bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 10
2 Kings 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 11 →
1
Ɀino Ahabi wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi manomŋe paSamaria. Jehu akanyora ŋwadi, akadzitumira Samaria kuʋaɓati ʋeJezreeri, iʋo ʋakuru, nokuʋareri ʋaʋana ʋaAhabi, akati:
2
Ɀino kana ŋwadi iyi iciȿika kwamuri, ʋanakomana ʋatenzi waŋgu ɀaʋari’ko kwamuri, neŋgoro namabiza ɀiri’ko kwamuri, neguta rakakombga noruȿiŋgo, nenhumbi dzokurwa nadzo;
3
ciɀitsaurirai mŋanakomana watenzi wenyu wakaiȿo‐naka wakakwana kukunda ʋamŋe, mumugadze pacigaro coʋushe caɓaɓa ʋake, murwire imba yatenzi wenyu.
4
Asi iʋo ʋakaŋga ʋacitya kwaɀo, ʋakati: Madzimambo maʋiri akaŋga asiŋgagoni kumukunda, ɀino isu ticamukunda seiko?
5
Ɀino mutariri weimba nomutariri weguta, naʋakuru, naʋareri ʋaʋana ʋakatuma shoko kunaJehu, ʋaciti: Tiri ʋaranda ʋenyu, ticaita ɀose ɀamunotiraira; hatiŋgagadzi mumŋe mambo; itai henyu seɀamunoɗa.
6
Ipapo wakanyora ŋwadi rwecipiri kwaʋari, akati: Kana mukanzwana neni, kana mukaterera inzwi raŋgu, ʋuyai kwandiri Jezreeri maŋgwana neŋguʋa ino nemisoro yaʋarume, iʋo ʋanakomana ʋatenzi wenyu. Ɀino ʋanakomana ʋamambo, iʋo ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, ʋaiʋa kuʋakuru ʋeguta, ʋaiʋarera.
7
Ɀino ŋwadi iyo yakati iciȿika kwaʋari, ʋakaɓata ʋanakomana ʋamambo, ʋakaʋaʋuraya, iʋo ʋanhu ʋanamakumi manomŋe, ʋakaisa misoro yaʋo mumateŋgu, ndokuitumira kwaari Jezreeri.
8
Nhume ikaȿika, ikamuʋudza, ikati: Ʋaʋuya nemisoro yaʋanakomana ʋamambo. Iye akati: Itai mirwi miʋiri nayo, muiise paʋanopinda napo pasuʋo, kuȿikira maŋgwana.
9
Fume maŋgwana akaɓuɗa, akandomira’po, akati kuʋanhu ʋose: Imi hamunemhoȿa henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi waŋgu, ndikamuʋuraya; asi ndianiko waʋuraya aʋa ʋose?
10
Ɀino muziʋe kuti hakuneshoko rimŋe raJehova ricawira pasi, rakataurwa naJehova pamsoro peimba yaAhabi; nokuti Jehova wakaita ɀaakataura nomuranda wake Eria.
11
Naiɀoɀo Jehu akaʋuraya ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋeimba yaAhabi paJezreeri, naʋanhu ʋake ʋakuru ʋose, neshamŋari dzake, naʋaprista ʋake, kuȿikira asina‐kumusiyira nomumŋe.
12
Ɀino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati aȿika paimba yaʋafudzi panzira, paʋaiʋeʋura makwai,
13
Jehu akasoŋgana naʋanuŋuna ʋaAhazi mambo waJuda, akati: Ndimi aniko? Iʋo ʋakapindura, ʋakati: Tiri ʋanuŋuna ʋaAhazia, toɓuruka kundokwazisa ʋana ʋamambo naʋana ʋaʋahosi.
14
Iye akati: Ʋaɓatei ʋari ʋapenyu. Ʋakaʋaɓata ʋari ʋapenyu, ʋakaʋaʋuraya padziʋa reimba paʋaiʋeʋura makwai, ʋarume ʋaiʋa ʋanamakumi manna naʋaʋiri; haana‐kusiya mumŋe waʋo.
15
Ɀino wakati abva’po, akasoŋgana naJehonadabi mŋanakomana waRehabi, waŋga aciʋuya kuzosoŋgana naye; akamukwazisa, akati kwaari: Mŋoyo wako wakarurama here, sokururama kwomŋoyo waŋgu kwauri? Jehonadabi akapindura, akati: Wakarurama hawo. Kana ɀakaɗaro, ndiɓate ruʋoko rwaŋgu. Iye akaɓata ruʋoko rwake, ndokumukwidza muŋgoro maakaŋga ari.
16
Akati: Hendei, undoʋona kushiŋgaira kwandinoshiŋgairira Jehova nako. Naiɀoɀo ʋakamufambisa muŋgoro yake.
17
Wakati aȿika Samaria, akaʋuraya ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋaAhabi muSamaria, kuȿikira amuparadza, seshoko raJehova rakaŋga rarebga naEria.
18
Ipapo Jehu akaʋuŋganidza ʋanhu ʋose, akati kwaʋari: Ahabi wakashumira Baari ɀishoma, asi Jehu ucamushumira kwaɀo.
19
Naiɀoɀo ɀino ciɗanai ʋaprofita ʋose ʋaBaari, naʋose ʋanonamata kwaari, naʋaprista ʋake ʋose, ʋaʋuye kwandiri; ŋgakurege kushaikwa kunyaŋge nomumŋe; nokuti ndinoɗa kuɓayira Baari ciɓayiro cikuru; aninani unoshaikwa haaŋgararami. Asi Jehu wakaita iɀoɀo namano, aciɗa kuʋuraya ʋanamati ʋaBaari.
20
Ɀino Jehu akati: Tsaurirai Baari zuʋa romutambo mukuru. Ʋakaparidza iɀoɀo.
21
Ɀino Jehu akatuma nhume pakati paIsraeri pose, ʋose ʋanamati ʋaBaari ʋakaʋuya; hakunomunhu wakasara, akasaʋuya. Ʋakapinda mumba maBaari, imba yaBaari ikazara, kuȿika kumadziro nokumadziro.
22
Akati kumutariri weŋguʋo: Ʋigira ʋanamati ʋaBaari ʋose ŋguʋo. Iye akaʋaʋigira ŋguʋo.
23
Ipapo Jehu akapinda mumba maBaari, anaJehonadabi mŋanakomana waRekabi, akati kuʋanamati ʋaBaari: Tȿakai, mutarire kwaɀo kuti pano pakati penyu parege kuʋa nomuranda mumŋe waJehova, asi ʋanamati ʋaBaari ɓedzi.
24
Ʋakapinda kundoɓayira ɀiɓayiro neɀipiriso ɀinopiswa. Ɀino Jehu wakaŋga araira ʋarume ʋanamakumi masere panze, aciti: Kana mumŋe waʋarume ʋandinoisa pamaʋoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, ucamufira.
25
Ɀino wakati apedza kuɓayira cipiriso cinopiswa, Jehu akati kuʋarindi nokuʋakuru: Pindai, muʋaʋuraye; musatendera mumŋe kuɓuɗa. Iʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ʋarindi naʋakuru ʋakaʋarashira kunze, ʋakaenda kuguta reimba yaBaari.
26
Ipapo ʋakaɓuɗisa mbiru dzaiʋa mumba maBaari, ʋakadzipisa.
27
Ʋakaputsa ʋo mbiru yaBaari, ʋakaputsa ʋo imba yaBaari, ʋakaiita imba yecishaŋgo kuȿikira nhasi.
28
Naiɀoɀo Jehu wakaparadza Baari pakati paIsraeri.
29
Asi Jehu haana‐kurega kuteʋera ɀiʋi ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo, ɀemhuru dzendarama dzaiʋa paBeti‐eri, nedzaiʋa paDani.
30
Ɀino Jehova akati kunaJehu: Ɀawakaita ɀakanaka ukaita ɀakarurama pamberi paŋgu, ukaitira imba yaAhabi ɀose ɀakaŋga ɀiri mumŋoyo maŋgu, ɀino ʋana ʋako ʋorudzi rwecinna ʋacagara pacigaro coʋushe bgaIsraeri.
31
Asi Jehu haana‐kuraŋgarira kufamba nomŋoyo wose nomurairo waJehova Mŋari waIsraeri; haana‐kurega ɀiʋi ɀaJeroboami ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
32
Pamazuʋa iwayo Jehova wakataŋga kutapudza Israeri; Hazaeri akaʋakunda panyika yose yaIsraeri;
33
kubva kunaJoridani ɀicienda mabva‐zuʋa, nenyika yose yaGireadi, neyaʋaGadi, neyaʋaRubeni, neyaʋaManase, kubva paAroeri pamupata weArnoni, ndiro Gireadi neBashani.
34
Ɀino mamŋe maɓasa aJehu, neɀose ɀaakaita, nesimba rake rose, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
35
Jehu akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga paSamaria, Jehoahazi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
36
Ŋguʋa yakaɓata Jehu ʋushe bgaIsraeri paSamaria aiʋa makore anamakumi maʋiri namasere.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25