bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 17
John 17
Shona 2009?
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
1
Jesu wakataura izvozvi, akasimudzira meso ake kudenga, akati: Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana wenyu akukudzeivo imwi,
2
sezvamakamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape upenyu bwusingaperi.
3
Zvino ubwu ndibwo upenyu bwusingaperi, kuti vakuzivei imwi Mwari woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.
4
Ndakakukudzai panyika; ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite;
5
uye zvino imwi baba, mundikudze pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako nemwi, nyika isati yavapo.
6
Ndakaratidza zita renyu kuvanhu vamakandipa kubva panyika; vakanga vari venyu, uye makavapa ini, vakachengeta shoko renyu.
7
Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa zvinobva kwamuri.
8
Nokuti ndakapa kwavari mashoko amakandipa; vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabuda kwamuri, vakatenda kuti makandituma.
9
Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndivo venyu.
10
Zvino zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakakudzwa mavari.
11
Uye zvino ini handichiri munyika, asi iva vari munyika; ini ndinovuya kwamuri Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu, avo vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
12
Pandaiva navo panyika, ini ndaivachengeta muzita renyu, avo vamakandipa; ndikachengeta panyika, hapanomumwe wavo wakarashika, asi mwanakomana wokurashwa, kuti rugwaro ruitike.
13
Asi zvino ndovuya kwamuri, uye ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadziswa mavari.
14
Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.
15
Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete kune zvakaipa
16
Havazi venyika, seni ndisi wenyika,
17
Vaitei vatsvene muchokwadi chenyu; shoko renyu ichokwadi.
18
Sezvamakandituma panyika, saizvozvo nenivo ndakavatuma panyika.
19
Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivovo vaitwe vatsvene muchokwadi.
20
Uye handinyengetereri ava chete, asi naivo vachatendavo kwandiri neshoko ravo;
21
kuti vose vave vamwe; semwi Baba mandiri, neni mamuri; kuti naivovo vave mumwe matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
22
Nokubwinya kwamakandipa, ndakavapa, kuti vave mumwe, sesu tiri mumwe.
23
Ini mavari, nemwi mandiri, vazadziswe kuva mumwe; uye kuti nyika izive kuti makandituma, uye kuti makavada, sezvamakada ini.
24
Baba, ndinoda kuti naivovo vamakandipa, vave neni apo pandiri, kuti vavone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.
25
Haiwa Baba vakarurama, nyika haina kukuzivai, asi ini ndakakuzivai, naivava vakaziva kuti makandituma;
26
uye ndakazivisa kwavari zita renyu, uye ndicha\add ri\add*zivisa, kuti rudo rwamakandida narwo ruve mavari, neni mavari.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21