bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
2 Kings 16
2 Kings 16
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 17 →
1
Negore regumi namanomŋe raPeka mŋanakomana waRemaria, Ahazi mŋanakomana waJotami mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe.
2
Ahazi akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi maʋiri; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi namatanhatu. Asi haana‐kuita ɀakarurama pamberi paJehova Mŋari wake, saɓaɓa ʋake Davidi.
3
Nokuti wakafamba nenzira yamadziɓaɓa aIsraeri, akapinza ʋo mŋanakomana wake mumŋoto netsika dzeɀinonyaŋgadza ɀaʋahedeni, ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
4
Akaɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira, napaɀikomo, napasi pemiti yose mitema.
5
Ipapo Rezini mambo weSiria, naPeka mŋanakomana waRemaria, mambo waIsraeri, ʋakaȿika Jerusarema kuzorwa naye; ʋakakomba Ahazi, asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumukunda.
6
Neŋguʋa iyo Rezini mambo weSiria akadzosera ɀe Siria Erati, akadziŋga ʋaJuda paErati; ʋakaenda Erati, ʋakagara’po kuȿikira nhasi.
7
Ɀino Ahazi akatuma nhume kunaTigrati‐pireseri mambo weAsiria, akati: Ndiri muranda wenyu nomŋanakomana wenyu; ʋuyai mundirwire muruʋoko rwamambo weSiria, nomuruʋoko rwamambo waIsraeri, ʋanondimukira.
8
Ipapo Ahazi akatora sirveri nendarama ɀakawanikwa mumba maJehova, napafuma yeimba yamambo, akaɀituma kunamambo weAsiria, ciʋe cipo.
9
Mambo weAsiria akamunzwa, mambo weAsiria akandorwa neDamasko, akarikunda, akatapa ʋanhu, akaʋaisa Kiri, akaʋuraya Rezini.
10
Ɀino mambo Ahazi akaenda Damasko kundosoŋgana naTigrati‐pireseri mambo weAsiria, akaʋona artari yakaŋga iri paDamasko; mambo Ahazi akatuma mufananidzo weartari kunaUria muprista, nomuʋakirwe wayo, nomuitirwe wayo wose.
11
Muprista Uria akaʋaka artari yakafanana neɀose ɀakaŋga ɀatumŋa namambo Ahazi aciri Damasko, muprista Uria akaiita saiɀoɀo mambo Ahazi acigere kudzoka Damasko.
12
Ɀino mambo wakati adzoka Damasko, mambo akaʋona artari, mambo akasweɗera paartari, kuzoɓayira pamsoro payo.
13
Akapisira pamsoro peartari cipiriso cake cinopiswa, necipiriso cake coʋupfu, akaɗururira’po cipiriso cake cinoɗururwa, akasasira’po ropa reɀipiriso ɀake ɀokuyananisa.
14
Ʋuye artari yendarira, yaiʋa pamberi paJehova, wakaibvisa pamukoʋa weimba, pakati peartari yake neimba yaJehova, akaiisa kurutiʋi rwokumsoro rweartari yake.
15
Ɀino mambo Ahazi akaraira muprista Uria, akati: Cipisira cipiriso camaŋgwanani paartari huru, necipiriso coʋupfu camaɗekwana, necipiriso camambo cinopiswa, necipiriso cake coʋupfu, necipiriso caʋanhu ʋose ʋenyika, necipiriso caʋo coʋupfu, neɀipiriso ɀaʋo ɀinoɗururwa; ʋuye usasire pamsoro payo ropa rose recipiriso cinopiswa, neropa rose reɀiɓayiro; asi artari yendarira ndiyo yandicabvunza Mŋari nayo.
16
Naiɀoɀo muprista Uria akaita ɀose ɀaakaŋga arairwa namambo Ahazi.
17
Mambo Ahazi akagura ʋukomba bgeɀiŋgoro, akabvisa mudziyo wokushamba pamsoro paɀo, akabvisa ʋo dziʋa pamsoro penzombe dzendarira dzakaŋga dziri pasi paro, akariisa pacigadziko camabge.
18
Nenzira, yaiʋa neɗeŋga, yakaitirwa saɓata, yaʋakaŋga ʋaʋaka mumba, nomukoʋa wamambo necokunze, wakaɀishandura mukati meimba yaJehova, nokuɗa kwamambo weAsiria.
19
Ɀino mamŋe maɓasa aAhazi aakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadziɓaɓa aJuda?
20
Ahazi akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi, Hezekia mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
← Chapter 15
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 17 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25