bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 8
John 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 9 →
1
Asi Jesu wakaenda kugomo reMiorivhi.
2
Zvino mambakwedza akadzokerazve kutembere, vanhu vose vakavuya kwaari; akagara pasi akavadzidzisa.
3
Zvino vanyori navaFarisi vakamuvigira mukadzi wakabatwa achifeva, vakamugadzika pakati pavo.
4
Vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wakabatwa achifeva, panzvimbo pomene.
5
Zvino Mozisi pamurairo wakatiraira kuti vakadaro vatakwe namabwe; zvino imwi munoti kudiniko?
6
Izvozvi vakareva, vachimuidza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomumwe sousina kuvanzwa.
7
Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari: Usine chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
8
Zvino akakotamazve, akanyora pasi.
9
Zvino ivo vakati vachi\add zvi\add*nzwa, nokurova kwehana dzavo, vakabuda mumwe-mumwe, kutanga vakuru kusvikira kuno wokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi amire pakati.
10
Jesu wakati akotoroka akasavona munhu, asi mukadzi oga, wakati kwaari: Mai, varipiko vaya vakupomerai mhosva? Hakuna wakutongai here?
11
Iye akati: Hakuna, Ishe! Jesu akati kwaari: Nenivo handikupi mhosva. Enda hako, usatadzazve.
12
Zvino Jesu wakataurazve kwavari, akati: Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza choupenyu.
13
Naizvozvo vaFarisi vakati kwaari: Unozvipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwechokwadi.
14
Jesu akapindura akati kwavari: Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwechokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imwi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.
15
imwi munotonga nenyama; ini handitongi munhu.
16
Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwechokwadi; nokuti handizi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.
17
Uye mumurairo wenyu makanyorwa kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwechokwadi.
18
Ndini ndinozvipupurira, naBaba vakandituma vanondipupurira.
19
Zvino ivo vakati kwaari: Baba vako varipiko? Jesu akapindura, \add akati\add*: Hamundizivi ini, kunyange naBaba vanguvo; dai maindiziva ini, mungadai maizivavo naBaba vangu.
20
Jesu wakataura mashoko awa paimba yezvipo achidzidzisa mutembere; asi hakuna munhu wakaisa ruvoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
21
Naizvozvo Jesu wakatizve kwavari: Ndinoenda, uye muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imwi hamungavuyipo.
22
Naizvozvo vaJudha vakati: Uchazvivuraya kanhi? zvaanoti: Pandinoenda, imwi hamungavuyipo?
23
Akati kwavari: Imwi munobva pasi, ini ndinobva kumusoro; imwi muri venyika ino, ini handizi wenyika ino.
24
Naizvozvo ndati kwamuri: Muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
25
Zvino vakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwavari: Ndizvo zvandagara ndichikuvudzai kubva pakutanga.
26
Ndine zvinhu zvizhinji zvokutaura nokutonga pamusoro penyu; asi uyo wakandituma ndowechokwadi; izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinotaura kunyika.
27
Havana kunzwisisa kuti unotaura kwavari zvaBaba.
28
Naizvozvo Jesu wakati kwavari: Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini \add iye\add*, uye handiiti chinhu chomusoro wangu, asi sezvandakadzidziswa naBaba vangu, ndinotaura zvinhu izvi.
29
Zvino uyo wakandituma uneni; Baba havana kundisiya ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.
30
Wakati achareva izvozvi, vazhinji vakatenda kwaari.
31
Zvino Jesu wakati kuvaJudha avo vakatenda kaari: Kana imwi muchirambira mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo;
32
muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.
33
Vakamupindura, \add vakati\add*: Tiri zvizvarwa zvaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu chero nguva ipi zvayo; zvino iwe ungareva seiko \add kuti\add* muchasunungurwa?
34
Jesu akavapindura, \add akati\add*: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoita chivi, muranda wechivi.
35
Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana unogara nokusingaperi.
36
Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka zvirokwazvo.
37
Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahamu; asi munotsvaka kundivuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri.
38
Ini ndinoreva izvo zvandakavona kunaBaba vangu; imwi munoita izvo zvamakavona kunababa venyu.
39
Vakapindura, vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahamu. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu.
40
Asi zvino munotsvaka kundivuraya, munhu wakakuvudzai chokwadi, chandakanzwa kunaMwari. Abhurahamu haana kuzviita.
41
Imwi munoita mabasa ababa venyu. Zvino ivo vakati kwaari: Hatina kuberekwa novupombwe; tina baba vamwe, Mwari.
42
Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva baba venyu, maindida; nokuti ini ndakabuda, ndikabva kunaMwari. Nokuti handinavo kuzvivuyira, asi ndiye wakandituma.
43
Nemhaka yei musinganzwisisi nhaurwa yangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
44
Imwi muri vababa \add venyu\add* Dhiabhorosi munoda kuita zvido zvababa venyu. Iye wakanga ari muvurai kubva pakutanga, asingagari muchokwadi, nokuti maari hamuna chokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvemusoro wake nokuti ndiye murevi wenhema uye baba vadzo.
45
Asi nokuti ini ndinoreva chokwadi, hamunditendi.
46
Ndianiko kwamuri ungandipomera chivi? Uye kana ndichireva chokwadi, munoregereiko kunditenda?
47
Uyo uri waMwari unonzwa mashoko aMwari; imwi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri vaMwari.
48
Naizvozvo vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Hatina kureva kwazvo here kuti iwe uri muSamaria, unomweya wakaipa?
49
Jesu akapindura, \add akati\add*: Handina mweya wakaipa, asi ndinokudza baba vangu: zvino imwi mondizvidza.
50
Ini handitsvaki kurumbidzwa kwangu; uriko mumwe unotsvaka nokutonga..
51
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongovoni rufu nokusingaperi.
52
Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Zvino toziva kuti unomweya wakaipa; Abhurahamu wakafa, navaporofita, zvino iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongoraviri rufu.
53
Ko iwe uri mukuru kunaBaba vedu Abhurahamu vakafa navaporofita vakafa here? Unozviita aniko?
54
Jesu akapindura, \add akati\add*: Kana ini ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; ndiBaba vangu vanondikudza, avo vamunoti ndiMwari wenyu.
55
Asi imwi hamuna kuvaziva; asi ini ndinovaziva, kana ini ndikati handivazivi, ndichava murevi wenhema semwi; asi ndinovaziva ini, ndinochengeta shoko ravo.
56
Abhurahamu, baba venyu, vakafara, vachiti vachavona zuva rangu; vaka\add ri\add*vona, vakafara.
57
Ipapo vaJudha vakati kwaari: Iwe ugere kusvika makore anamakumi mashanu, wakavona Abhurahamu here?
58
Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahamu asati avapo, ini ndiripo.
59
Ipapo vakanonga mabwe kuti vamuposhere; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere achipinda napakati pavo, akapfuvura saizvozvo.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21