bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 14
2 Kings 14
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 15 →
1
Negore recipiri raJoashi mŋanakomana waJoahazi mambo waIsraeri, Amazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe.
2
Akataŋga kuɓata ʋushe anamakore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jehoadini weJerusarema.
3
Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, asi haana‐kufanana naɓaɓa ʋake Davidi; akaita ɀose ɀakaita ɓaɓa ʋake Joashi.
4
Asi matunhu akakwirira haana‐kubviswa, asi ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
5
Ɀino ʋushe bgakati ʋucaŋgosimbiswa naye, akaʋuraya ʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋaʋuraya mambo ɓaɓa ʋake.
6
Asi haana‐kuʋuraya ʋana ʋaʋaʋurayi, seɀaɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi, seɀakaraira Jehova, aciti: Madziɓaɓa ŋgaarege kuʋurawa nokuɗa kwaʋana, kana ʋana ŋgaʋarege kuʋurawa nokuɗa kwamadziɓaɓa; asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaafire ɀiʋi ɀake.
7
Akaʋuraya ʋaneɀuru ɀinegumi ɀaʋaEdomi pamupata womunyu, akakunda ʋo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Jokteeri, kuȿikira zuʋa ranhasi.
8
Ɀino Amazia akatuma nhume kunaJehoashi mŋanakomana waJehoahazi mŋanakomana waJehu, mambo waIsraeri, akati: Ʋuya, tiʋonane.
9
Jehoashi mambo waIsraeri akatuma shoko kunaAmazia mambo waJuda, akati: Rukato rwakaŋga ruri paRebanoni rwakatuma shoko kumusidari wakaŋga uri paRebanoni, rukati: Ipa mŋanakomana waŋgu mukunda wako, aʋe mukadzi wake; ɀino imŋe mhuka yakaŋga iri paRebanoni ikapfuʋura’po, ikatsika‐tsika rukato.
10
Iwe wakunda ʋaEdomi, ɀino mŋoyo wako woɀikudza; ciɀikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotȿakireiko njodzi, uwire’mo, iwe naJuda pamŋe cete newe?
11
Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naiɀoɀo Jehoashi mambo waIsraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJuda ʋakaʋonana paBeti‐shemeshi raiʋa raJuda.
12
ƲaJuda ʋakakundwa naʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe akatizira kutente rake.
13
Jehoashi mambo waIsraeri akasuŋga Amazia mambo waJuda, mŋanakomana waJehoashi, mŋanakomana waAhazia, paBeti‐shemeshi, akaȿika Jerusarema, akaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, kubva pasuʋo raEfraimi kuȿikira pasuʋo rapakona, makubiti anamazana manna.
14
Akatora ndarama yose nesirveri, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehova, napafuma yomumba mamambo, naʋanhu kuzoʋa ruɓatso, akadzokera Samaria.
15
Ɀino mamŋe maɓasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJuda, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
16
Jehoashi akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paSamaria kunamadzimambo aIsraeri; Jeroboami akamuteʋera paʋushe.
17
Amazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda wakaramba ari mupenyu makore anegumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mŋanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.
18
Ɀino mamŋe maɓasa aAmazia haana‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
19
Ɀino ʋakaraŋgana kumuʋuraya paJerusarema, akatizira Rakishi; asi ʋakatuma ʋanhu Rakishi ʋacimuteʋera, ʋakamuʋurayira’po.
20
Ʋakaʋuya naye pamabiza, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi.
21
Ɀino ʋanhu ʋose ʋaJuda ʋakatora Azaria, wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Amazia.
22
Akaʋaka Erati, akaridzosera kunaJuda, mambo aʋata namadziɓaɓa ake.
23
Negore regumi namashanu raAmazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda, Jeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri, akataŋga kuɓata ʋushe paSamaria, akaʋuɓata makore anamakumi manna nerimŋe.
24
Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀose ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
25
Akakunda ɀe nyika yaIsraeri, kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira paguŋgwa reAraba, seɀakarebga neshoko raJehova, Mŋari waIsraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mŋanakomana waAmitai, muprofita weGati‐heferi.
26
Nokuti Jehova wakaʋona kutambudzika kwaIsraeri, kuti kwakaŋga kwakanyanya kwaɀo; nokuti kwakaŋga kusinaʋakuru naʋaɗuku, kwakaŋga kusinomuɓetseri waIsraeri.
27
Asi Jehova haana‐kutaura kuti ucadzima zita raIsraeri pasi peɗeŋga, asi wakaʋaponesa noruʋoko rwaJeroboami mŋanakomana waJoashi.
28
Ɀino mamŋe maɓasa aJeroboami, neɀose ɀaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Damasko neHamati kunaIsraeri, aiʋa maguta aJuda, haɀinakunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
29
Jeroboami akaʋata namadziɓaɓa ake, madzimambo aIsraeri; Zekaria mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25