bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 11
2 Kings 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 12 →
1
Ɀino Ataria mai ʋaAhazia, wakati aciʋona kuti mŋanakomana wake wafa, akasimuka, akaparadza ʋose ʋorudzi rwamambo.
2
Asi Jehosheba mukunda wamambo Jorami, hanɀadzi yaAhazia, wakatora Joashi mŋanakomana waAhazia, akamuɓa pakati paʋanakomana ʋamambo ʋaiʋurawa, iye nomureri wake, mumba mokuʋata; ʋakamuʋanza panaAtaria, naiɀoɀo haana‐kuʋurawa.
3
Akagara naye akaʋanzwa mumba maJehova makore matanhatu; Ataria akaɓata ʋushe panyika.
4
Ɀino negore recinomŋe Jehoyada akatuma ʋanhu ʋakatora ʋakuru ʋamazana ʋaʋaKari naʋarindi ʋamambo, akaʋuya naʋo kwaari mumba maJehova, akaita suŋgano naʋo, akaʋapikisa mumba maJehova, akaʋaratidza mŋanakomana wamambo.
5
Akaʋaraira, akati: Munofanira kuita kuɗai: Imi ʋanopinda nesaɓata, cetatu cenyu munofanira kuʋa ʋarindi ʋeimba yamambo;
6
cimŋe cetatu cinofanira kumira pasuʋo rinonzi Suri; cimŋe cetatu ɀe ʋanofanira kumira pasuʋo riri shure kwaʋarindi ʋamambo; saiɀoɀo munofanira kurinda imba, nokuidziʋirira.
7
Mapoka enyu maʋiri, imi mose munoɓuɗa nesaɓata, munofanira kurinda imba yaJehova mucikomba mambo.
8
Mukombe mambo, mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake; aninani unopinda pakati pemisara, unofanira kuʋurawa; mugare namambo kana aciɓuɗa ʋuye kana acipinda.
9
Ʋakuru ʋamazana ʋakaita ɀose ɀaʋakarairwa nomuprista Jehoyada; mumŋe nomumŋe akatora ʋanhu ʋake, iʋo ʋaifanira kupinda nesaɓata, naiʋo ʋaifanira kuɓuɗa nesaɓata, ʋakaȿika kumuprista Jehoyada.
10
Muprista akapa ʋakuru ʋamazana mapfumo nenhoʋo ɀaiʋa ɀamambo Davidi, ɀakaŋga ɀiri mumba maJehova.
11
Ɀino ʋarindi ʋamambo ʋakamira mumŋe nomumŋe akaɓata nhumbi dzokurwa nadzo muruʋoko rwake, kubva kurutiʋi rworudyi rweimba kuȿikira kurutiʋi rworuɓoshwe rweimba, napaartari neimba, ʋakakomba mambo.
12
Ipapo akaɓuɗisa mŋanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa cipupuriro, ʋakamuita mambo, ʋakamuzodza; ndokuridza nhondo, ʋaciti: Mambo ŋgaararame!
13
Ɀino Ataria wakati acinzwa mhere‐mhere yaʋarindi ʋamambo naʋanhu, akapinda kuʋanhu mumba maJehova.
14
Akatarira, ndokuʋona mambo amire pambiru, netsika yaʋo, naʋakuru naʋakaŋga ʋanehwamanda ʋamire kunamambo; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, ʋakaridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura ŋguʋo dzake, akaɗanidzira, aciti: Ndamukirwa, ndamukirwa!
15
Ɀino muprista Jehoyada akaraira ʋakuru ʋamazana, ʋairaira hondo, akati kwaʋari: Muɓuɗisei pakati pemisara yaʋanhu; aninani unomuteʋera iye, munofanira kumuʋuraya nomunondo; nokuti muprista wakati: Ŋgaarege kuʋurayirwa mukati meimba yaJehova.
16
Naiɀoɀo ʋakamudziʋirira nzira, akaenda nenzira yaipinda mabiza nayo kumba kwamambo, ndokuʋurayirwa’po.
17
Ɀino Jehoyada akaita suŋgano pakati paJehova namambo naʋanhu, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋaJehova; ʋuye ʋo pakati pamambo naʋanhu.
18
Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakaenda kumba kwaBaari, ʋakaiputsa; ʋakaputsanya kwaɀo artari dzake nemifananidzo yake, ʋakaʋuraya Matani muprista waBaari pamberi peartari. Muprista akagadza ʋatariri paimba yaJehova.
19
Akatora ʋakuru ʋamazana, naʋaKari, naʋarindi ʋamambo, naʋanhu ʋose ʋenyika, ʋakaɓurusa mambo paimba yaJehova, ʋakaenda kumba kwamambo nenzira yesuʋo raʋarindi ʋamambo. Iye akagara pacigaro coʋushe camadzimambo.
20
Naiɀoɀo ʋanhu ʋose ʋenyika ʋakafara, guta rikanyarara; ʋakaʋuraya Ataria nomunondo paimba yamambo.
21
Jehoashi wakataŋga kuɓata ʋushe anamakore manomŋe.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25