bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 4
John 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 5 →
1
Zvino Ishe wakati aziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti Jesu wakaita nokubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuvura Johwani,
2
kunyange Jesu pachake wakanga asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,
3
akabva Judhiya, akaendazve muGariri.
4
Asi wakanga achifanira kupfuvura neSamaria.
5
Zvino wakasvika iye paguta reSamaria, rinonzi Sikari, pedo nenzvimbo yakanga yapa Jakobho mwanakomana wake Josefa.
6
Zvino tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba wakagara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu.
7
Ipapo kwakasvika mukadzi weSamaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipevo ndimwe.
8
(Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya).
9
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko zvingaitika sei kuti iwe uri muJudha, ukumbire kumwa kwandiri, ini ndiri mukadzi muSamaria? Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.
10
Jesu akapindura, akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani unoti kwauri: Ndipevo ndimwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.
11
Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chamungachera nacho, uye tsime rakadzika, zvino mungaiwanepiko mvura mhenyu?
12
Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime \add iri\add*, vakamwa pariri vamene navana vavo nenzombe dzavo here?
13
Jesu akapindura, akati kwaari: Mumwe nomumwe, unomwa mvura iyi, uchava nenyotazve.
14
Asi aninani, unomwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi asi mvura, yandichamupa, ichava maari tsime remvura, inovhaira kusvika kuupenyu bwusingaperi.
15
Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuvuya pano kuzochera.
16
Jesu akati kwaari: Enda, undodana murume wako, ugovuya pano.
17
Mukadzi akapindura, akati: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka, \add zvawati\add*: Handina murume.
18
Nokuti watova navarume vashanu, uyo waunaye zvino haazi murume wako; apo wareva chokwadi.
19
Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinovona kuti muri muporofita.
20
Madzibaba edu ainamata mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo muzvimbo munhu maanofanira kushumira.
21
Jesu akati kwaari: Mai, nditendei, kuti nguva inovuya, yamusingazonamati Baba mugomo iri, kana paJerusarema.
22
Imwi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva; nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23
Asi nguva inovuya, nazvino yatova iyo, apo vashumiri vechokwadi vachashumira Baba mumweya nemuchokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuti vamunamate.
24
Mwari Mweya; naavo vanomunamata, vanofanira kunamata mumweya nemuchokwadi.
25
Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unovuya unonzi Kristu; kana iye asvika, uchativudza zvinhu zvose.
26
Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura kwauri, ndini.
27
Zvino nenguva iyoyo vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa kuti unotaura nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuno mumwe wakati: Munotsvakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?
28
Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu:
29
Vuyai muvone munhu, wakandivudza zvinhu zvose zvandakaita. Ko uyu haasi iye Kristu here?
30
Zvino vakabuda muguta, vakaenda kwaari.
31
Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetedza, vachiti: Mudzidzisi, idyai.
32
Asi iye akati kwavari: Ini ndine zvokudya zvandinodya, zvamusingazivi,
33
zvino vadzidzi vakataurirana, \add vachiti\add*: kune mumwe wamuvigira zvokudya kanhi?
34
Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu kuita kuda kwaiye wakandituma, nokupedza basa rake.
35
Ko imwi hamuti: Kwasara mwedzi mina, \add kuti\add* kukohwa kusvike? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, mutarire kuminda, kuti yatochena yamirira kukohwa.
36
Unokohwa unopiwa mubairo, unovunganidza zvibereko muupenyu bwusingaperi; kuti vose unokusha nounokohwa vafare pamwechete.
37
Nokuti pano iyi shumo ndeyechokwadi, inoti: Mumwe unokusha, mumwe achikohwa.
38
Ndakakutumai kundokohwa zvamusakabatira; vamwe vakabata, zvino imwi mapinda pabasa ravo
39
Zvino vaSamaria veguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko romukadzi wakapupura, \add achiti\add*: Wandivudza zvose zvandakaita.
40
Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri.
41
Navamwezve vazhinji vakatenda nekuda kweshoko rake.
42
Vakati kumukadzi: Ikozvino hatichatendi nokureva kwako; nokuti tazvinzwira timene, tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Kristu Muponesi wenyika.
43
Zvino mazuva maviri akati apfuvura akabvapo, akaenda Gariri.
44
Nokuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yake.
45
Zvino wakati achisvika Gariri, vaGariri vakamugamuchira, nokuti vakanga vavona zvinhu zvose zvaakaita Jerusarema pamutambo, nokuti naivo vakanga vaendavo kumutambo.
46
Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGariri, paakanga aita mvura \add ive\add* waini. Zvino ipapo pakanga pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakanga achirwara paKapenaume.
47
rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya, wasvika Gariri, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire kuzoporesa mwanakomana waro; nokuti wakanga wotandadza.
48
Zvino Jesu akati kwariri: Kunze kokuti mavona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
49
Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.
50
Jesu akati kwaari: Enda hako, mwanakomana wako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rakarebwa naJesu kwaari, akaenda.
51
Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza vaka\add mu\add*vudza, vachiti: Mwana wenyu mupenyu.
52
Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari: Zuro nenguva yechinomwe fivhiri yakabva kwaari.
53
Zvino baba vakaziva kuti ndiyovo nguva Jesu yaakati kwaari: Mwanakomana wako mupenyu. Iye akatenda neimba yake yose.
54
Ichizve chishamiso chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhiya asvika Gariri.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21