bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 8
2 Kings 8
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 9 →
1
Ɀino Erisha wakataura nomukadzi uya waakaŋga amutsira mŋanakomana wake, akati: Simuka uende, iwe neimba yako, undogara kwaunogona kugara hako; nokuti Jehova wakaraira nzara; icaʋa panyika makore manomŋe.
2
Ɀino mukadzi akasimuka, akaita seɀaakaʋudzwa nomunhu waMŋari, akaenda naʋeimba yake, akandogara panyika yaʋaFiristia makore manomŋe.
3
Ɀino makore iwayo akati apera, mukadzi ndokudzoka kunyika yaʋaFiristia; akaenda kunamambo kundocema pamsoro peimba yake nomunda wake.
4
Ɀino mambo wakaŋga acitaurirana naGehazi muranda womunhu waMŋari, mambo akati: Ƌondirondedzera ʋo ɀinhu ɀose ɀikuru, ɀakaitwa naErisha.
5
Ɀino wakati acaʋudza mambo kuti wakamutsa wakafa, iye mukadzi wakaŋga amutsirwa mŋanakomana wake, akacema kunamambo pamsoro peimba yake nomunda wake. Ipapo Gehazi akati: Ishe waŋgu mambo, ndiyeyu mukadzi, noyuyu ndiye mŋanakomana wake, wakamutswa naErisha.
6
Mambo wakati abvunza mukadzi, iye akamuʋudza. Naiɀoɀo mambo wakaraira mumŋe mukuru pamsoro pake, akati: Mudzosere ɀose ɀaiʋa ɀake, nemicero yomunda, kubva pazuʋa raakabva naro panyika kuȿikira ɀino.
7
Ɀino Erisha wakaȿika Damasko; Beni‐hadadi mambo weSiria wakaŋga acirwara, akaʋudzwa, ɀicinzi: Munhu waMŋari waȿika pano.
8
Ipapo mambo akati kunaHazaeri: Tora cipo muruʋoko rwako, undosoŋgana nomunhu waMŋari, ubvunze Jehova naye, uti: Ndicapora pakurwara uku here?
9
Naiɀoɀo Hazaeri akandosoŋgana naye, akaenda necipo ceɀose ɀakaŋga ɀakanaka paDamasko, mutoro wakariŋgana makamera anamakumi manna, akaȿika akamira pamberi pake, akati: Mŋanakomana wenyu Beni‐hadadi mambo weSiria, wakandituma kwamuri, aciti: Ndicapora here pakurwara uku?
10
Erisha akati kwaari: Enda, undoti kwaari: Ɀirokwaɀo hauŋgapori; asi Jehova wakandiratidza kuti ɀirokwaɀo iye ucafa.
11
Akaramba akamunaŋanidza kuȿikira anyara; munhu waMŋari akacema.
12
Ipapo Hazaeri akati: Munocemeiko, ishe waŋgu? Akapindura, akati: Nokuti ndinoziʋa ɀakaipa ɀaucaitira ʋana ʋaIsraeri; ucapisa nhare dzaʋo, ucaʋuraya majaya aʋo nomunondo, ucapxanya pxere dzaʋo, ucatumbura ʋakadzi ʋaʋo ʋanemimba.
13
Hazaeri akati: Ko muranda wenyu cinyiko, iyo imbga hayo, kuti ndiite cinhu ici cikuru cakaɗai? Erisha akapindura, akati: Jehova wakandiziʋisa, kuti iwe ucaʋa mambo weSiria.
14
Ipapo akabva kunaErisha, akaenda kunatenzi wake; iye akati kwaari: Erisha wati kuɗiniko kwauri? Akapindura, akati: Wakandiʋudza kuti ɀirokwaɀo mucapora henyu.
15
Ɀino fume maŋgwana akatora jira, akarinyika mumvura, ndokumufumbira ciso, naiɀoɀo akafa; Hazaeri akamuteʋera paʋushe.
16
Ɀino negore recishanu raJorami mŋanakomana waAhabi, mambo waIsraeri, Jehoshafati ari mambo waJuda, Jehorami mŋanakomana waJehoshafati mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe.
17
Iye akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi matatu namaʋiri; akaɓata ʋushe paJerusarema makore masere.
18
Akafamba nenzira yamadzimambo aIsraeri, seɀakaita imba yaAhabi; nokuti mukunda waAhabi waiʋa mukadzi wake; akaita ɀakaipa pamberi paJehova.
19
Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakaŋga asiŋgaɗi kuparadza Juda, nokuɗa kwaDavidi muranda wake, nokuti wakaŋga amupikira, kuti ucamupa mŋenje waʋana ʋake ŋguʋa dzose.
20
Ɀino namazuʋa ake ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, ʋakaɀigadzira mambo.
21
Ipapo Jorami akaenda Zairi, aneŋgoro dzake dzose; akamuka ʋusiku, akaparadza ʋaEdomi ʋakaŋga ʋakamukomba naʋakuru ʋeŋgoro; ʋanhu ʋakatizira kumatente aʋo.
22
Naiɀoɀo ʋaEdomi ʋakamukira ʋaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi. Ipapo Ribna akaʋamukira ʋo neŋguʋa iyo.
23
Mamŋe maɓasa aJorami, neɀose ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
24
Jorami akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi; Ahazia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
25
Negore regumi namaʋiri raJorami mŋanakomana waAhabi mambo waIsraeri, Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe.
26
Ahazia wakaŋga anamakore anamakumi maʋiri namaʋiri pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe; akaɓata ʋushe paJerusarema gore rimŋe. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Ataria, mukunda waOmri mambo waIsraeri.
27
Iye wakafamba nenzira yeimba yaAhabi, akaita ɀakaipa pamberi paJehova, seɀakaitwa neimba yaAhabi; nokuti wakaŋga ari mukuwasha weimba yaAhabi.
28
Akaenda naJorami mŋanakomana waAhabi kundorwa naHazaeri mambo weSiria paRamoti‐gireadi; ʋaSiria ʋakakuʋadza Jorami.
29
Mambo Jorami akadzokera Jezreeri kuti arapxe maʋaŋga ake aakatemŋa naʋaSiria paRama, ŋguʋa yaakarwa naHazaeri mambo weSiria. Ipapo Ahazia mŋanakomana waJehorami mambo waJuda akaenda kundoʋona Jorami mŋanakomana waAhabi paJezreeri, nokuti wakaŋga acirwara.
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25