bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 4
2 Kings 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 5 →
1
Ɀino mumŋe mukadzi waʋakadzi ʋaʋanakomana ʋaʋaprofita wakacema kunaErisha, akati: Muranda wenyu, murume waŋgu, wafa; munoziʋa kuti muranda wenyu wakaŋga acitya Jehova; ɀino uyo, waakaŋga atora cikwerete kwaari, waʋuya kuzotora ʋana ʋaŋgu ʋaʋiri kuzoʋa ʋaranda ʋake.
2
Erisha akati kwaari: Ndiŋgakuɓatsira seiko? Ndiʋudze. Uneiko mumba mako? Iye akati: Murandakadzi wenyu haanecinhu mumba, asi hari inamafuta.
3
Ipapo akati: Enda undokwereta kunaʋose ʋaugere naʋo midziyo isineciro; usakwereta mishoma.
4
Ɀino upinde, iwe naʋana ʋako, ndokupfiga mukoʋa, uɗire mumidziyo iyo yose, ucigadzika yose yazara kurutiʋi.
5
Naiɀoɀo akabva kwaari, akapfiga mukoʋa, iye naʋana ʋake ʋari mukati; iʋo ʋakamuȿitsa midziyo, akaɗira.
6
Midziyo yakati yazara, akati kumŋanakomana wake: Ndipe ɀe mumŋe mudziyo. Iye akati kwaari: Hapacinomumŋe mudziyo; mafuta akaguma ʋo.
7
Ipapo akandoʋudza munhu waMŋari, iye akati: Cienda undoteŋgesa mafuta, uripe cikwerete cako, urarame neɀakasara, iwe naʋanakomana ʋako.
8
Ɀino mumŋe musi Erisha akapfuʋura napaShunemi, pakaŋga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya ɀokudya. Ɀino ŋguʋa dzose kana acipfuʋura napo, waitsaukira’ko kuzodya ɀokudya.
9
Akati kumurume wake: Tarirai ɀino, ndinoʋona kuti uyu murume, unosipfuʋura nokwatiri, munhu mutȿene waMŋari.
10
Ŋgatiʋake kamuri ɗuku pamsoro poruȿiŋgo, timuisire’mo mubeda, netafura, necigaro, necigadziko comŋenje; ɀino kana aciŋge aciʋuya kwatiri, agotsaukira’mo.
11
Ɀino mumŋe musi akaȿika’po, akatsaukira kukamuri iyo ɗuku, akandoʋata’mo.
12
Akati kunaGehazi muranda wake: Ƌana mukadzi uyu muShunemi. Wakati amuɗana, iye akamira pamberi pake.
13
Akati kwaari: Citaura kwaari ɀino, uti: Tarirai, makaticeŋgeta ɀikuru kwaɀo, ɀino tiŋgakuitirei ʋo? Munoɗa kuti tikureʋerei kunamambo, kana kumukuru wehondo here? Iye akapindura, akati: Ndigere haŋgu ɀakanaka pakati paʋanhu ʋaŋgu.
14
Akati: Ɀino tiŋgamuitireiko? Gehazi akapindura, akati: Ɀirokwaɀo haanomŋanakomana, nomurume wake wakwegura.
15
Iye akati: Muɗane. Wakati amuɗana, iye akamira pamukoʋa.
16
Akati: Neŋguʋa ino kana gore rapera, ucafuŋgatira mŋana. Iye akati: Kwete, ishe waŋgu, munhu waMŋari, regai kureʋa nhema kumurandakadzi wenyu.
17
Mukadzi akaʋa nemimba, akapona mŋanakomana neŋguʋa iyo pakupera kwegore, seɀakaŋga ɀataura Erisha kwaari.
18
Ɀino mŋana wakati akura, akaenda mumŋe musi kunaɓaɓa ʋake kuʋakohwi.
19
Akati kunaɓaɓa ʋake: Musoro waŋgu, musoro waŋgu! Iʋo ʋakati kumuranda: Muɓereke uende naye kunamai ʋake.
20
Iye akamutora, akamuisa kunamai ʋake, akagara pamabvi aʋo kuȿikira masikati makuru, akafa.
21
Iʋo ʋakakwira, ʋakandomuradzika pamubeda womunhu waMŋari, ʋakamupfigira’mo, ʋakaɓuɗa.
22
Akaɗana murume wake, akati: Nditumire ʋo mumŋe muranda nemboŋgoro imŋe, ndimhanyire kumunhu waMŋari, ndigodzoka ɀe.
23
Iye akati: Unoɗa kuendireiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara kwomŋedzi, kana Saɓata. Iye akati: Haɀinemhoȿa.
24
Ɀino akaisa cigaro pamboŋgoro, akati kumuranda wake: Uifambise, ipfuʋurire mberi; rega kundinonosa pakufamba, asi kana ndikakuʋudza.
25
Naiɀoɀo akaenda, akaȿika kumunhu waMŋari pagomo reKarmeri. Munhu waMŋari wakati acimuʋona aciri kure, akati kunaGehazi muranda wake: Tarira hoyo mukadzi muShunemi.
26
Mhanya hako ɀino undosoŋgana naye, uti kwaari: Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomŋana wakafara here? Iye akapindura, akati: Haiwa, takafara heɗu!
27
Ɀino wakati aȿika kumunhu waMŋari pagomo, akaɓata tsoka dzake. Gehazi akasweɗera aciɗa kumusundira kure; asi munhu waMŋari akati: Murege hake, nokuti mŋeya wake uneshuŋgu mukati make. Asi Jehova wakandiʋanzira iɀoɀo, haana‐kundiʋudza.
28
Ipapo iye akati: Ko ndakakumbira mŋanakomana kunashe waŋgu here? Ko handina‐kuti: Regai kundinyeŋgedzera here?
29
Ipapo akati kunaGehazi: Ciɀisuŋga ciʋuno, uɓate tȿimbo yaŋgu muruʋoko rwako, uende; kana ukasoŋgana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumŋe akakukwazisa, usamuɗaʋira; ugondoisa tȿimbo yaŋgu pamsoro peciso comŋana.
30
Ɀino mai ʋomŋana ʋakati: NaJehova mupenyu, ʋuye nomŋeya wenyu mupenyu, handiŋgakusiyiyi. Akasimuka, akamuteʋera.
31
Gehazi akaʋatuŋgamirira, akandoisa tȿimbo paciso comŋana, asi kwakaŋga kusino‐kutaura kana kunzwa. Naiɀoɀo akadzoka kuzosoŋgana naye, akati kwaari: Mŋana haana‐kupepuka.
32
Erisha wakati apinda mumba akawana mŋana akafa, akaradzikwa pamubeda wake.
33
Naiɀoɀo akapinda, akapfiga mukoʋa, iye ari mukati nomŋana, iʋo ʋaʋiri, akanyeŋgetera kunaJehova.
34
Akakwira, akatsiʋama pamsoro pomŋana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaʋoko ake pamaʋoko ake; akatsiʋama pamsoro pake; nyama yomŋana ikadziya.
35
Ɀino akadzoka, akafamba‐famba mumba kamŋe, akakwira ɀe, akatsiʋama pamsoro pake; mŋana akahotsira kanomŋe, mŋana ndokuȿinudza meso ake.
36
Ipapo akaɗana Gehazi, akati: Ƌana mukadzi muShunemi. Akamuɗana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati: Simudza mŋanakomana wako.
37
Ɀino iye akapinda, akaɀiwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mŋanakomana wake, akaɓuɗa.
38
Ɀino Erisha akaenda ɀe Girgari; nzara yakaŋga iri’po panyika; ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaŋga ʋagere pamberi pake, akati kumuranda wake: Gadza hari huru, uɓikire ʋanakomana ʋaʋaprofita ɀokudya.
39
Ɀino mumŋe akaenda kusaŋgo kundotanha miriʋo, akawana muti unotanda, akatanha’po magake, akazadza ŋguʋo yake nawo, akaȿika akaacekera muhari yeɀokudya, nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgaaziʋi.
40
Ɀino ʋakapakurira ʋanhu kuti ʋadye. Iʋo ʋakati ʋodya ɀokudya, ʋakaɗanidzira, ʋakati: Munhu waMŋari, rufu ruri muhari. Ʋakasagona kuɀidya.
41
Asi iye akati: Ʋuyai noʋupfu. Akabguɗira muhari, akati: Cipakurai henyu, ʋanhu ʋadye. Ɀino kwakaŋga kusinecinhu cakaipa muhari.
42
Ɀino mumŋe murume wakaȿika, acibva Baari‐sharisha, akaʋigira munhu waMŋari ɀokudya ɀeɀitȿa, ɀiŋgwa ɀebari ɀinamakumi maʋiri, nehura itȿa dzeɀiyo muhomo yake. Akati: Ipai ʋanhu, ʋadye.
43
Muranda wake akati: Ndiŋgaisa iɀi pamberi paʋanhu ʋanezana seiko? Asi iye akati: Ipai ʋanhu, ʋadye, nokuti ɀanzi naJehova: Ʋacadya, ʋakasiya ɀimŋe.
44
Naiɀoɀo akaɀiisa pamberi paʋo, ʋakadya, ʋakasiya ɀimŋe, seɀakataura shoko raJehova.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25