bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
John 10
John 10
Shona 2009?
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
1
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Usingapindi napamukova mudanga ramakwai, asi unokwira nokumwe, ndiye mbavha negororo.
2
Asi unopinda napamukova, mufudzi wamakwai.
3
Murindi womukova unomuzarurira iye, namakwai anonzwa inzwi rake, uye unodana makwai ake nezita rawo, nokuakokera kunze.
4
Kana abudisa makwai ake, unoatungamirira; namakwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake.
5
Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni.
6
Jesu akareva mufananidzo uyu kwavari; asi ivo havana kunzwisisa, kuti zvinhu zvei zvaakavataurira.
7
Zvino Jesu akati kwavarizve: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Ndini mukova wamakwai.
8
Vose vakanditangira kuvuya imbavha namakororo, asi makwai haana kuvanzwa.
9
Ndini mukova; kana munhu apinda neni, uchaponeswa, uchapinda, nokubuda, uchawana mafuro.
10
Mbavha haivuyi asi kungozoba nokuvuraya nokuparadza. Ini ndakavuya, kuti ave noupenyu, uye ave nobwakawanda.
11
Ndini mufudzi wakanaka. Mufudzi wakanaka unoradzikira pasi makwai ake upenyu bwake.
12
Asi muranda, usati ari mufudzi, makwai asati ari ake, unovona bere richivuya, akasiya makwai, ndokutiza; bere rinoabata, nokuparadzira makwai;
13
Muranda unotiza nokuti muranda, uye haanehanya namakwai.
14
Ini ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva angu, ndinozikamwa neangu,
15
Baba sezvavanondiziva, saizvozvo nenivo ndinoziva Baba; ndinoradzikira pasi makwai angu upenyu bwangu.
16
Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuvuya nawovo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.
17
Naizvozvo Baba vanondida, nokuti ndinoradzika upenyu bwangu pasi, kuti ndigobwutorazve.
18
Hakuna munhu ungabwutora kubva kwandiri; asi ndinobwuradzika pasi pachangu. Simba ndinaro rokubwuradzika pasi, uye ndine simba rokubwutorazve. Uyu murairo ndakaugamuchira kunababa vangu.
19
Ipapo kukavapo kupesana pakati pavaJudha nokuda kwamashoko iwawo.
20
Vazhinji vavo vakati: Unomweya wakaipa uye unopenga; munomuteerereiko?
21
Vamwe vakati: Mashoko awa haasati ari owakabatwa nomweya wakaipa; ko mweya wakaipa ungagona kusvinudza meso amapofu here?
22
Yaiva nguva yomutambo wokuvandudza paJerusarema, chaiva chando.
23
Jesu akafamba mutembere mubiravira raSoromoni.
24
Zvino vaJudha vakavuya vakamukomba, vakati kwaari: Uchatikahadzikisa kusvikira riniko? Kana uri Kristu iwe, tivudze pachena.
25
Jesu akavapindura akati: Ndakakuvudzai, mukasatenda; mabasa andinoita nezita rababa, ndiwo anondipupurira ini;
26
asi imwi hamutendi; nokuti hamuzi vamakwai angu sezvandakareva kwamuri.
27
Makwai angu anonzwa inzwi rangu, neni ndinoaziva, uye anonditevera;
28
ndinopa kwaari upenyu bwusingaperi; uye haangafi nokusingaperi, uye hakunomunhu ungaabvuta muruvoko rwangu.
29
Baba vangu vakandipa \add iwo\add* vakuru kunavose; hakuna unogona kuabvuta muruvoko rwaBaba vangu.
30
Ini naBaba tiri mumwe.
31
Zvino vaJudha vakanongazve mabwe, kuti vamutake.
32
Jesu akavapindura \add akati\add*: Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kubva kunaBaba vangu; nderipiko ramabasa awa ramunonditakira?
33
VaJudha vakamupindura vakati: Hatikutakiri basa rakanaka; asi kumhura Mwari; uye nokuti iwe uri munhu unozviita Mwari.
34
Jesu akavapindura \add akati\add*; Hazvina kunyorwa here mumurairo wenyu, \add zvichinzi\add*: Ini ndakati: Muri vamwari?
35
Zvino kana akavaidza vamwari, ivo shoko raMwari rakasvika kwavari, (Rugwaro harungaputswi);
36
uyo wakatsaurwa naBaba, nokutumwa panyika, asi imwi munoti: Unomhura Mwari, nokuti ndati: Ndiri Mwanakomana waMwari?
37
Asi kana ndisingaiti mabasa aBaba vangu, regai kunditenda.
38
Asi kana ndichi\add a\add*ita, kunyange musinganditendi ini, tendai mabasa; kuti mugoziva nokutenda kuti Baba \add vari\add* mandiri, neni mavari.
39
Zvino vakatsvakazve kumubata, asi iye wakapukunyuka pamavoko avo.
40
Zvino akaendazve mhiri kwaJoridhani, panzvimbo paibhabhatidza Johwani pakutanga; akagarapo,
41
Zvino vazhinji vakavuya kwaari, vakati: Johwani haana kuita chiratidzo, asi zvose zvakareva Johwani pamusoro pomunhu uyu zvaiva zvechokwadi.
42
Vazhinji vakatenda kwaari ipapo.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21