bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 16
John 16
Shona 2009?
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
1
Zvinhu izvi ndakazvitaura kwamuri kuti murege kugumburwa.
2
Vachakubudisai mumasinagoge; hongu nguva inovuya, apo mumwe nomumwe unokuvurayai, uchati unobatira Mwari basa.
3
Nezvinhu izvozvi vachazviita kwamuri, nokuti havana kuziva baba, kana ini.
4
Asi ndataura zvinhu izvi kwamuri, kuti kana nguva yasvika mugozvirangarira, kuti ndakakuvudzai pamusoro pazvo. Handina kukuvudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemwi.
5
Asi zvino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumwe wenyu unondibvunza, \add achiti\add*: Munoendepiko?
6
Asi nokuti ndareva zvinhu izvi kwamuri kushungurudzika kwazadza moyo yenyu.
7
Asi ini ndinokuvudzai chokwadi: Zviri nani kwamuri kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangavuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8
Zvino kana asvika, uchatsiura nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa;
9
pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri;
10
pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaBaba vangu, hamungazondivonizve;
11
pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino watongwa.
12
Ndichine zvizhinji zvokutaura kwamuri, asi hamugoni kuzvitakura zvino.
13
Asi kana iye asvika, Mweya wechokwadi, uchakutungamirirai muchokwadi chose; nokuti haangatauri zvomusoro wake, asi choga choga chaakanzwa uchachitaura, uye uchakuvudzai zvinovuya.
14
Uchandikudza, nokuti uchatora pane zvangu, uye ucha\add zvi\add*kumikidza kwamuri.
15
Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; saka ndichiti: Uchatora pane zvangu, akaratidza kwamuri.
16
Kwechinguvana, hamuchazondivoni; uyezve chinguvana, muchandivona nokuti ndinoenda kunaBaba.
17
Zvino \add vamwe\add* vavadzidzi vake vakataurirana \add vachiti\add*: Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri: Kwechinguva chiduku, hamuchazondivoni; uyezve kwechinguvana muchandivona, uye: Nokuti ndinoenda kunaBaba?
18
Naizvozvo vakati: Chinyiko chaanoti: Chinguvana? Hatizivi chaanotaura.
19
Jesu akaziva kuti vakanga vachida kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana here kuti ndati: Chinguvana hamuchazondivoni, uyezve chinguvana muchandivona?
20
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Imwi mucharira nokuchema, asi nyika ichafara; uye imwi muchashungurudzika, asi kushungurudzika kwenyu kuchashanduka mufaro.
21
Mukadzi kana achisununguka, unoshungurudzika, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungizve kutambudzika, nokufara kuti munhu waponwa panyika.
22
Naizvozvo nemwi zvino mune shungu; asi ndichakuvonaizve, nomoyo yenyu ichafara; hakunomunhu ungakutorerai mufaro wenyu.
23
Zvino nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Chipi nechipi chamuchakumbira kunaBaba muzita rangu vachakupai.
24
Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai muchagamuchira, mufaro wenyu uzare.
25
Zvinhu izvi ndataura kwamuri nemifananidzo, nguva inovuya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuvudzai pachena zvaBaba;
26
Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuvudziyi, kuti ndichakukumbirirai kunaBaba;
27
nokuti Baba vamene vanokudai, nokuti imwi makandida, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaMwari.
28
Ndakabva kuna Baba, ndikavuya panyika; ndinobvazve panyika, ndichienda kunaBaba.
29
Vadzidzi vake vakati kwaari: Tarirai, zvino motaura pachena, musingatauri nemadimikira.
30
Zvino toziva zvirokwazvo kuti munoziva zvinhu zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; naizvozvi tinotenda kuti makabuda kunaMwari.
31
Jesu akavapindura \add akati\add*: Motenda zvino here?
32
Tarirai, nguva inovuya, hongu yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kune zvake, mundisiye ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Baba vaneni.
33
Ndakareva zvinhu izvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika muchava namatambudziko; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21