: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
22
Kunyange zvino ndinoziva kuti zvipi zvazvo zvamunokumbira kunaMwari, Mwari uchakupai.
23
Jesu akati kwaari: Hanzvadzi yako ichamukazve.
24
Marita akati kwaari: Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.
25
Jesu akati kwaari: Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama;
26
uye mumwe nomumwe mupenyu unotenda kwandiri, haangatongofi nokusingaperi. Unotenda izvozvi here?
27
Akati kwaari: Hongu, Ishe; ndinotenda kuti ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari, unofanira kuvuya panyika.
28
Wakati areva izvozvo akabuda akandodana Maria, munun'una wake pchivande, akati: Mudzidzisi wasvika, unokudana.
29
Iye wakati achi\add zvi\add*nzwa, akakurumidza kusimuka akaenda kwaari.
30
Zvino Jesu wakanga asati asvika pamusha, asi wakanga achiri panzvimbo iya paakachingamidzwa naMarita.
31
Naizvozvo vaJudha vakanga vari mumba naye vachimunyaradza, vakati vachivona Maria achikurumidza kusimuka achibuda, vakamutevera, vachiti unoenda kubwiro kundochemako.
32
Zvino Maria wakati achisvika pakanga panaJesu, achimuvona, akawira pasi patsoka dzake, achiti kwaari: Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.
33
Zvino Jesu wakati achimuvona achichema, navaJudha vachichemavo vakanga vavuya naye, akagomera \add neshungu\add* mumweya, akatambudzika,
34
akati: Mamuradzikepiko? Vakati kwaari: Ishe, vuyai muvone.
35
Jesu akachema.
36
Ipapo vaJudha vakati: Tarirai kuti waimuda sei.
37
Asi vamwe vavo vakati: Uyu wakasvinudza meso ebofu, haazaiita here kuti uyu asafa?
38
Ipapo Jesu akagomerazve \add neshungu \add*mukati make asvika pabwiro. Iro raiva bako, nebwe rakanga riri pamusoro paro.
39
Jesu akati: Bvisai ibwe. Marita hanzvadzi yowakafa akati kwaari: Ishe, ikozvino wotonhuhwa, nokuti unamazuva mana.
40
Jesu akati kwaari: Handina kutaura here kwauri, kuti kana ukatenda, uchavona kubwinya kwaMwari?
41
Ipapo vakabvisa ibwe, apo pakanga paradzikwa wakafa. Zvino Jesu akasimudza meso, akati: Baba, ndinokuvongai, nokuti imwi mandinzwa.
42
Asi ndanga ndichiziva kuti munogara muchindinzwa; asi nokuda kwavazhinji vakandikomba ndareva kuti vatende kuti makandituma.
43
Wakati areva izvozvi, akadanidzira nenzwi guru, \add akati\add*: Razaro, buda!
44
Zvino uyo wakanga afa akabuda, akapombwa mavoko namakumbo nemicheka yebwiro, nechiso chake chakapombwa netauro, Jesu akati kwavari: Musunungurei, aende.
45
Naizvozvo vazhinji vavaJudha, vakanga vavuya kunaMaria vakati vavona zvakaitwa naJesu, vakatenda kwaari.
46
Asi vamwe vavo vakaenda kuvaFarisi, vakandovavudza zvinhu zvakanga zvaitwa naJesu.
47
Naizvozvo vaprista vakuru navaFarisi vakavunganidza dare, vakati: Todiniko? Nokuti uyu munhu unoita zviratidzo zvizhinji.
48
Kana tikamurega akadaro, vose vachatenda kwaari; navaRoma vachavuya vakatitorera nzvimbo yedu norudzi rwedu.
49
Asi mumwe wavo, Kayafasi, wakanga ari muprista mukuru gore iroro, akati kwavari: Hamuzivi chinhu imwi,
50
uye hamurangariri kuti zvakatinakira, kuti munhu mumwe afire vanhu, rudzi rwose rurege kufa.
51
Asi haana kureva zvomusoro wake, asi zvaakanga ari muprista mukuru gore iro, wakaporofita kuti Jesu waifanira kufira rudzi urwo;
52
rusati ruri rudzi rwoga, asi kutivo avunganidze pamwe chete vana vaMwari vakapararira vave mumwe.
53
Zvino kubva pazuva iro vakarangana pamwechete kuti vamuvuraye.
54
Naizvozvo Jesu haana kuzofamba pachena pakati pavaJudha, asi wakabvapo akaenda kunyika iri pedo nerenje, kuguta rainzi Efuremu, akagarako navadzidzi vake.
55
Zvino paseka yavaJudha yakanga yava pedo; vanhu vazhinji vakabuda munyika iyo vakakwira Jerusarema paseka isati yasvika, kuti vazvinatse.
56
Naizvozvo vakatsvaka Jesu, vakataurirana vamire mutembere, \add vachiti\add*: Munofungeiko? Kuti haangavuyi kumutambo here?
57
Zvino vose vaprista vakuru navaFarisi vakanga varaira, kuti, kana aninani achiziva kwaari, azivise, kuti vamubate.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21