bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 6
John 6
Shona 2009?
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
1
Shure kwezvinhu izvi Jesu wakaenda mhiri kwegungwa reGariri, ndiro reTibheriasi.
2
Zvino chaunga chikamutevera, nokuti vakavona zvishamiso zvaaiita kuvarwere.
3
Jesu akakwira mugomo, ipapo akagara anavadzidzi vake.
4
Zvino paseka mutambo wavaJudha, wakanga wava pedo.
5
Zvino Jesu paakasimudza meso, wakavona chaunga chikuru chichivuya kwaari, akati kuna Firipi: Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?
6
Wakareva izvozvo achimuidza, nokuti iye amene waiziva zvaakanga achida kuita.
7
Firipi akamupindura \add achiti\add*: Zvingwa zvamadenari* anamazana maviri hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore chimedu.
8
Mumwe wavadzidzi vake, Andiriyasi, munun'una waSimoni Petro, akati kwaari:
9
Pano pane kamukomana, kanezvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri duku; asi zvingava zvinyiko kuvazhinji vakadai?
10
Asi Jesu wakati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakanga kunovuswa vuzhinji panzvimbo iyo. Naizvozvo varume vakagara pasi, muvuwandu vainge zvuru zvishanu.
11
Zvino Jesu akatora zvingwa; akati avonga, akagovanisa vadzidzi vadzidzi \add vakagovanisa\add* vakanga vagere pasi; nehovevo saizvozvo pavaida napo.
12
Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake; Vunganidzai zvimedu zvakasara, kuti kurege kurashika chinhu.
13
Naizvozvo vakazvivunganidza pamwechete, vakazadza matengu anegumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebari, zvakanga zvasara kuna vakadya.
14
Zvino vanhu avo vakati vavona chishamiso chakaitwa naJesu, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye uya muporofita, unofanira kuvuya panyika.
15
Zvino Jesu, zvaakaziva kuti voda kuvuya kuzomubata nesimba, kuzomuita mambo, akabvazve akaenda mugomo ari oga.
16
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa,
17
vakapinda muchikepe, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu wakanga asati asvika kwavari.
18
Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta.
19
Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhiya* anenge makumi maviri namashanu kana makumi matatu, vakavona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pedo nechikepe; vakatya.
20
Asi iye wakati kwavari: Ndini, musatya.
21
Zvino vakafara kumugamuchira muchikepe, pakarepo chikepe chikasvika kunyika kwavakanga vachienda.
22
Fume mangwana chaunga chakanga chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, pachakavona kuti pakanga pasina chimwe chikepe chiduku ipapo, kunze kwechimwe makanga mapinda vadzidzi vake, machiri, uye kuti Jesu haana kupinda navadzidzi vake muchikepe chidiki, asi vadzidzi vake vakaenda voga.
23
Asi kwakasvika zvimwe zvikepe zvidiki zvaibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakambodyira zvingwa, mushure mokunge Ishe ambovonga.
24
Zvino naizvozvo chaunga chakati chavona, kuti Jesu haapo, kana vadzidzi vake, vakapindavo vamene muzvikepe zvidiki, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
25
Zvino vakati vamuwana kune rumwe rutivi rwegungwa, vakati kwaari: Mudzidzisi, masvika pano rinhiko?
26
Jesu akavapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hamunditsvaki nokuti makavona zvishamiso, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
27
Musashandira zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinogara kusvika kuupenyu bwusingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu; nokuti Mwari Baba, vakaisa chisimbiso kwaari.
28
Zvino ivo vakati kwaari: Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?
29
Jesu akapindura akati kwavari: Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende kuna iye waakatuma.
30
Naizvozvo vakati kwaari: Munoita chiratidzo chipiko zvino kuti tivone, tikutendei? Imwi munobateiko?
31
Madzibaba edu akadya mana* murenje, sezvazvakanyorwa, \add zvichinzi\add*: Wakavapa chingwa chakabva kudenga, kuti vadye.
32
Zvino Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga.
33
Nokuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga, achipa upenyu kunyika.
34
Zvino vakati kwaari: Ishe, garai muchitipa chingwa ichi.
35
Jesu akati kwavari: Ndini chingwa choupenyu; uyo unovuya kwandiri, haangatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
36
Asi ndakati kwamuri: Nemwivo makandivona, asi hamutendi.
37
Zvose Baba zvavanondipa zvichavuya kwandiri; nounovuya kwandiri, handingatongomudzingiri kunze.
38
Nokuti handina kuburuka kubva kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwaiye wakandituma.
39
Uku ndiko kuda kwababa vakandituma, kuti pazvose zvaakandipa, ndisarasikirwa nechinhu, asi kuti ndichimutse nezuva rokupedzisira.
40
Uye ndiko kuda kowakandituma, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu bwusingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
41
Zvino vaJudha vakagunun'una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kubva kudenga.
42
Vakati: Uyu haazi Jesu Mwanakomana waJosefa, baba namai vake vatinoziva here? Zvino ungagoti seiko: Ndakaburuka kubva kudenga.
43
Jesu akapindura naizvozvo, akati kwavari: Musagunun'una pakati penyu.
44
Hakuna munhu ungavuya kwandiri, kunze kokuti Baba vakandituma vamukweva; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
45
Zvakanyorwa muvaporofita \add zvichinzi\add*: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe naizvozvo wakanzwa akadzidza naBaba, unovuya kwandiri.
46
Kwete kuti kune munhu wakavona Baba; kunze kweuyo unobva kunaMwari, ndiye wakavona Baba.
47
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, kwandiri unoupenyu bwusingaperi.
48
Ndini chingwa icho choupenyu.
49
Madzibaba enyu akadya mana* murenje, akafa.
50
ichi ndicho chingwa chinoburuka kubva kudenga, kuti munhu achidye agorega kufa.
51
Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, uchararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa inyama yangu, yandichapa bwuve upenyu bwenyika.
52
Naizvozvo vaJudha vakakakavadzana pakati pavo vachiti: Munhu uyu ungatipa seiko nyama tidye?
53
Naizvozvo Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kunze kokuti madya nyama yoMwanakomana womunhu, uye mamwa ropa rake, hamunoupenyu mamuri.
54
Aninani unodya nyama yangu, nokumwa ropa rangu, unoupenyu bwusingaperi; uye ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
55
Nokuti nyama yangu izvokudya zirokwazvo, neropa rangu izvokumwa zvirokwazvo.
56
Unodya nyama yangu, nokumwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.
57
Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; saizvozvo unondidya, naiyevo uchararama neni.
58
Ichi ndicho chingwa chiya chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita samadzibaba enyu akadya mana* akafa; unodya chingwa ichi uchararama nokusingaperi.
59
Zvinhu izvi wakazvireva musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.
60
Naizvozvo vazhinji vavadzidzi vake vakati vachinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndianiko ungarinzwa?
61
Asi Jesu, aziva mumoyo make kuti vadzidzi vake vanon'un'una nazvo, wakati kwavari: Izvi zvinokugumbusai kanhi?
62
\add Muchagodiniko\add* kana muchivona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
63
Mweya ndiye unoraramisa, nyama haibatsiri chinhu; mashoko andinotaura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu.
64
Asi variko vamwe venyu vasingatendi nokuti Jesu wakanga achiziva kubva pakutanga, kuti ndivanaani vaisatenda, uye kuti ndiani waizomutengesa,
65
Akati: Naizvozvo ndati kwamuri: Hakuna munhu ungavuya kwandiri, kunze kokuti azvipiwa naBaba.
66
Kubva ipapo vazhinji vavadzidzi vake vakadzokera shure, vakasazofambazve naye,
67
Jesu akati kuna vanegumi navaviri: nemwi munoda kuendavo here?
68
Zvino Simoni Petro akamupindura, \add akati\add*: Ishe, tichagoenda kunaaniko? Ndimwi muna mashoko oupenyu bwusingaperi,
69
Isu tinotenda, uye tine chokwadi kuti ndimwi uya Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
70
Jesu akapindura \add akati\add*: Ini handina kukusanangurai, imwi vanegumi navaviri here? asi mumwe wenyu ndiDhiabhurosi.
71
Waireva Judhasi, Isikarioti, waSimoni, nokuti iye ndiye waizomutengesa, ari mumwe wavanegumi navaviri.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21